Jobho 28:1-28
28 “Pane nzvimbo inocherwa sirivhaNenzvimbo yegoridhe ravanonatsa;+
2 Simbi inotorwa muvhu,Uye mhangura inodururwa ichibva mumatombo.+
3 Munhu anokunda rima;Anopinda murima gobvu achisvika kumicheto yese,Achitsvaga dombo.
4 Anochera mugodhi kure nekunogara vanhu,Kunzvimbo dzakakanganwika, dziri kure nekunofambwa nevanhu;Vamwe varume vanodzika pasi vorembera.
5 Zvekudya zvinobuda pamusoro penyika;Asi pasi payo, pari kushandurwa-shandurwa sekunge iri mumoto.*
6 Mumatombo iwayo mune safaya,Uye guruva rine goridhe.
7 Hapana gondo rinoziva nzira inoendako;Ziso rengavi nhema harisati raiona.
8 Hapana chikara chikuru chati chaitsika;Shumba ine simba haisati yambonyahwaira ikoko.
9 Munhu anorova dombo rakaomarara neruoko rwake;Anopidigura makomo nechepasi pawo.
10 Anochera migero yemvura+ mudombo;Maziso ake anoona chinhu chese chinokosha.
11 Anogadzira madhamhu panotangira nziziUye anoisa pachiedza chinhu chakavanzwa.
12 Asi uchenjeri hungawanikwa kupi?+
Uye kunzwisisa kunobva kupi?+
13 Hakuna munhu anoziva ukoshi hwahwo,+Uye hahukwanisi kuwanika munyika yevapenyu.
14 Mvura yakadzika inoti, ‘Hahusi mandiri!’
Uye gungwa rinoti, ‘Handisiri ini ndinahwo!’+
15 Hahugoni kutengwa negoridhe rakanatswa;Uye sirivha haigoni kuyerwa kuti ichinjaniswe nahwo.+
16 Hahugoni kutengwa negoridhe rekuOfiri+Kana nematombo asingawanzowaniki eonikisi nesafaya.
17 Goridhe negirazi hazvigoni kuenzaniswa nahwo;Hapana kana mudziyo wegoridhe rakanatswa ungachinjaniswa nahwo.+
18 Matombo ekorari nekristaro haatomboverengwi,+Nekuti homwe izere neuchenjeri inokosha kupfuura izere nemaparera.
19 Topazi+ yekuKushi haingaenzaniswi nahwo;Hahungatengwi kunyange negoridhe rakanatswa.
20 Asi uchenjeri hunobva kupi?
Uye kunzwisisa kunobva kupi?+
21 Hwakavanzirwa maziso echinhu chese chipenyu+
Uye hwakavanzirwa shiri dzekudenga.
22 Kuparadza nerufu zvinoti,‘Nzeve dzedu dzakangoita zvekunzwa chete nezvahwo.’
23 Mwari anonzwisisa nzira yekuhuwana;Iye chete ndiye anoziva kwahunogara,+
24 Nekuti anotarisa kunogumira nyika,Uye anoona zvese zviri pasi pedenga.+
25 Paakapa mhepo simba rayo*+Uye paakayera mvura,+
26 Paakapa mvura inonaya murau+Uye gore redutu rine mabhanan’ana nzira yaro,+
27 Akabva aona uchenjeri, ndokutsanangura zvahuri;Akahutanga, ndokuhuedza.
28 Uye akati kumunhu:
‘Inzwa! Kutya Jehovha ndihwo uchenjeri,+Uye kusiyana nezvakaipa ndiko kunzwisisa.’”+
Mashoko Emuzasi
^ Panofanira kunge pari kutaurwa zvinoitwa mumigodhi yekuchera matombo anokosha.
^ ChiHeb., “uremu hwayo.”