Jeremiya 51:1-64

  • Uprofita pamusoro peBhabhironi (1-64)

    • Bhabhironi richangoerekana rakundwa nevaMedhiya (8-12)

    • Bhuku rinokandwa muna Yufratesi (59-64)

51  Zvanzi naJehovha: “Ndiri kuunzira Bhabhironi+ nevagari vemuRebhi-kamai*Mhepo inoparadza.   Ndichatuma vaurutsi kuBhabhironi,Uye vachariurutsa, voita kuti nyika yaro isare isina chinhu;Vachauya kuzorirwisa kumativi ese pazuva redambudziko.+   Uya anopfura neuta ngaarege kukombamisa uta hwake. Uye ngaparege kuva nemunhu anosimuka akapfeka nguo yake yesimbi yehondo. Musanzwira majaya aro tsitsi.+ Paradzai uto raro rese.   Uye vachati rabada pasi vaurayiwa munyika yevaKadheya,Vabayiwa mumigwagwa yaro.+   Nekuti Israeri naJudha havana kusiyiwa naMwari wavo vari chirikadzi, iye Jehovha wemauto.+ Asi nyika yavo* izere nemhosva pakuona kweMutsvene waIsraeri.   Tizai muBhabhironi,Tizai murege kuurayiwa.*+ Musafira kukanganisa kwaro. Nekuti inguva yekutsiva kwaJehovha. Ari kuritsiva zvarakaita.+   Bhabhironi ranga riri kapu yegoridhe iri muruoko rwaJehovha;Rakadhakisa nyika yese. Marudzi akanwa waini yaro;+Ndokusaka marudzi ava kupenga.+   Bhabhironi rangoerekana rawa uye raputsika.+ Richemei!+ Ritsvagirei bharisamu kuitira marwadzo aro; zvichida ringaporeswa.”   “Takaedza kurapa Bhabhironi, asi harina kupora. Risiyei tiende, mumwe nemumwe kunyika yake.+ Nekuti kutongwa kwaro kwasvika kudenga;Kuri mudenga semakore.+ 10  Jehovha atirwira.+ Uyai tirondedzere basa raJehovha Mwari wedu tiri muZiyoni.”+ 11  “Penyesai miseve;+ torai nhoo dzeraundi.* Jehovha amutsa mwoyo yemadzimambo evaMedhiya,+Nekuti ari kuda kuparadza Bhabhironi. Nekuti uku kutsiva kwaJehovha, kutsiva nekuda kwetemberi yake. 12  Simudzirai masvingo eBhabhironi chiratidzo.*+ Wedzerai kurinda, isai varindi. Itai kuti vaya vakahwandira vagadzirire. Nekuti Jehovha ndiye afunga zano racho,Uye achaitira vagari vemuBhabhironi zvaakataura.”+ 13  “Haiwa iwe mukadzi anogara pamvura zhinji,+Ane pfuma zhinji,+Kuguma kwako kwasvika, iko kuguma* kwekuwana kwako mubereko.+ 14  Jehovha wemauto apika naiye pachake* achiti,‘Ndichakuzadza nevanhu vakawanda semhashu,Uye vachashevedzera vachifarira kuti vakukunda.’+ 15  Ndiye akasika nyika nesimba rake,Akasimbisa nyika neuchenjeri hwake,+Uye akatatamura denga nekunzwisisa kwake.+ 16  Paanoita kuti inzwi rake rinzwike,Mvura iri mudenga inotinhira,Uye anoita kuti makore asimuke* kubva kumigumo yenyika. Anogadzirira mvura inonaya mheni,*Uye anobudisa mhepo mumatura ake.+ 17  Munhu wese ari kuita zvinhu asingafungi uye achiratidza kuti haana ruzivo. Vapfuri vese vesimbi vachanyara nemifananidzo yakavezwa;+Nekuti mifananidzo yavo yesimbi* ndeyenhema,Uye haina mweya* mairi.+ 18  Haisi chinhu,*+ ibasa rinoshorwa. Ichaparara pazuva rekutongwa kwayo. 19  Mugove waJakobho hauna kuita sezvinhu izvi,Nekuti ndiye Muumbi wezvinhu zvese,Ndiyewo mudonzvo wenhaka yake.*+ Jehovha wemauto ndiro zita rake.”+ 20  “Uri tsvimbo yangu yehondo, chombo chehondo,Nekuti ndichakushandisa kuputsa-putsa marudzi. Ndichakushandisa kuparadza umambo. 21  Ndichakushandisa kuputsa-putsa bhiza nemutasvi waro. Ndichakushandisa kuputsa-putsa ngoro yehondo nemutyairi wayo. 22  Ndichakushandisa kuputsa-putsa murume nemukadzi. Ndichakushandisa kuputsa-putsa akwegura nemukomana. Ndichakushandisa kuputsa-putsa jaya nemhandara. 23  Ndichakushandisa kuputsa-putsa mufudzi nezvipfuwo zvake. Ndichakushandisa kuputsa-putsa murimi nechipani chake. Ndichakushandisa kuputsa-putsa magavhuna nevatevedzeri vevatongi. 24  Ndichatsiva Bhabhironi nevagari vese vemuKadheyaNemhaka yezvakaipa zvese zvavakaita muZiyoni imi makatarisa,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha. 25  “Ndichakurwisa,+ haiwa iwe gomo rinoparadza,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha,“Iwe muparadzi wenyika yese.+ Ndichakutambanudzira ruoko rwangu ndokukungurutsa uchibva pamatombo,Ndoita kuti uve gomo rakatsva.” 26  “Vanhu havazotori dombo repakona kana dombo renheyo* pauri,Nekuti uchava matongo nekusingaperi,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha. 27  “Simudzai chiratidzo* munyika yacho.+ Ridzai hwamanda pakati pemarudzi. Gadzai* marudzi kuti arirwise. Rishevedzerei umambo hweArarati,+ Mini neAshkenazi.+ Rayirai mukuru anopinza vanhu basa kuti arirwise. Itai kuti mabhiza auye sezvinoita mhashu dzine tumvere. 28  Gadzai* marudzi kuti arirwise,Madzimambo eMedhiya,+ magavhuna ayo nevatevedzeri vevatongi vayo,Nenharaunda dzese dzavanotonga. 29  Uye nyika ichadengenyeka, ichadedera,Nekuti zvakafungwa naJehovha pamusoro peBhabhironi zvichaitwa,Kuti nyika yeBhabhironi ive chinhu chinotyisa, isina anogaramo.+ 30  Varwi veBhabhironi vamira kurwa. Vakagara munhare* dzavo. Simba ravo rapera.+ Vava kuita sevakadzi.+ Dzimba dzaro dzapiswa nemoto. Mazariro* aro atyorwa.+ 31  Nhume inomhanyira kunosangana neimwe nhume,Uye mutumwa kuti anosangana nemumwe mutumwa,Kuti vaudze mambo weBhabhironi kuti guta rake rakundwa rese zvaro,+ 32  Kuti mazambuko atorwa,+Kuti zvikepe zvenhokwe zvapiswa nemoto,Uye kuti varwi vapera nekutya.” 33  Nekuti zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri: “Mwanasikana weBhabhironi akaita seburiro.* Inguva yekumutsika-tsika zvakasimba. Nguva yekukohwa ichamusvikira pasina nguva.” 34  “Mambo Nebhukadhinezari* weBhabhironi andidya;+Andivhiringidza. Andigadzika pasi semudziyo usina chinhu. Andimedza sezvinoita nyoka huru;+Azadza dumbu rake nezvinhu zvangu zvinonaka. Andisukurudza. 35  ‘Kurwiswa kwandakaitwa uye kwakaitwa nyama yangu ngakuve paBhabhironi!’ anodaro mugari wemuZiyoni.+ ‘Uye ropa rangu ngarive pavagari vemuKadheya!’ rinodaro Jerusarema.” 36  Saka zvanzi naJehovha: “Ndiri kukumiririra panyaya yako,+Uye ndichakutsivira.+ Ndichaomesa gungwa raro, uye ndichaomesa matsime aro.+ 37  Uye Bhabhironi richava mirwi yematombo,+Nzvimbo inogara hunguhwe,*+Chinhu chinotyisa uye chinoridzisa muridzo,Risina anogaramo.+ 38  Vachadzvova pamwe chete seshumba dzine simba.* Vachaomba sevana veshumba.” 39  “Pavanenge vafarisa, ndichavagadzirira mabiko avo ndovadhakisa,Kuti vapembere nemufaro;+Uye vacharara hope dzisingaperi,Dzavasingazomuki,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha. 40  “Ndichadzika navo semakwai makono ari kunourayiwa,Semakondohwe pamwe chete nembudzi.” 41  “Inga Sheshaki* yakundwa,+Inga guta riya rekurumbidzwa nenyika yese rabvutwa!+ Bhabhironi zvarangova chinhu chinotyisa pakati pemarudzi! 42  Gungwa rauya pamusoro peBhabhironi. Rarifukidza nemafungu aro mazhinji. 43  Maguta aro ava chinhu chinotyisa, nyika isina mvura uye gwenga. Nyika isingazogarwi nemunhu uye isina munhu achazombopfuura nemairi.+ 44  Ndichafunga nezvaBheri+ muBhabhironi,Ndichabudisa mumuromo make zvaakamedza.+ Marudzi haazodiranizve achienda kwaari,Uye rusvingo rweBhabhironi ruchawa.+ 45  Budai mariri vanhu vangu!+ Tizai kuti mupone*+ pakutsamwa kukuru kwaJehovha!+ 46  Mwoyo yenyu ngairege kutya kana kuvhundutswa nemashoko achanzwiwa munyika. Mashoko acho achauya gore rimwe chete,Uye gore rinotevera racho pachauya mamwe mashoko,Emhirizhonga munyika uye ekurwisana kwevatongi. 47  Saka inzwai! mazuva achasvikaAndichafunga nezvemifananidzo yakavezwa yeBhabhironi. Nyika yaro yese ichanyadziswa,Uye vanhu varo vese vakaurayiwa vachati katakata pakati paro.+ 48  Denga nenyika nezvese zviri mazviriZvichapembera nemufaro pamusoro peBhabhironi,+Nekuti vaparadzi vacharivinga vachibva kuchamhembe,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha. 49  “Bhabhironi harina kungouraya vaya vakaurayiwa pavaIsraeri chete,+Asi muBhabhironi makafirawo vaya vakaurayiwa vepanyika yese. 50  Imi vanopona pabakatwa, rambai muchienda, musamira!+ Yeukai Jehovha muri kure,Uye fungai Jerusarema mumwoyo menyu.”+ 51  “Tanyadziswa, nekuti tanzwa mashoko ekushora. Kunyara kwafukidza zviso zvedu,Nekuti vanhu vekune imwe nyika* vauya kuzorwisa nzvimbo tsvene dzeimba yaJehovha.”+ 52  “Saka inzwai! mazuva achasvika,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha,“Andichafunga nezvemifananidzo yaro yakavezwa,Uye munyika yaro yese munhu akakuvadzwa achagomera.”+ 53  “Kunyange kana Bhabhironi rikakwira kudenga,+Kunyange rikasimbisa shongwe dzaro refu refu, Vaparadzi varo vachabva kwandiri,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha. 54  “Teererai! Pane kushevedzera kuri kubva kuBhabhironi,+Ruzha rwedambudziko guru ruri kubva kunyika yevaKadheya,+ 55  Nekuti Jehovha ari kuparadza Bhabhironi,Achanyaradza inzwi raro guru,Uye mafungu avo achaomba semvura zhinji. Inzwi ravo richanzwiwa. 56  Nekuti muparadzi achauya paBhabhironi;+Varwi varo vachabatwa,+Uta hwavo huchaparadzwa,Nekuti Jehovha ndiMwari wekutsiva.+ Achatotsiva chete.+ 57  Ndichadhakisa machinda aro nevarume vavo vakachenjera,+Magavhuna aro nevatevedzeri vevatongi varo nevarwi varo,Uye vacharara hope dzisingaperi,Dzavasingazomuki,”+ ndizvo zvinotaurwa naMambo, ane zita rekuti Jehovha wemauto. 58  Zvanzi naJehovha wemauto: “Rusvingo rweBhabhironi, kunyange zvazvo rwakafara, ruchakoromorwa rwese,+Uye magedhi aro, kunyange akareba, achapiswa nemoto. Marudzi achashandira pasina;Marudzi achazvinetesa nezvinhu zvichangoiswa mumoto.”+ 59  Iri ndiro shoko rakataurwa nemuprofita Jeremiya achiripa semurayiro kuna Seraya mwanakomana waNeriya+ mwanakomana waMaseya paakaenda naMambo Zedhekiya weJudha kuBhabhironi mugore rechina rekutonga kwake; Seraya aiva mutariri aiona nezvezvinhu zvamambo. 60  Jeremiya akanyora mubhuku rimwe chete nezvedambudziko rese raizouya paBhabhironi, iwo mashoko ese aya akanyorerwa Bhabhironi. 61  Jeremiya akatiwo kuna Seraya: “Paunosvika kuBhabhironi, woriona, uverenge mashoko ese aya zvinonzwika. 62  Ubve wati, ‘Haiwa Jehovha, makati nzvimbo ino ichaparadzwa yosara isina chinogaramo, angava munhu kana mhuka, uye kuti ichava dongo nekusingaperi.’+ 63  Uye paunopedza kuverenga bhuku iri, risungirire dombo urikande pakati paYufratesi. 64  Ubve wati, ‘Bhabhironi richanyura seizvi uye harizobudizve+ nemhaka yedambudziko randiri kuunza pariri; uye vachaneta.’”+ Mashoko aJeremiya anogumira pano.

Mashoko Emuzasi

Iri rinoita sezita rechibhende raishandisirwa Kadheya.
Kureva, nyika yevaKadheya.
Kana kuti “muponese mweya yenyu.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “zadzai homwe dzemiseve.”
Kana kuti “bango rechiratidzo.”
ChiHeb., “kuyerwa.”
Kana kuti “nemweya wake.”
Kana kuti “mhute isimuke.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “Anogadzira munobuda nemvura inonaya.”
Kana kuti “yesimbi yakanyungudutswa.”
Kana kuti “mweya wekufema.”
Kana kuti “Haibatsiri.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “Ndiye akagadzirawo mudonzvo wenhaka yake.”
Kana kuti “refaundesheni.”
Kana kuti “bango rechiratidzo.”
ChiHeb., “Tsvenesai.”
ChiHeb., “Tsvenesai.”
Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.
Aya mapango kana kuti simbi dzaishandiswa sezvihuri.
ChiHeb., “Nebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.
Iyi imhuka yakada kufanana negava.
Kana kuti “seshumba dzava nezenze.”
Iri rinoita sezita rechibhende raishandisirwa Bhabheri (Bhabhironi).
Kana kuti “muponese mweya yenyu.”
Kana kuti “vatisingazivi.”