Jobho 10:1-22

  • Jobho anoenderera mberi achipindura (1-22)

    • ‘Mwari ari kundirwisirei?’ (2)

    • Kusiyana kwakaita Mwari naJobho munhu wenyama (4-12)

    • ‘Regai ndimbozororawo’ (20)

10  “Ndinosema* upenyu hwangu.+ Ndichabudisa kunyunyuta kwangu. Ndichataura ndichirwadziwa!*   Ndichati kuna Mwari: ‘Musanditi ndine mhosva. Ndiudzei kuti muri kundirwisirei.   Zvinokubatsirai chii kuti mudzvinyirire,Uye kuti mushore basa remaoko enyu+Muchifarira zano revakaipa?   Mune maziso enyama here,Kana kuti munoona sekuona kunoita munhu here?   Mazuva enyu akaita semazuva evanhu vanofa here,Kana kuti makore enyu akaita seemunhu here,+   Zvamuri kutsvaga chikanganiso changuNekuramba muchitsvaga chivi changu?+   Munoziva kuti handina mhosva;+Uye hapana anokwanisa kundinunura paruoko rwenyu.+   Maoko enyu akandiumba uye akandisika,+Asi iye zvino mava kuda kundiparadza zvachose.   Ndapota zvangu, yeukai kuti makandiumba nevhu,+Asi iye zvino mava kuita kuti ndidzokere kuguruva.+ 10  Hamuna here kundidurura semukakaUye kundikodzeka semukaka wakakora? 11  Makandipfekedza ganda uye nyama,Uye makandiruka nemapfupa nemarunda.*+ 12  Makandipa upenyu, mukandiratidza rudo rusingachinji;Makachengetedza upenyu hwangu.+ 13  Asi manga makaronga nechemumwoyo kuzoita zvinhu izvi.* Ndinoziva kuti zvinhu izvi zviri kubva kwamuri. 14  Dai ndakatadza, imi maingonditarisa,+Maisazondiregerera kukanganisa kwangu. 15  Kana ndiine mhosva, ndine nhamo! Uye kunyange kana ndisina mhosva, handigoni kusimudza musoro,+Nekuti ndakazara nekuzvidzwa uye nekutambudzika.+ 16  Kana ndikasimudza musoro, munondivhima seshumba+Moratidzazve simba renyu pandiri. 17  Munounza zvapupu zvitsva zvichindiwanira mhosvaMowedzera hasha dzenyu pandiri,Matambudziko achiramba achiuya pandiri akatevedzana. 18  Saka makandibudisireiko muchibereko?+ Ndingadai ndakafa pasina kana ziso rakandiona. 19  Ndingadai ndakaita sekunge kuti handina kumbovapo;Ndingadai ndakangobudiswa muchibereko ndichinanga muguva.’ 20  Mazuva angu haasi mashoma here?+ Iye ngaasiyane neni;Ngaabvise maziso ake pandiri, ndimbowanawo zororo*+ 21  Ndisati ndaenda kwandisingazodzoki,+Kunyika yerima gobvu,*+ 22  Kunyika yezarima,Nyika yakati ndo-o uye isina kurongeka,Yekuti kunyange chiedza chakaita serima.”

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “Mweya wangu unosema.”
Kana kuti “mweya wangu uchirwadziwa.”
Kana kuti “nemadzira.”
ChiHeb., “Uye zvinhu izvi makazvivanza mumwoyo menyu.”
Kana kuti “ndimbofarawo.”
Kana kuti “yerima nemumvuri werufu.”