Jeremiya 47:1-7
-
Uprofita pamusoro pevaFiristiya (1-7)
47 Iri ndiro shoko raJehovha rakauya kumuprofita Jeremiya pamusoro pevaFiristiya,+ Farao asati akunda Gaza.
2 Zvanzi naJehovha:
“Inzwa! Mvura iri kuuya ichibva kuchamhembe.
Ichava rukova rwakafashamira.
Uye ichafashamira panyika nezvinhu zvese zviri pairi,Paguta nevaya vari kugara mariri.
Varume vachachema,Uye munhu wese ari kugara munyika yacho acharidza mhere.
3 Mutsindo wemahwanda emabhiza ake makono pauchanzwika,Pachatinhira ngoro dzake dzehondoUye pacharira mavhiri ake,Vanababa vachatadza kunyange kutendeukira vanakomana vavo,Nekuti maoko avo achati regwede,
4 Nekuti zuva riri kuuya richaparadza vaFiristiya vese;+MuTire+ nemuSidhoni+ richaparadza munhu wese akasara aivabatsira pakurwa.
Nekuti Jehovha achaparadza vaFiristiya,Vanova ndivo vakasara pachitsuwa cheKaftori.*+
5 Gaza richava nemhanza.*
Ashkeroni yanyararidzwa.+
Haiwa iwe akasara webani ravo,Ucharamba uchizvicheka-cheka kusvikira riini?+
6 Nhai iwe bakatwa raJehovha!+
Ucharamba uchiita ruzha kusvikira riini?
Dzokera mumuhara mako.
Zorora unyarare.
7 Ko ringanyarara seiIye Jehovha arirayira?
Arayira kuti rirwise Ashkeroni nemhenderekedzo yegungwa,+Ikoko ndiko kwaarituma kuti riende.”

