Jobho 16:1-22

  • Jobho anopindura (1-22)

    • “Muri vanyaradzi vanotambudza!” (2)

    • Anoti Mwari ari kupfura miseve yake akamunanga (12)

16  Jobho akapindura achiti:  “Ndakambonzwa zvinhu zvizhinji zvakadai. Mese muri vanyaradzi vanotambudza!+   Mashoko asina zvaanobatsira achazombopera here? Imi maitwa sei kuti muzopindura muchidaro?   Ini ndinokwanisawo kutaura sezvamunoita. Kudai zviri kuitika kwandiri zviri izvo zviri kuitika kwamuri,Ndaigona kutaura mashoko anorwadza kwamuriNdodzungudza musoro ndakakutarisai.+   Asi pane kudaro, ndaitozokusimbisai nemashoko emuromo wangu,Uye kunyaradza kwemiromo yangu kwaizozorodza.+   Kana ndikataura, marwadzo angu haanyarari,+Uye kana ndikarega kutaura, marwadzo angu anoderedzwa kusvika papi?   Asi iye zvino, iye andipedza simba;+Aparadza imba yangu yese.*   Munondibatawo, uye izvi zviri kubva zvava uchapupu,Zvekuti kuondoroka kwangu kunosimuka kuchipupurira pamberi pangu.   Hasha dzake dzandibvambura-bvambura, uye anondivenga.+ Anorumanisa mazino ake akanditsamwira. Muvengi wangu anondidzvokora nemaziso eruvengo.+ 10  Vakandishamira miromo yavo,+Uye vakarova matama angu vachindituka;Vanondimomotera vakawanda.+ 11  Mwari anondiisa mumaoko evakomana vadiki,Uye anondikanda mumaoko evakaipa.+ 12  Ndakanga ndisina chaindinetsa, asi akandiputsa;+Akandibata necheseri kwemutsipa ndokundirovera pasi;Akabva atanga kundipfura nemiseve yake. 13  Vanhu vake vanopfura neuta vanondikomba;+Anotsemura itsvo dzangu+ asinganzwi tsitsi;Anodururira nduru yangu pasi. 14  Anondidhiritsa serusvingo, achiramba achivhura mekupinda namo;Anondimhanyira sezvinoita murwi. 15  Ndakasonanidza masaga kuti ndifukidze ganda rangu,+Uye ndakaviga kuremekedzwa kwangu* muguruva.+ 16  Chiso changu chatsvuka nekuchema,+Uye pamaziso angu pane mumvuri werufu, 17  Kunyange zvazvo maoko angu asina kukuvadza munhu,Uye munyengetero wangu wakachena. 18  Haiwa iwe nyika, usafukidza ropa rangu!+ Uye kuchema kwangu ngakushayiwe nzvimbo yekuzororera! 19  Kunyange iye zvino, chapupu changu chiri kudenga;Munhu anogona kundipupurira ari kumusoro. 20  Shamwari dzangu dzinondinyomba+Ziso rangu richichema misodzi kuna Mwari.*+ 21  Mumwe munhu ngaatonganise munhu naMwari,Sekutonganiswa kunoitwa munhu nemumwe wake.+ 22  Nekuti makore asara ava mashoma,Uye ndichaenda nenzira isingadzokwi.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “vaya vanoungana neni.”
Kana kuti “simba rangu.” ChiHeb., “nyanga yangu.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “rakatarisa kuna Mwari richishayiwa hope.”