Jobho 25:1-6

  • Bhiridhadhi anotaura kechitatu (1-6)

    • ‘Munhu angava sei akarurama pamberi paMwari?’ (4)

    • Anoti kuperera kwemunhu hakuna zvakunobatsira (5, 6)

25  Bhiridhadhi+ muShuhi akapindura achiti:   “Kutonga uye simba rinotyisa ndezvake;Anoita kuti kudenga* kuve nerugare.   Mauto ake anoverengeka here? Ndiani asingabudirwi nechiedza chake?   Saka munhuwo zvake anofa angava sei akarurama pamberi paMwari,+Kana kuti munhu akazvarwa nemukadzi angava sei asina mhosva?*+   Kunyange mwedzi hauna kujekaUye nyeredzi hadzina kuchena pamberi pake,   Ko kuzoti munhuwo zvake anofa, honye zvayo,Uye mwanakomana wemunhu, gonye zvaro!”

Mashoko Emuzasi

ChiHeb., “kunzvimbo dzake dzakakwirira.”
Kana kuti “akachena.”