Jobho 3:1-26

  • Jobho anodemba kuti dai asina kuberekwa (1-26)

    • Anobvunza kuti nei ari kutambura (20, 21)

3  Pashure peizvi, Jobho akatanga kutaura uye kutuka zuva raakaberekwa.*+  Jobho akati:   “Zuva randakaberekwa ngariparare,+Neusiku hwakataurwa nemumwe munhu kuti: ‘Pamuviri pemwana mukomana pabata!’   Zuva iroro ngarive rima. Mwari ari kumusoro ngaarege kufunga nezvaro;Chiedza ngachirege kurivhenekera.   Rima gobvu* ngariritore. Gore remvura ngarigare pamusoro paro. Chese chinosvibisa zuva ngachirivhundutse.   Usiku ihwohwo ngahuve rima gobvu;+Ngahurege kufara pamazuva egore,Uye ngahurege kuverengwa pamazuva emwedzi.   Chokwadi! Usiku ihwohwo ngahurege kubereka;Ngakurege kunzwika kushevedzera kwekufara mahuri.   Vaya vanotuka zuva ngavahutuke,Vaya vanokwanisa kumutsa Revhiatani.*+   Nyeredzi dzemambakwedza ahwo ngadzisvibe;Ngahumirire chiedza chezuva chisingauye,Uye ngahurege kuona mwaranzi yemambakwedza. 10  Nekuti hahuna kuvhara masuo echibereko chaamai vangu;+Uye hahuna kuita kuti maziso angu asaona kutambudzika. 11  Nei ndisina kufa pandakazvarwa? Nei ndisina kufa pandakabuda muchibereko?+ 12  Nei paiva nemabvi ekundigamuchiraUye mazamu ekuti ndiyamwe? 13  Nekuti iye zvino ndingadai ndakarara pasina chinondivhiringa;+Ndingadai ndakarara, ndakazorora+ 14  Nemadzimambo enyika nemakurukota awo,Akazvivakira nzvimbo dzava matongo,* 15  Kana nemachinda aiva negoridhe,Aiva nedzimba dzakazara nesirivha. 16  Kana kuti nei ndisina kuita sepamuviri panobva pasingazivikanwi,Sevana vasina kumboona chiedza? 17  Ikoko kunyange vakaipa havachatambudzwi;Ikoko vanga vakaneta vakazorora.+ 18  Ikoko vasungwa vagere zvakanaka pamwe chete;Havanzwi inzwi reanovamanikidza kushanda. 19  Ikoko vadiki nevakuru vakangofanana,+Uye muranda anosunungurwa pana tenzi wake. 20  Anopireiko chiedza uya ari kutambudzikaUye upenyu kune vaya vari kushungurudzika?*+ 21  Nei vachishuva rufu asi rusingauyi?+ Vanoruchera kupfuura zvinoitwa pfuma yakavanzwa, 22  Vaya vari kufara chaizvo,Vanofara pavanowana guva. 23  Anopireiko chiedza murume arasika nzira yake,Akapoteredzwa neruzhowa* naMwari?+ 24  Nekuti kutura befu ndiko kwava zvekudya zvangu,+Uye kugomera kwangu+ kunodururwa semvura. 25  Nekuti zvandaizeza zvauya pandiri,Uye zvandaitya zvandiwira. 26  Handina rugare, runyararo, uye zororo,Asi kutambudzika kuri kuramba kuchingouya.”

Mashoko Emuzasi

ChiHeb., “kutuka zuva rake.”
Kana kuti “Rima nemumvuri werufu.”
Zvinofungidzirwa kuti iri igarwe kana kuti imwe mhuka yakakura, ine simba, inogara mumvura.
Dzimwe shanduro dzinoti, “Akazvivakira nzvimbo dzisina chinhu.”
Kana kuti “vaya vane mweya iri kushungurudzika.”
Ruzhowa rwaigona kuva matombo aivakirirwa kana kuti heji, zvaishandiswa kupoteredza zvinhu zvakadai seminda.