Jeremiya 46:1-28

  • Uprofita pamusoro peIjipiti (1-26)

    • Ijipiti ichakundwa naNebhukadhinezari (13, 26)

  • Zvinhu zvichaitirwa Israeri (27, 28)

46  Iri ndiro shoko raJehovha rakauya kumuprofita Jeremiya pamusoro pemarudzi:+ 2  NezveIjipiti,+ pamusoro peuto raFarao Neko+ mambo weIjipiti, uyo aiva pedyo neRwizi rwaYufratesi uye akakundwa paKakemishi naMambo Nebhukadhinezari* weBhabhironi mugore rechina raJehoyakimu+ mwanakomana waJosiya, mambo weJudha:  3  “Gadzirirai nhoo dzenyu diki* nenhoo huru,Muende kuhondo.  4  Sungai mabhiza mutasve, imi vatasvi vemabhiza. Mirai munzvimbo dzenyu uye pfekai ngowani. Penyesai mapfumo uye pfekai nguo dzenyu dzesimbi.  5  ‘Nei ndichivaona vachivhunduka? Vari kudzoka shure, varwi vavo vakundwa. Varohwa nehana vakatiza, varwi vavo havana kutendeuka. Kumativi ese kuri kutyisa zvikuru,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.  6  ‘Vaya vanomhanya chaizvo havasi kugona kutiza, uye varwi havasi kugona kupukunyuka. Kuchamhembe, pedyo neRwizi rwaYufratesi,Vagumburwa vakadonha.’+  7  Ndiani uyo ari kuuya seRwizi rwaNire,Senzizi dzine mvura isina kugadzikana?  8  Ijipiti inouya seRwizi rwaNire,+Senzizi dzine mvura isina kugadzikana,Uye inoti, ‘Ndichaenda ndofukidza nyika. Ndichaparadza guta nevaya vari kugara mariri.’  9  Endai imi mabhiza! Mhanyai kwazvo imi ngoro! Varwi ngavaende mberi,Kushi naPuti, vanoshandisa nhoo,+NevaRudhimu,+ vanoshandisa uta uye vanohukombamisa.+ 10  “Zuva iroro nderaChangamire Ishe, Jehovha wemauto, zuva rekutsiva, rekuti atsive mhandu dzake. Uye bakatwa richadya roguta, uye richaguta neropa ravo, nekuti Changamire Ishe, iye Jehovha wemauto ane chibayiro munyika yekuchamhembe pedyo neRwizi rwaYufratesi.+ 11  Enda kuGiriyedhi unotora bharisamu,+Haiwa iwe mhandara yeIjipiti. Wakazvirapa nemishonga yakawanda asi hazvina kubatsira,Nekuti hapana mushonga unokurapa.+ 12  Marudzi anzwa nezvekuzvidzwa kwako,+Uye kuchema kwako kwazadza nyika. Nekuti murwi ari kupiringishana nemumwe murwi,Vese vowira pasi.” 13  Iri ndiro shoko rakaudzwa muprofita Jeremiya naJehovha pamusoro pekuuya kwaMambo Nebhukadhinezari* weBhabhironi kuzorwisa nyika yeIjipiti:+ 14  “Zvitaurei muIjipiti, zvizivisei muMigdhori.+ Uye zvizivisei muNofi* nemuTapanhesi.+ Itii, ‘Mirai munzvimbo dzenyu mugadzirire,Nekuti bakatwa richaparadza kumativi ako ese. 15  Nei varume vako vane simba vakukurwa? Havana kumira vakasimba,Nekuti Jehovha avawisira pasi. 16  Vari kugumburwa vari vazhinji, vachiwira pasi. Vari kutaurirana vachiti: “Simuka! Ngatidzokere kuvanhu vekwedu uye kumusha kweduNemhaka yebakatwa rine utsinye.”’ 17  Ikoko vakazivisa kuti,‘Farao mambo weIjipiti anongovawo ruzha rusina maturoUye atambisa mukana.’*+ 18  ‘Neupenyu hwangu,’ ndizvo zvinotaurwa naMambo, ane zita rekuti Jehovha wemauto,‘Achapinda* seTabhori+ riri pakati pemakomoUye seKameri+ riri pedyo negungwa. 19  Rongedza mukwende wako kuti uende kuutapwa,Iwe mwanasikana ari kugara muIjipiti. Nekuti Nofi* ichava chinhu chinotyisa;Ichapiswa nemoto,* yosara isina anogaramo.+ 20  Ijipiti yakaita setsiru rakanaka kwazvo,Asi nhunzi dzinoruma dzichauya kuzoirwisa dzichibva kuchamhembe. 21  Varwi vayo vayakatenga vakaita semhuru dzakakodzwa,Asi naivowo vatendeuka vakatiza pamwe chete. Vatadza kuramba vakamira,+Nekuti zuva redambudziko ravo ravasvikira,Iyo nguva yekutongwa kwavo.’ 22  ‘Ruzha rwayo rwakaita serwenyoka iri kuzvonyongoka,Nekuti vari kuivinga nesimba, vaine matemo,Sevarume vari kutema miti.* 23  Vachatema sango rayo,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘kunyange zvazvo raiita serisingapindiki. Nekuti vakawanda chaizvo kupfuura mhashu uye havaverengeki. 24  Mwanasikana weIjipiti achanyadziswa. Achaiswa mumaoko evanhu vekuchamhembe.’+ 25  “Zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri: ‘Iye zvino ndiri kufunga nezvaAmone+ wekuNo,*+ nezvaFarao, nezveIjipiti, navanamwari vayo+ nemadzimambo ayo, iye Farao nevaya vese vanovimba naye.’+ 26  “‘Ndichavaisa mumaoko evaya vari kutsvaga kuvauraya,* kuna Mambo Nebhukadhinezari* weBhabhironi+ nevashandi vake. Asi pashure paizvozvo ichagarwa sezvayaimboitwa,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.+ 27  ‘Asi iwe mushumiri wangu Jakobho, usatya,Uye usavhunduka, haiwa iwe Israeri.+ Nekuti ndichakuponesa ndichikubvisa kureUye vana* vako ndichivabvisa kunyika yavari nhapwa.+ Jakobho achadzoka ogara zvakanaka, pasina chinomunetsa,Pasina anovatyisa.+ 28  Saka usatya, iwe mushumiri wangu Jakobho,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘nekuti ndinewe. Ndichaparadza marudzi ese andakakuparadzira kwaari,+Asi iwe handizokuparadzi.+ Ndichakuranga* zvakafanira,+Uye handizombokuregi usina kurangwa.’”

Mashoko Emuzasi

^ ChiHeb., “Nebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.
^ Nhoo iyi yaiwanzotakurwa nevanopfura neuta.
^ ChiHeb., “Nebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.
^ Kana kuti “muMemfisi.”
^ ChiHeb., “nguva yakasarudzwa.”
^ Kureva, aizokunda Ijipiti.
^ Kana kuti “Memfisi.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “Ichava dongo risina chinhu.”
^ Kana kuti “kutsvaga huni.”
^ Kureva, Tebhesi.
^ ChiHeb., “Nebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.
^ Kana kuti “mweya yavo.”
^ ChiHeb., “mbeu.”
^ Kana kuti “Ndichakururamisa.”