Jobho 31:1-40
31 “Ndakaita sungano nemaziso angu.+
Saka ndingatarisa sei mhandara ndichiichiva?+
2 Kana ndikadaro ndingawana mugove wei kuna Mwari ari kumusoro,Uye ndingawana nhaka yei kune Wemasimbaose ari kumusoro?
3 Dambudziko harina kumirira mutadzi here?
Uye nhamo haina kumirira vaya vanoita zvakaipa here?+
4 Ko iye haaoni here nzira dzangu+Nekuverenga nhanho dzangu dzese?
5 Ndakambofamba ndichireva nhema* here?
Tsoka yangu yakambomhanyira kunonyengera here?+
6 Mwari ngaandiyere pachikero chakarurama;+Achabva aziva kuperera kwangu kwaari.+
7 Kana nhanho dzangu dzikatsauka munzira+Kana kuti mwoyo wangu ukatevera maziso angu+Kana kuti maoko angu akasvibiswa,
8 Regai ndidyare mbeu mumwe munhu odya,+Uye zvandinenge ndadyara ngazvidzurwe.*
9 Kana ndakatorwa mwoyo nemumwe mukadzi,+Ndikaramba ndakahwandira+ pasuo remuvakidzani wangu,
10 Mudzimai wangu ngaakuyire mumwe murume,Uye vamwe varume ngavarare naye.*+
11 Nekuti ndikadaro ndinenge ndaita zvinonyadzisa,Uye chitadzo chakadaro chingada kuti ndirangwe nevatongi.+
12 Chingaita semoto unororomesa, unoparadza,+Unopisa kunyange midzi yezvirimwa* zvangu zvese.
13 Kana ndairamba kuteerera murandarume kana murandakadzi wanguKana paine zvaari kunyunyuta pamusoro pangu,*
14 Ndingaita sei kana Mwari akazondibvunza?*
Ndingamupindura kuti chii kana akaita kuti ndizvidavirire?+
15 Iye akandiita muchibereko haasi iye akavaitawo here?+
Haasi iye mumwe chete akatiumba tisati tazvarwa* here?+
16 Kana ndainyima varombo zvavaida+Kana kuti ndaiita kuti chirikadzi isuwe;*+
17 Kana ndaidya ndega mugove wangu wezvekudyaNdichinyima nherera;+
18 (Nekuti kubvira ndichiri mudiki nherera yakakura neni sekunge kuti ndini ndaiva baba vayo,Uye ndaitungamirira chirikadzi kubvira ndichiri mudiki.*)
19 Kana ndaiona mumwe munhu achiparara nekushaya chekupfekaKana kuti murombo asina chekufuka;+
20 Kana asina kundikomborera+Paaidziyirwa nemvere dzemakwai angu;
21 Kana ndaisimudzira nherera chibhakera+Payaida rubatsiro rwangu pamagedhi eguta;*+
22 Ruoko rwangu ngarudonhe* kubva pabendekete rangu,Uye ruoko rwangu ngarutyoke nepagokora.*
23 Nekuti ndaitya njodzi inobva kuna Mwari,Uye ndaisakwanisa kumira pamberi pekukudzwa kwake.
24 Kana ndaivimba negoridheKana kuti ndaiti kugoridhe, ‘Ndiwe unondichengetedza!’+
25 Kana ndaifarira kuwanda kwepfuma yangu+Nekuti ndakanga ndawana zvinhu zvizhinji;+
26 Kana ndaiona zuva richipenya*Kana kuti mwedzi uchifamba nerunako rwawo;+
27 Uye kana mwoyo wangu wakanyengerwa pachivande,Ndikatsvoda ruoko rwangu ndichizvinamata;+
28 Ikoko kungava kukanganisa kunoda kuti ndirangwe nevatongi,Nekuti ndinenge ndaramba Mwari wechokwadi ari kumusoro.
29 Ndakambofarira kuparara kwemuvengi wangu here+Kana kufarira kuti zvakaipa zvamuwana?
30 Handina kumbobvumira kuti muromo wangu utadzeNekupika ndichikumbira kuti afe.*+
31 Vanhu vemutende rangu havana here kuti,‘Ndiani wamunoziva asina kumbodya zvekudya zvake akaguta?’+
32 Hapana mutorwa airara panze;+Ndaizarurira munhu anenge ari parwendo masuo angu.
33 Ndakamboedza kufukidza kudarika kwangu sezvinoita vamwe varume here,+Ndichivanza kukanganisa kwangu muhomwe yehembe yangu?
34 Ndakambotya kuti ruzhinji ruchaita sei here,Kana kutya kuti ndinozoshorwa nedzimwe mhuri,Ndichiramba ndakanyarara, uye ndichitya kubuda panze?
35 Dai mumwe munhu ainditeerera!+
Ndainyora zita rangu pamashoko andataura.
Wemasimbaose ngaandipindure!+
Dai mupomeri wangu anyora gwaro rezvaari kundipomera!
36 Ndairitakura papfudzi rangu,Ndorisungirira mumusoro mangu sekorona.
37 Ndaimuudza zvese zvandainge ndaita;Ndaiuya kwaari nechivimbo, sejinda.
38 Kana munda wangu wakandichemeraUye miforo yawo yakachema pamwe chete;
39 Kana ndakadya zvibereko zvawo ndisingabhadhari,+Kana kuti ndakaita kuti vaiva varidzi vawo vasare vasina tariro;+
40 Minzwa ngaimere panzvimbo pegorosiUye sora rinonhuhwa ngarimere panzvimbo pebhari.”
Mashoko aJobho anoperera pano.
Mashoko Emuzasi
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “nevanhu venhema.”
^ Kana kuti “vazukuru vangu ngavadzurwe.”
^ ChiHeb., “ngavapfugame pamusoro pake.”
^ Kana kuti “Unodzura zvirimwa.”
^ Kana kuti “Kana paine nyaya yaari kuda kuti titonganiswe.”
^ ChiHeb., “akasimuka?”
^ ChiHeb., “muchibereko.”
^ ChiHeb., “ndaiita kuti maziso echirikadzi anete.”
^ ChiHeb., “ndichiri mudumbu raamai vangu.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “Pandaiona kuti ndine rutsigiro pamagedhi eguta.”
^ Kana kuti “Pfupa rangu repabendekete ngaridonhe.”
^ Kana kuti “neparwakabata napo; nepapfupa rarwo repamusoro.”
^ ChiHeb., “chiedza chichipenya.”
^ Kana kuti “ndichikumbira mweya wake.”