Jobho 25:1-6
25 Bhiridhadhi+ muShuhi akapindura achiti:
2 “Kutonga uye simba rinotyisa ndezvake;Anoita kuti kudenga* kuve nerugare.
3 Mauto ake anoverengeka here?
Ndiani asingabudirwi nechiedza chake?
4 Saka munhuwo zvake anofa angava sei akarurama pamberi paMwari,+Kana kuti munhu akazvarwa nemukadzi angava sei asina mhosva?*+
5 Kunyange mwedzi hauna kujekaUye nyeredzi hadzina kuchena pamberi pake,
6 Ko kuzoti munhuwo zvake anofa, honye zvayo,Uye mwanakomana wemunhu, gonye zvaro!”