Jobho 22:1-30
22 Erifazi+ muTemani akapindura achiti:
2 “Munhu ane zvaanobatsira here kuna Mwari?
Chero ani zvake ane njere ane zvaangabatsira here kwaari?+
3 Wemasimbaose ane basa* nekururama kwako here,Uye ane chaanowana here nekuti iwe unoramba wakaperera kwaari?+
4 Achakuranga here,Otongana newe nekuti unomutya?
5 Hakusi kuti here uipi hwako hwakanyanya kukuraUye unongoramba uchikanganisa?+
6 Nekuti unotorera hama dzako chekufanobata pasina chikonzero,Uye unopfekenura nguo dzevanhu, uchivasiya vasina kupfeka.*+
7 Haupi munhu akaneta mvura yekunwa,Uye unonyima munhu ane nzara zvekudya.+
8 Nyika ndeyemunhu ane simba,+Uye anofarirwa ndiye anogara mairi.
9 Asi wakaendesa chirikadzi dzichingova maoko,Uye wakapwanya maoko enherera.
10 Ndokusaka wakakomberedzwa nezviteyeso,*+Uye uchingoerekana wavhundutswa nezvinotyisa;
11 Ndokusaka kuine rima zvekuti hausi kukwanisa kuona,Uye uchifukidzwa nemafashamo emvura.
12 Mwari haasi kudenga kwakakwirira here?
Uye ona kuti nyeredzi dzese dziri kudenga denga zvakadii.
13 Asi iwe wakati: ‘Mwari anozivei?
Angatonga nemurima gobvu here?
14 Makore akamuvharidzira zvekuti haaoniPaanenge achifamba-famba padenderedzwa redenga.’
15 Uchatevera nzira yekare kareYakafambwa nevanhu vakaipa here?
16 Varume vakabvutwa* nguva yavo isati yasvika,Vane nheyo dzakakukurwa nemafashamo.*+
17 Vaiti kuna Mwari wechokwadi: ‘Siyanai nesu!’
Uye ‘Wemasimbaose angatiitei?’
18 Asi ari iye akazadza dzimba dzavo nezvinhu zvakanaka.
(Mafungiro akaipa kudaro ari kure neni.)
19 Vakarurama vachaona izvi vofara,Uye vasina mhosva vachavanyomba voti:
20 ‘Vavengi vedu vaparadzwa,Uye moto uchaparadza zvinhu zvavo zvasara.’
21 Muzive,* uye uchava nerugare;Uchabva wawana zvinhu zvakanaka.
22 Gamuchira mutemo unobva mumuromo make,Uye chengeta mashoko ake mumwoyo mako.+
23 Kana ukadzokera kune Wemasimbaose, uchadzorerwa pawaiva;+
Kana ukabvisa zvisina kururama mutende rako,
24 Kana ukakanda goridhe rako muguruvaUye ukakanda goridhe rekuOfiri+ mumakoronga ane* matombo,
25 Wemasimbaose achabva ava goridhe rako,Uye achava sirivha yako yakanakisisa.
26 Nekuti uchange wava kufadzwa neWemasimbaose,Uye uchasimudzira chiso chako kuna Mwari.
27 Uchamuteterera, uye achakunzwa;Uye ucharipa mhiko dzako.
28 Chese chauchasarudza kuita chichabudirira,Uye chiedza chichavhenekera nzira yako.
29 Nekuti uchaninipiswa paunotaura uchizvikudza,Asi iye achaponesa munhu anozvininipisa.*
30 Achanunura vaya vasina mhosva;Saka kana maoko ako akachena, zvechokwadi uchanunurwa.”
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “anofadzwa.”
^ ChiHeb., “unopfekenura nguo dzevasina kupfeka.”
^ ChiHeb., “nezviteyeso zveshiri.”
^ Kana kuti “vane upenyu hwakadimburirwa.”
^ ChiHeb., “nerwizi.”
^ Kureva, Mwari.
^ Kana kuti “munzizi dzine.”
^ Kana kuti “akatarisa pasi.”