Jobho 10:1-22
10 “Ndinosema* upenyu hwangu.+
Ndichabudisa kunyunyuta kwangu.
Ndichataura ndichirwadziwa!*
2 Ndichati kuna Mwari: ‘Musanditi ndine mhosva.
Ndiudzei kuti muri kundirwisirei.
3 Zvinokubatsirai chii kuti mudzvinyirire,Uye kuti mushore basa remaoko enyu+Muchifarira zano revakaipa?
4 Mune maziso enyama here,Kana kuti munoona sekuona kunoita munhu here?
5 Mazuva enyu akaita semazuva evanhu vanofa here,Kana kuti makore enyu akaita seemunhu here,+
6 Zvamuri kutsvaga chikanganiso changuNekuramba muchitsvaga chivi changu?+
7 Munoziva kuti handina mhosva;+Uye hapana anokwanisa kundinunura paruoko rwenyu.+
8 Maoko enyu akandiumba uye akandisika,+Asi iye zvino mava kuda kundiparadza zvachose.
9 Ndapota zvangu, yeukai kuti makandiumba nevhu,+Asi iye zvino mava kuita kuti ndidzokere kuguruva.+
10 Hamuna here kundidurura semukakaUye kundikodzeka semukaka wakakora?
11 Makandipfekedza ganda uye nyama,Uye makandiruka nemapfupa nemarunda.*+
12 Makandipa upenyu, mukandiratidza rudo rusingachinji;Makachengetedza upenyu hwangu.+
13 Asi manga makaronga nechemumwoyo kuzoita zvinhu izvi.*
Ndinoziva kuti zvinhu izvi zviri kubva kwamuri.
14 Dai ndakatadza, imi maingonditarisa,+Maisazondiregerera kukanganisa kwangu.
15 Kana ndiine mhosva, ndine nhamo!
Uye kunyange kana ndisina mhosva, handigoni kusimudza musoro,+Nekuti ndakazara nekuzvidzwa uye nekutambudzika.+
16 Kana ndikasimudza musoro, munondivhima seshumba+Moratidzazve simba renyu pandiri.
17 Munounza zvapupu zvitsva zvichindiwanira mhosvaMowedzera hasha dzenyu pandiri,Matambudziko achiramba achiuya pandiri akatevedzana.
18 Saka makandibudisireiko muchibereko?+
Ndingadai ndakafa pasina kana ziso rakandiona.
19 Ndingadai ndakaita sekunge kuti handina kumbovapo;Ndingadai ndakangobudiswa muchibereko ndichinanga muguva.’
20 Mazuva angu haasi mashoma here?+ Iye ngaasiyane neni;Ngaabvise maziso ake pandiri, ndimbowanawo zororo*+
21 Ndisati ndaenda kwandisingazodzoki,+Kunyika yerima gobvu,*+
22 Kunyika yezarima,Nyika yakati ndo-o uye isina kurongeka,Yekuti kunyange chiedza chakaita serima.”
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “Mweya wangu unosema.”
^ Kana kuti “mweya wangu uchirwadziwa.”
^ Kana kuti “nemadzira.”
^ ChiHeb., “Uye zvinhu izvi makazvivanza mumwoyo menyu.”
^ Kana kuti “ndimbofarawo.”
^ Kana kuti “yerima nemumvuri werufu.”