Jobho 28:1-28

  • Jobho anoratidza kusiyana kwakaita pfuma yenyika neuchenjeri (1-28)

    • Zvinoitwa nevanochera migodhi (1-11)

    • Uchenjeri hunokosha kupfuura maparera (18)

    • Kutya Jehovha ndihwo uchenjeri hwechokwadi (28)

28  “Pane nzvimbo inocherwa sirivhaNenzvimbo yegoridhe ravanonatsa;+   Simbi inotorwa muvhu,Uye mhangura inodururwa ichibva mumatombo.+   Munhu anokunda rima;Anopinda murima gobvu achisvika kumicheto yese,Achitsvaga dombo.   Anochera mugodhi kure nekunogara vanhu,Kunzvimbo dzakakanganwika, dziri kure nekunofambwa nevanhu;Vamwe varume vanodzika pasi vorembera.   Zvekudya zvinobuda pamusoro penyika;Asi pasi payo, pari kushandurwa-shandurwa sekunge iri mumoto.*   Mumatombo iwayo mune safaya,Uye guruva rine goridhe.   Hapana gondo rinoziva nzira inoendako;Ziso rengavi nhema harisati raiona.   Hapana chikara chikuru chati chaitsika;Shumba ine simba haisati yambonyahwaira ikoko.   Munhu anorova dombo rakaomarara neruoko rwake;Anopidigura makomo nechepasi pawo. 10  Anochera migero yemvura+ mudombo;Maziso ake anoona chinhu chese chinokosha. 11  Anogadzira madhamhu panotangira nziziUye anoisa pachiedza chinhu chakavanzwa. 12  Asi uchenjeri hungawanikwa kupi?+ Uye kunzwisisa kunobva kupi?+ 13  Hakuna munhu anoziva ukoshi hwahwo,+Uye hahukwanisi kuwanika munyika yevapenyu. 14  Mvura yakadzika inoti, ‘Hahusi mandiri!’ Uye gungwa rinoti, ‘Handisiri ini ndinahwo!’+ 15  Hahugoni kutengwa negoridhe rakanatswa;Uye sirivha haigoni kuyerwa kuti ichinjaniswe nahwo.+ 16  Hahugoni kutengwa negoridhe rekuOfiri+Kana nematombo asingawanzowaniki eonikisi nesafaya. 17  Goridhe negirazi hazvigoni kuenzaniswa nahwo;Hapana kana mudziyo wegoridhe rakanatswa ungachinjaniswa nahwo.+ 18  Matombo ekorari nekristaro haatomboverengwi,+Nekuti homwe izere neuchenjeri inokosha kupfuura izere nemaparera. 19  Topazi+ yekuKushi haingaenzaniswi nahwo;Hahungatengwi kunyange negoridhe rakanatswa. 20  Asi uchenjeri hunobva kupi? Uye kunzwisisa kunobva kupi?+ 21  Hwakavanzirwa maziso echinhu chese chipenyu+ Uye hwakavanzirwa shiri dzekudenga. 22  Kuparadza nerufu zvinoti,‘Nzeve dzedu dzakangoita zvekunzwa chete nezvahwo.’ 23  Mwari anonzwisisa nzira yekuhuwana;Iye chete ndiye anoziva kwahunogara,+ 24  Nekuti anotarisa kunogumira nyika,Uye anoona zvese zviri pasi pedenga.+ 25  Paakapa mhepo simba rayo*+Uye paakayera mvura,+ 26  Paakapa mvura inonaya murau+Uye gore redutu rine mabhanan’ana nzira yaro,+ 27  Akabva aona uchenjeri, ndokutsanangura zvahuri;Akahutanga, ndokuhuedza. 28  Uye akati kumunhu: ‘Inzwa! Kutya Jehovha ndihwo uchenjeri,+Uye kusiyana nezvakaipa ndiko kunzwisisa.’”+

Mashoko Emuzasi

Panofanira kunge pari kutaurwa zvinoitwa mumigodhi yekuchera matombo anokosha.
ChiHeb., “uremu hwayo.”