Jobho 41:1-34

  • Mwari anorondedzera kushamisa kunoita Revhiatani (1-34)

41  “Ungabata Revhiatani*+ nechirauro here,Kana kusunga rurimi rwayo netambo?   Ungaisa tambo mumhino dzayo here,Kana kuboora shaya dzayo nechirauro?*   Ingakuteterera kazhinji here,Kana kuti ingataura newe zvinyoronyoro here?   Ingaita sungano newe,Zvekuti ungaiita muranda wako kweupenyu hwese here?   Ungatamba nayo sezvaunoita neshiri here,Kana kuisunga netambo kuti tuvana twako tusikana tutambe nayo?   Vanhu vangaitengeserana here? Vatengesi vangaigovana here?   Ungazadza ganda rayo nemapfumo ekubayisa hove huru here,+Kana kubaya musoro wayo nemapfumo ekubayisa hove?   Isa ruoko rwako pairi;Hauzombokanganwi hondo yacho uye hauzozviiti zvakare!   Tarisiro yese yekuibata inoshaya basa. Kungoiona chete kunokupedza simba.* 10  Hapana munhu angashinga kuidenha. Saka ndiani iyeye angada kumirisana neni?+ 11  Ndiani akatanga kundipa chimwe chinhu zvekuti ndinofanira kumuripa?+ Zvese zviri pasi pedenga ndezvangu.+ 12  Handizorambi ndakanyarara nezvemakumbo ayo,Nezvesimba rayo uye kuumbika kwakaita muviri wayo. 13  Ndiani akambobvisa nguo yayo yekunze? Ndiani angapinda mumuromo wayo wakavhurika? 14  Ndiani angashinga kuvhura masuo emuromo wayo?* Mazino ayo anotyisa. 15  Musana wayo une mitsara yemakwati*Yakanyatsobatana. 16  Rimwe nerimwe rakanyatsopindana nerimweZvekuti hapana mhepo inokwanisa kupinda nepakati pawo. 17  Akanamatirana;Akabatana uye haakwanisi kupatsanurwa. 18  Kuhotsira kwayo kunopenya kuchibudisa chiedza,Uye maziso ayo akafanana nemwaranzi yemambakwedza. 19  Mumuromo mayo munobuda kupenya kwemheni;Moto unodauka-dauka uchibudamo. 20  Mumhino dzayo munobuda utsi,Sezvinoita muchoto mukaiswa nhokwe. 21  Kufema kwayo kunoita kuti mazimbe abvire,Uye rimi rinobuda mumuromo mayo. 22  Mumutsipa mayo mune simba guru,Uye vese vanosangana nayo vanotya. 23  Ganda repadumbu payo rakaomarara;Rakasimba kunge simbi, risingakwanisi kubviswa. 24  Mwoyo wayo wakaoma sedombo,Kuoma seguyo. 25  Painosimuka, kunyange vane simba vanovhunduka;Painorova mvura vanoshaya zvekuita. 26  Hapana bakatwa rinosvika pairi rinokunda;Kana pfumo, museve, kana chimwe chombo.+ 27  Inoona simbi semashanga,Mhangura semuti wakaora. 28  Haitizi museve;Kwairi matombo echipfuramabwe akaita semashanga. 29  Inoona tsvimbo seshanga,Uye inoseka kurira kwepfumo diki. 30  Pasi payo pakaita sezvaenga* zvakapinza;Inofamba ichisiya muzvezve mumadhaka sechirei chekupurisa.+ 31  Inoita kuti pasi pasi pemvura pafashaire sehari;Inobvongodza gungwa roita sehari yemafuta ekuzora. 32  Painopfuura napo panosara pachipenya. Munhu angafunga kuti mumvura mune bvudzi jena. 33  Hapana chakafanana nayo panyika,Mhuka yakasikwa isingatyi. 34  Inonyatsotarisana kumeso nemhuka dzese dzinozvikudza. Iyo ndimambo wezvikara zvikuru zvese.”

Mashoko Emuzasi

Rinogona kunge riri garwe.
ChiHeb., “nemunzwa.”
Kana kuti “kunoita kuti uwire pasi.”
ChiHeb., “echiso chayo.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “Inozvikudza nemitsara yayo yemakwati.”
Ona mashoko emuzasi ari pana Job 2:8.