Jobho 27:1-23

  • Jobho ari kuda kuramba akaperera (1-23)

    • “Handizosiyi kuperera kwangu kuna Mwari” (5)

    • Munhu asingadi Mwari haana tariro (8)

    • ‘Nei muchitaura mashoko asingabatsiri?’ (12)

    • Vakaipa vanopedzisira vasisina chinhu (13-23)

27  Jobho akaenderera mberi nekutaura kwake* achiti:   “NaMwari mupenyu, asina kunditonga zvakarurama,+NeWemasimbaose mupenyu, ari kuita kuti ndishungurudzike,*+   Chero bedzi ndichiri kufemaUye mweya* unobva kuna Mwari uchiri mumhino dzangu,+   Miromo yangu haizotauri zvisina kururama;Uye rurimi rwangu haruzotauri zvinonyengera!   Hazviiti kuti nditi varume imi makarurama! Kusvikira ndafa, handizosiyi kuperera kwangu* kuna Mwari!+   Ndicharamba ndichiita zvakarurama uye handizoregi kuzviita;+Mwoyo wangu hauzondipi mhosva chero ndichiri mupenyu.   Muvengi wangu ngaave sevakaipa,Vaya vari kundinyomba ngavave sevanhu vasina kururama.   Nekuti munhu asingadi Mwari* ane tariro yei kana aparadzwa,+Kana Mwari atora upenyu hwake?*   Mwari achamunzwa here paanochemaKana awirwa nedambudziko?+ 10  Kana kuti achafarira Wemasimbaose here? Achashevedzera kuna Mwari nguva dzese here? 11  Ndichakudzidzisai nezvesimba raMwari;*Hapana chandichavanza nezveWemasimbaose. 12  Zvino kana imi mese makaona zviratidzo,Muri kutaurireiko mashoko asingabatsiri? 13  Uyu ndiwo mugove wemunhu akaipa unobva kuna Mwari,+Nhaka yevadzvinyiriri inobva kune Wemasimbaose. 14  Kana vanakomana vake vakawanda, vanopera nebakatwa,+Uye vazukuru vake vachashaya zvekudya zvinovakwanira. 15  Vamwe vake vanenge vasara vachavigwa nedenda,Uye chirikadzi dzavo hadzizovachemi. 16  Kunyange akaunganidza sirivha seguruvaUye akaunganidza zvipfeko zvakanaka seari kuunganidza ivhu, 17  Kunyange akazviunganidza,Munhu akarurama ndiye achazvipfeka,+Uye munhu asina mhosva ndiye achagova sirivha yake. 18  Imba yaanovaka inoparara nyore nyore seyechitemamachira,*Sedumba+ rakagadzirwa nemurindi. 19  Achaenda kunorara akapfuma, asi hapana chaachaunganidza;Paanosvinura, hapana chinenge chiripo. 20  Zvinhu zvinovhundutsa zvichamusvikira semafashamo;Dutu richamubvuta usiku.+ 21  Mhepo yekumabvazuva ichamutakura, uye anenge asisipo;Inomutsvaira ichimubvisa paanogara.+ 22  Ichamuvhuvhutira isinganzwi tsitsi+Paanenge achiedza kutiza simba rayo.+ 23  Inomurovera maoko,Yomuridzira muridzo+ iri panzvimbo payo.*

Mashoko Emuzasi

ChiHeb., “nechirevo chake.”
Kana kuti “mweya wangu ushungurudzike.”
Shoko racho rechiHebheru nderekuti ru′ach. Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kana kuti “ndicharamba ndakaperera.”
Kana kuti “akatsauka pakutenda.”
Kana kuti “mweya wake.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “neruoko rwaMwari.”
Aka kachipembenene kanodya machira.
Dzimwe shanduro dzinoti, “Vanomurovera maoko, vomuridzira muridzo vari panzvimbo pavo.”