Jobho 22:1-30

  • Erifazi anotaura kechitatu (1-30)

    • “Munhu ane zvaanobatsira here kuna Mwari?” (2, 3)

    • Anopomera Jobho kuti ane makaro uye anotonga zvisina kururama (6-9)

    • ‘Dzokera kuna Mwari, wodzorerwa pawaiva’ (23)

22  Erifazi+ muTemani akapindura achiti:   “Munhu ane zvaanobatsira here kuna Mwari? Chero ani zvake ane njere ane zvaangabatsira here kwaari?+   Wemasimbaose ane basa* nekururama kwako here,Uye ane chaanowana here nekuti iwe unoramba wakaperera kwaari?+   Achakuranga here,Otongana newe nekuti unomutya?   Hakusi kuti here uipi hwako hwakanyanya kukuraUye unongoramba uchikanganisa?+   Nekuti unotorera hama dzako chekufanobata pasina chikonzero,Uye unopfekenura nguo dzevanhu, uchivasiya vasina kupfeka.*+   Haupi munhu akaneta mvura yekunwa,Uye unonyima munhu ane nzara zvekudya.+   Nyika ndeyemunhu ane simba,+Uye anofarirwa ndiye anogara mairi.   Asi wakaendesa chirikadzi dzichingova maoko,Uye wakapwanya maoko enherera. 10  Ndokusaka wakakomberedzwa nezviteyeso,*+Uye uchingoerekana wavhundutswa nezvinotyisa; 11  Ndokusaka kuine rima zvekuti hausi kukwanisa kuona,Uye uchifukidzwa nemafashamo emvura. 12  Mwari haasi kudenga kwakakwirira here? Uye ona kuti nyeredzi dzese dziri kudenga denga zvakadii. 13  Asi iwe wakati: ‘Mwari anozivei? Angatonga nemurima gobvu here? 14  Makore akamuvharidzira zvekuti haaoniPaanenge achifamba-famba padenderedzwa redenga.’ 15  Uchatevera nzira yekare kareYakafambwa nevanhu vakaipa here? 16  Varume vakabvutwa* nguva yavo isati yasvika,Vane nheyo dzakakukurwa nemafashamo.*+ 17  Vaiti kuna Mwari wechokwadi: ‘Siyanai nesu!’ Uye ‘Wemasimbaose angatiitei?’ 18  Asi ari iye akazadza dzimba dzavo nezvinhu zvakanaka. (Mafungiro akaipa kudaro ari kure neni.) 19  Vakarurama vachaona izvi vofara,Uye vasina mhosva vachavanyomba voti: 20  ‘Vavengi vedu vaparadzwa,Uye moto uchaparadza zvinhu zvavo zvasara.’ 21  Muzive,* uye uchava nerugare;Uchabva wawana zvinhu zvakanaka. 22  Gamuchira mutemo unobva mumuromo make,Uye chengeta mashoko ake mumwoyo mako.+ 23  Kana ukadzokera kune Wemasimbaose, uchadzorerwa pawaiva;+ Kana ukabvisa zvisina kururama mutende rako, 24  Kana ukakanda goridhe rako muguruvaUye ukakanda goridhe rekuOfiri+ mumakoronga ane* matombo, 25  Wemasimbaose achabva ava goridhe rako,Uye achava sirivha yako yakanakisisa. 26  Nekuti uchange wava kufadzwa neWemasimbaose,Uye uchasimudzira chiso chako kuna Mwari. 27  Uchamuteterera, uye achakunzwa;Uye ucharipa mhiko dzako. 28  Chese chauchasarudza kuita chichabudirira,Uye chiedza chichavhenekera nzira yako. 29  Nekuti uchaninipiswa paunotaura uchizvikudza,Asi iye achaponesa munhu anozvininipisa.* 30  Achanunura vaya vasina mhosva;Saka kana maoko ako akachena, zvechokwadi uchanunurwa.”

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “anofadzwa.”
ChiHeb., “unopfekenura nguo dzevasina kupfeka.”
ChiHeb., “nezviteyeso zveshiri.”
Kana kuti “vane upenyu hwakadimburirwa.”
ChiHeb., “nerwizi.”
Kureva, Mwari.
Kana kuti “munzizi dzine.”
Kana kuti “akatarisa pasi.”