Jobho 31:1-40

  • Jobho anozvipupurira kuti akarurama (1-40)

    • “Sungano nemaziso angu” (1)

    • Anokumbira kuti Mwari amuise pachikero (6)

    • Haasi mhombwe (9-12)

    • Haasi munhu anoda mari (24, 25)

    • Haanamati zvidhori (26-28)

31  “Ndakaita sungano nemaziso angu.+ Saka ndingatarisa sei mhandara ndichiichiva?+   Kana ndikadaro ndingawana mugove wei kuna Mwari ari kumusoro,Uye ndingawana nhaka yei kune Wemasimbaose ari kumusoro?   Dambudziko harina kumirira mutadzi here? Uye nhamo haina kumirira vaya vanoita zvakaipa here?+   Ko iye haaoni here nzira dzangu+Nekuverenga nhanho dzangu dzese?   Ndakambofamba ndichireva nhema* here? Tsoka yangu yakambomhanyira kunonyengera here?+   Mwari ngaandiyere pachikero chakarurama;+Achabva aziva kuperera kwangu kwaari.+   Kana nhanho dzangu dzikatsauka munzira+Kana kuti mwoyo wangu ukatevera maziso angu+Kana kuti maoko angu akasvibiswa,   Regai ndidyare mbeu mumwe munhu odya,+Uye zvandinenge ndadyara ngazvidzurwe.*   Kana ndakatorwa mwoyo nemumwe mukadzi,+Ndikaramba ndakahwandira+ pasuo remuvakidzani wangu, 10  Mudzimai wangu ngaakuyire mumwe murume,Uye vamwe varume ngavarare naye.*+ 11  Nekuti ndikadaro ndinenge ndaita zvinonyadzisa,Uye chitadzo chakadaro chingada kuti ndirangwe nevatongi.+ 12  Chingaita semoto unororomesa, unoparadza,+Unopisa kunyange midzi yezvirimwa* zvangu zvese. 13  Kana ndairamba kuteerera murandarume kana murandakadzi wanguKana paine zvaari kunyunyuta pamusoro pangu,* 14  Ndingaita sei kana Mwari akazondibvunza?* Ndingamupindura kuti chii kana akaita kuti ndizvidavirire?+ 15  Iye akandiita muchibereko haasi iye akavaitawo here?+ Haasi iye mumwe chete akatiumba tisati tazvarwa* here?+ 16  Kana ndainyima varombo zvavaida+Kana kuti ndaiita kuti chirikadzi isuwe;*+ 17  Kana ndaidya ndega mugove wangu wezvekudyaNdichinyima nherera;+ 18  (Nekuti kubvira ndichiri mudiki nherera yakakura neni sekunge kuti ndini ndaiva baba vayo,Uye ndaitungamirira chirikadzi kubvira ndichiri mudiki.*) 19  Kana ndaiona mumwe munhu achiparara nekushaya chekupfekaKana kuti murombo asina chekufuka;+ 20  Kana asina kundikomborera+Paaidziyirwa nemvere dzemakwai angu; 21  Kana ndaisimudzira nherera chibhakera+Payaida rubatsiro rwangu pamagedhi eguta;*+ 22  Ruoko rwangu ngarudonhe* kubva pabendekete rangu,Uye ruoko rwangu ngarutyoke nepagokora.* 23  Nekuti ndaitya njodzi inobva kuna Mwari,Uye ndaisakwanisa kumira pamberi pekukudzwa kwake. 24  Kana ndaivimba negoridheKana kuti ndaiti kugoridhe, ‘Ndiwe unondichengetedza!’+ 25  Kana ndaifarira kuwanda kwepfuma yangu+Nekuti ndakanga ndawana zvinhu zvizhinji;+ 26  Kana ndaiona zuva richipenya*Kana kuti mwedzi uchifamba nerunako rwawo;+ 27  Uye kana mwoyo wangu wakanyengerwa pachivande,Ndikatsvoda ruoko rwangu ndichizvinamata;+ 28  Ikoko kungava kukanganisa kunoda kuti ndirangwe nevatongi,Nekuti ndinenge ndaramba Mwari wechokwadi ari kumusoro. 29  Ndakambofarira kuparara kwemuvengi wangu here+Kana kufarira kuti zvakaipa zvamuwana? 30  Handina kumbobvumira kuti muromo wangu utadzeNekupika ndichikumbira kuti afe.*+ 31  Vanhu vemutende rangu havana here kuti,‘Ndiani wamunoziva asina kumbodya zvekudya zvake akaguta?’+ 32  Hapana mutorwa airara panze;+Ndaizarurira munhu anenge ari parwendo masuo angu. 33  Ndakamboedza kufukidza kudarika kwangu sezvinoita vamwe varume here,+Ndichivanza kukanganisa kwangu muhomwe yehembe yangu? 34  Ndakambotya kuti ruzhinji ruchaita sei here,Kana kutya kuti ndinozoshorwa nedzimwe mhuri,Ndichiramba ndakanyarara, uye ndichitya kubuda panze? 35  Dai mumwe munhu ainditeerera!+ Ndainyora zita rangu pamashoko andataura. Wemasimbaose ngaandipindure!+ Dai mupomeri wangu anyora gwaro rezvaari kundipomera! 36  Ndairitakura papfudzi rangu,Ndorisungirira mumusoro mangu sekorona. 37  Ndaimuudza zvese zvandainge ndaita;Ndaiuya kwaari nechivimbo, sejinda. 38  Kana munda wangu wakandichemeraUye miforo yawo yakachema pamwe chete; 39  Kana ndakadya zvibereko zvawo ndisingabhadhari,+Kana kuti ndakaita kuti vaiva varidzi vawo vasare vasina tariro;+ 40  Minzwa ngaimere panzvimbo pegorosiUye sora rinonhuhwa ngarimere panzvimbo pebhari.” Mashoko aJobho anoperera pano.

Mashoko Emuzasi

Dzimwe shanduro dzinoti, “nevanhu venhema.”
Kana kuti “vazukuru vangu ngavadzurwe.”
ChiHeb., “ngavapfugame pamusoro pake.”
Kana kuti “Unodzura zvirimwa.”
Kana kuti “Kana paine nyaya yaari kuda kuti titonganiswe.”
ChiHeb., “akasimuka?”
ChiHeb., “muchibereko.”
ChiHeb., “ndaiita kuti maziso echirikadzi anete.”
ChiHeb., “ndichiri mudumbu raamai vangu.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “Pandaiona kuti ndine rutsigiro pamagedhi eguta.”
Kana kuti “Pfupa rangu repabendekete ngaridonhe.”
Kana kuti “neparwakabata napo; nepapfupa rarwo repamusoro.”
ChiHeb., “chiedza chichipenya.”
Kana kuti “ndichikumbira mweya wake.”