Jobho 3:1-26
3 Pashure peizvi, Jobho akatanga kutaura uye kutuka zuva raakaberekwa.*+
2 Jobho akati:
3 “Zuva randakaberekwa ngariparare,+Neusiku hwakataurwa nemumwe munhu kuti: ‘Pamuviri pemwana mukomana pabata!’
4 Zuva iroro ngarive rima.
Mwari ari kumusoro ngaarege kufunga nezvaro;Chiedza ngachirege kurivhenekera.
5 Rima gobvu* ngariritore.
Gore remvura ngarigare pamusoro paro.
Chese chinosvibisa zuva ngachirivhundutse.
6 Usiku ihwohwo ngahuve rima gobvu;+Ngahurege kufara pamazuva egore,Uye ngahurege kuverengwa pamazuva emwedzi.
7 Chokwadi! Usiku ihwohwo ngahurege kubereka;Ngakurege kunzwika kushevedzera kwekufara mahuri.
8 Vaya vanotuka zuva ngavahutuke,Vaya vanokwanisa kumutsa Revhiatani.*+
9 Nyeredzi dzemambakwedza ahwo ngadzisvibe;Ngahumirire chiedza chezuva chisingauye,Uye ngahurege kuona mwaranzi yemambakwedza.
10 Nekuti hahuna kuvhara masuo echibereko chaamai vangu;+Uye hahuna kuita kuti maziso angu asaona kutambudzika.
11 Nei ndisina kufa pandakazvarwa?
Nei ndisina kufa pandakabuda muchibereko?+
12 Nei paiva nemabvi ekundigamuchiraUye mazamu ekuti ndiyamwe?
13 Nekuti iye zvino ndingadai ndakarara pasina chinondivhiringa;+Ndingadai ndakarara, ndakazorora+
14 Nemadzimambo enyika nemakurukota awo,Akazvivakira nzvimbo dzava matongo,*
15 Kana nemachinda aiva negoridhe,Aiva nedzimba dzakazara nesirivha.
16 Kana kuti nei ndisina kuita sepamuviri panobva pasingazivikanwi,Sevana vasina kumboona chiedza?
17 Ikoko kunyange vakaipa havachatambudzwi;Ikoko vanga vakaneta vakazorora.+
18 Ikoko vasungwa vagere zvakanaka pamwe chete;Havanzwi inzwi reanovamanikidza kushanda.
19 Ikoko vadiki nevakuru vakangofanana,+Uye muranda anosunungurwa pana tenzi wake.
20 Anopireiko chiedza uya ari kutambudzikaUye upenyu kune vaya vari kushungurudzika?*+
21 Nei vachishuva rufu asi rusingauyi?+
Vanoruchera kupfuura zvinoitwa pfuma yakavanzwa,
22 Vaya vari kufara chaizvo,Vanofara pavanowana guva.
23 Anopireiko chiedza murume arasika nzira yake,Akapoteredzwa neruzhowa* naMwari?+
24 Nekuti kutura befu ndiko kwava zvekudya zvangu,+Uye kugomera kwangu+ kunodururwa semvura.
25 Nekuti zvandaizeza zvauya pandiri,Uye zvandaitya zvandiwira.
26 Handina rugare, runyararo, uye zororo,Asi kutambudzika kuri kuramba kuchingouya.”
Mashoko Emuzasi
^ ChiHeb., “kutuka zuva rake.”
^ Kana kuti “Rima nemumvuri werufu.”
^ Zvinofungidzirwa kuti iri igarwe kana kuti imwe mhuka yakakura, ine simba, inogara mumvura.
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “Akazvivakira nzvimbo dzisina chinhu.”
^ Kana kuti “vaya vane mweya iri kushungurudzika.”
^ Ruzhowa rwaigona kuva matombo aivakirirwa kana kuti heji, zvaishandiswa kupoteredza zvinhu zvakadai seminda.