Jeremiya 30:1-24

  • Vimbiso yekudzoswa uye yekuporeswa (1-24)

30  Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha, richiti:  “Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri, ‘Nyora mubhuku mashoko ese andinokuudza.  Nekuti “mazuva achasvika,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “andichaunganidza vanhu vangu vakatapwa, vaIsraeri nevaJudha,”+ anodaro Jehovha, “uye ndichavadzosa kunyika yandakapa madzitateguru avo, uye ichava yavo zvakare.”’”+  Aya ndiwo mashoko akataurwa naJehovha kuna Israeri naJudha.   Zvanzi naJehovha: “Tanzwa ruzha rwekudedera;Pane kutya kukuru, uye hapana rugare.   Ndapota, bvunzai kuti murume angasununguka mwana here? Saka nei ndiri kuona murume wese ane simba akabata muchiuno*Semukadzi ari kusununguka?+ Nei zviso zvese zvachenuruka?   Inhamo chaiyo! Nekuti zuva racho rinotyisa.*+ Hakuna rimwe rakafanana naro,Inguva yekutambudzika kwaJakobho. Asi iye achaponeswa pazuva racho.”  “Uye pazuva iroro,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto, “ndichatyora joko ndichiribvisa pamutsipa wako, uye ndichadambura zvitorobho zvako;* uye vatorwa* havazomuitizve muranda wavo.*  Vachashumira Jehovha Mwari wavo naDhavhidhi mambo wavo wandichavamutsira.”+ 10  “Uye iwe Jakobho mushumiri wangu, usatya,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha,“Uye usavhunduka, haiwa iwe Israeri.+ Nekuti ndichakuponesa ndichikubvisa kureUye vana vako ndichivabvisa kunyika yavari nhapwa.+ Jakobho achadzoka ogara zvakanaka, pasina chinomunetsa,Pasina anovatyisa.”+ 11  “Nekuti ndinewe,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “kuti ndikuponese. Asi ndichaparadza marudzi ese andakakuparadzira kwaari;+Asi iwe handizokuparadzi.+ Ndichakuranga* zvakafanira,Uye handizombokuregi usina kurangwa.”+ 12  Nekuti zvanzi naJehovha: “Hapana chinorapa pawakatyoka.+ Ronda rako harirapiki. 13  Hapana anokutetererera mhosva yako,Ronda rako harirapiki. Hapana mushonga unokurapa. 14  Vese vaikuda kwazvo vakukanganwa.+ Havachakutsvagi. Nekuti ndakurova neshamhu yakafanana neyemuvengi,+Nekuranga kwemunhu ane utsinye,Nemhaka yekukura kwemhosva yako uye kuwanda kwezvivi zvako.+ 15  Nei uchichema nekutyoka kwawakaita? Marwadzo ako haarapiki! Ndakuitira izviNemhaka yekukura kwemhosva yako uye kuwanda kwezvivi+ zvako. 16  Saka vaya vese vanokuparadza vachaparadzwa,+Uye vavengi vako vese vachatapwawo.+ Vaya vanokutorera zvinhu nechisimba vachatorerwawo nechisimba,Uye ndichaita kuti vese vanopamba zvinhu zvako vapambwewo.”+ 17  “Asi ndichaita kuti uvezve neutano uye ndicharapa maronda ako,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha,“Kunyange zvazvo vaikudana kuti nyakurambwa: ‘Ziyoni, nzvimbo isina anoitsvaga.’”+ 18  Zvanzi naJehovha: “Ndiri kuunganidza nhapwa dzematende aJakobho,+Uye ndichanzwira tsitsi tebhenekeri dzake. Guta racho richavakwazve pachikomo charo,+Uye shongwe yakasimba ichamira panzvimbo yayo yakakodzera. 19  Uye kwavari kuchabva kuonga nemanzwi ekuseka.+ Ndichaita kuti vawande, uye havazovi vashoma;+Ndichaita kuti vawande chaizvo,*Uye havazovi rudzi rudiki.+ 20  Vanakomana vake vachaita sezvavaiva kare,Uye ungano yake ichasimbiswa kwazvo pamberi pangu.+ Ndicharanga vadzvinyiriri vake vese.+ 21  Mukuru wake achava mumwe wevanhu vake,Uye mutongi wake achagadzwa achibva pavanhu vake. Ndichaita kuti auye pedyo, uye achauya kwandiri.” “Nekuti pasina izvozvo ndiani aizoshinga* kuuya kwandiri?” ndizvo zvinotaurwa naJehovha. 22  “Muchava vanhu vangu,+ uye ini ndichava Mwari wenyu.”+ 23  Inzwai! Dutu raJehovha richabuda nehasha,+Icho chamupupuri chine simba chinotenderera pamisoro yevakaipa. 24  Kutsamwa kukuru kwaJehovha hakuzodzokiKusvikira aita zviri mumwoyo make uye azvipedza.+ Muchazvinzwisisa mumazuva ekupedzisira.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “padumbu.”
ChiHeb., “iguru.”
ChiHeb., “tambo dzako.”
Kana kuti “vekune imwe nyika.”
Kana kuti “havazovaitizve varanda vavo.”
Kana kuti “Ndichakururamisa.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “vakudzwe.”
ChiHeb., “aizopa mwoyo wake sechibatiso.”