Jeremiya 33:1-26

  • Vimbiso yekudzoswa (1-13)

  • Kugara vakachengeteka vachitungamirirwa “nenhungirwa yakarurama” (14-16)

  • Sungano naDhavhidhi uye nevapristi (17-26)

    • Sungano ine chekuita nemasikati neusiku (20)

33  Shoko raJehovha rakauya kuna Jeremiya kechipiri, paakanga achakavharirwa muChivanze cheVarindi,+ richiti: 2  “Zvanzi naJehovha Muiti wenyika, iye Jehovha akaiumba akaisimbisa kwazvo; Jehovha ndiro zita rake, 3  ‘Shevedzera kwandiri, uye ini ndichakupindura ndobva ndangokuudza zvinhu zvikuru nezvisingagoni kunzwisiswa zvausati waziva.’”+ 4  “Nekuti zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri pamusoro pedzimba dzeguta rino uye dzimba dzemadzimambo eJudha dzakaputswa nemhaka yemirwi yakagadzirirwa kukomba guta uye nemhaka yebakatwa,+ 5  uye pamusoro pevaya vari kuuya kuzorwisa vaKadheya, vachizadza nzvimbo idzi nezvitunha zvevaya vandakauraya ndakatsamwa uye ndakagumbuka, vaya vane zvakaipa zvakaita kuti ndivanzire guta rino chiso changu: 6  ‘Ndichariporesa uye ndichaita kuti rive neutano+ uye ndichavarapa ndovapa rugare rukuru nechokwadi.+ 7  Ndichadzosa nhapwa dzeJudha nenhapwa dzeIsraeri,+ uye ndichadzivaka sezvandakaita pakutanga.+ 8  Ndichadzinatsa pazvivi zvadzo zvese zvadzakanditadzira,+ uye ndichadziregerera zvivi zvadzo zvese uye kunditadzira kwadzakaita.+ 9  Uye kwandiri guta rino richava zita rekupembera nemufaro, kurumbidzwa uye runako pamberi pemarudzi ese enyika achanzwa zvakanaka zvese zvandichaitira vanhu vangu.+ Vachatya uye vachadedera+ nekuda kwezvakanaka zvese uye rugare rwese rwandicharipa.’”+ 10  “Zvanzi naJehovha: ‘Munzvimbo ino yamuchati idongo risina munhu kana zvipfuwo, mumaguta eJudha nemumigwagwa yeJerusarema yakaparadzwa, isina munhu kana mugari kana zvipfuwo, muchatangazve kunzwika 11  inzwi rekupembera nemufaro nenzwi remufaro mukuru,+ inzwi remurume ari kuroora nenzwi remwenga, inzwi revaya vanoti: “Ongai Jehovha wemauto, nekuti Jehovha akanaka;+ rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi!”’+ “‘Vachauya nemipiro yekuonga muimba yaJehovha,+ nekuti ndichadzosa nhapwa dzenyika yacho, sezvazvaiva pakutanga,’ anodaro Jehovha.” 12  “Zvanzi naJehovha wemauto: ‘Munzvimbo ino yava dongo, isina munhu kana zvipfuwo, uye mumaguta ayo ese, muchavazve nemafuro ekuti vafudzi vazorodze zvipfuwo zvavo imomo.’+ 13  “‘Mumaguta ekumakomo, nemumaguta enyika yakadzikira, nemumaguta ekumaodzanyemba, nemunyika yaBhenjamini, nemunzvimbo dzakapoteredza Jerusarema+ nemumaguta eJudha,+ zvipfuwo zvichapfuurazve nepasi pemaoko euya anenge achizviverenga,’ anodaro Jehovha.” 14  “‘Inzwai! Mazuva achasvika,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘andichazadzisa vimbiso yakanaka yandataura pamusoro peimba yaIsraeri neimba yaJudha.+ 15  Mazuva iwayo uye panguva iyoyo ndichaita kuti patungire nhungirwa yakarurama yaDhavhidhi,*+ uye iye achaita kuti munyika yacho mutevedzerwe mutemo uye muve nekururama.+ 16  Mazuva iwayo, Judha ichaponeswa+ uye Jerusarema richagara rakachengeteka.+ Uye richanzi: Jehovha Ndiye Kururama Kwedu.’”+ 17  “Nekuti zvanzi naJehovha, ‘Pavazukuru vaDhavhidhi hapazomboshayikwi murume anogara pachigaro cheumambo cheimba yaIsraeri,+ 18  uyewo kuvapristi vedzinza raRevhi hakuzoshayikwi murume anomira pamberi pangu kuti ape mipiro inopiswa, kuti apise mipiro yezviyo* uye kuti ape zvibayiro.’” 19  Shoko raJehovha rakauyazve kuna Jeremiya, richiti: 20  “Zvanzi naJehovha, ‘Kana mukakwanisa kuputsa sungano yangu ine chekuita nemasikati uye sungano yangu ine chekuita neusiku, kuti masikati neusiku zvirege kuuya panguva yazvo yakakodzera,+ 21  sungano yangu nemushumiri wangu Dhavhidhi ichaputswawo,+ zvekuti haangavi nemwanakomana anotonga pachigaro chake cheumambo,+ uyewo sungano yangu nevapristi vedzinza raRevhi, vashumiri vangu,+ ichaputswawo. 22  Ndichaita kuti vana* vemushumiri wangu Dhavhidhi nevaRevhi vari kundishumira vawande seuto rekudenga risingaverengeki uye sejecha regungwa risingayereki.’” 23  Shoko raJehovha rakauyazve kuna Jeremiya, richiti: 24  “Hauna kunzwa here zviri kutaurwa nevanhu ava? Vari kuti, ‘Jehovha acharamba mhuri mbiri dzaakasarudza.’ Havasi kuremekedza vanhu vangu uye havachavaoni serudzi. 25  “Zvanzi naJehovha: ‘Sekudzika kwandakaita sungano yangu ine chekuita nemasikati neusiku,+ iyo mitemo* yekudenga neyepanyika,+ 26  handizomborambiwo vana* vaJakobho nevemushumiri wangu Dhavhidhi uye handizoregi kutora vatongi pavana* vake kuti vatonge vazukuru* vaAbrahamu, Isaka, naJakobho. Nekuti ndichaunganidza nhapwa dzavo+ ndodzinzwira tsitsi.’”+

Mashoko Emuzasi

^ Kana kuti “mugari wenhaka akarurama waDhavhidhi.”
^ Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.
^ ChiHeb., “mbeu.”
^ Kana kuti “mirau.”
^ ChiHeb., “mbeu.”
^ ChiHeb., “mbeu.”
^ ChiHeb., “mbeu.”