Jeremiya 3:1-25

  • Kutsauka kukuru kwevaIsraeri (1-5)

  • VaIsraeri nevaJudha vane mhosva yeupombwe (6-11)

  • Kukumbirwa kuti vasiye zvakaipa (12-25)

3  Vanhu vanobvunza kuti: “Kana murume akadzinga mudzimai wake, mudzimai wacho omusiya ova wemumwe murume, murume wacho angadzokazve kwaari here?” Nyika iyoyo haina kusvibiswa zvakanyanya here?+ “Wakaita chipfambi nevanhu vazhinji,+Saka iye zvino ungadzoka kwandiri here?” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.  2  “Simudza maziso ako utarise kuzvikomo zvisina chinhu uone. Ndepapi pausina kubatwa chibharo? Waivagaririra mumigwagwa,Semunhu anotama-tama* murenje. Unoramba uchisvibisa nyikaNeupfambi hwako nezvakaipa zvako.+  3  Saka hapana mvura inopfunha yaunopiwa,+Uye mumasutso* hamusi kunaya mvura. Hauna nyadzi pachiso chako* semudzimai anoita zvechipfambi;Hautombonyari.+  4  Asi iye zvino unoshevedzera kwandiri uchiti,‘Baba vangu, ndimi shamwari yeudiki hwangu!+  5  Munhu angaramba akatsamwa nekusingaperi here,Kana kuti angaramba aine chigumbu here?’ Izvi ndizvo zvaunotaura,Asi unoramba uchiita zvakaipa zvese zvaunokwanisa.”+ 6  Mumazuva aMambo Josiya,+ Jehovha akati kwandiri: “‘Waona zvakaitwa naIsraeri uyo asina kutendeka here? Akaenda mumakomo ese akakwirira nepasi pemiti yese yakasvibirira kuti aite zvechipfambi.+ 7  Kunyange pashure pekunge aita zvinhu zvese izvi, ndakaramba ndichimuudza kuti adzoke kwandiri;+ asi haana kudzoka; uye Judha akaramba achingotarisa mukoma wake anonyengera.+ 8  Pandakazviona ndakadzinga Israeri asina kutendeka ndikamupa gwaro rakazara rekumuramba+ nemhaka yeupombwe hwake.+ Asi Judha, munin’ina wake anonyengera haana kutya; naiyewo akaenda akanoita zvechipfambi.+ 9  Akaona upfambi hwake sechinhu chidiki, uye akaramba achisvibisa nyika, achiita upombwe nematombo nemiti.+ 10  Pasinei nezvese izvi, munin’ina wake Judha anonyengera haana kudzoka kwandiri nemwoyo wake wese, asi zvaiva zvekungonyepedzera,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.” 11  Jehovha akabva ati kwandiri: “Israeri asina kutendeka akaratidza kuti akarurama* kupfuura Judha anonyengera.+ 12  Enda kuchamhembe uzivise mashoko aya ekuti:+ “‘“Dzokai, haiwa imi vaIsraeri vakatsauka,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.’+ ‘“Handizokutarisii ndakatsamwa,*+ nekuti ndakavimbika,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.’ ‘“Handizorambi ndakatsamwa nekusingaperi. 13  Imi chingobvumai mhosva yenyu chete, nekuti makapandukira Jehovha Mwari wenyu. Makaramba muchingomwaya rudo rwenyu* kuvatorwa* pasi pemiti yese yakasvibirira, asi hamuna kuda kuteerera inzwi rangu,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.’” 14  “Dzokai imi vanakomana vakatsauka,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha. “Nekuti ndava tenzi wenyu chaiye;* uye ndichakutorai, mumwe chete kubva muguta uye vaviri kubva mumhuri, uye ndichakuunzai kuZiyoni.+ 15  Ndichakupai vafudzi vanoita zvandinoda,+ uye vachakufudzai neruzivo nenjere. 16  Muchava vazhinji, mobereka zvibereko muri munyika yacho pamazuva iwayo,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.+ “Havazotizve, ‘Areka yesungano yaJehovha!’ Haizouyi mupfungwa, uye havazoiyeuki kana kuisuwa, uye haizogadzirwizve. 17  Panguva iyoyo vachatumidza Jerusarema kuti chigaro cheumambo chaJehovha;+ uye marudzi ese achaunganidzwa kune zita raJehovha kuJerusarema,+ uye havazoomesi misoro zvakare vachitevera mwoyo yavo yakaipa.” 18  “Mumazuva iwayo imba yaJudha neimba yaIsraeri dzichafamba pamwe chete,+ uye dzichabva kunyika yekuchamhembe dziri pamwe chete dzichipinda munyika yandakapa madzitateguru enyu kuti ive nhaka yawo.+ 19  Uye ndakati, ‘Ndakakuisa pakati pevanakomana ndikakupa nyika yakanaka kwazvo, nhaka yakanaka kupfuura dzese pamarudzi!’*+ Ndakafungawo kuti muchandishevedza kuti, ‘Baba vangu!’ uye kuti hamuzoregi kunditevera. 20  ‘Haiwa imi imba yaIsraeri, chokwadi makandinyengera, sezvinoita mudzimai anosiya murume wake* nekunyengera,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.” 21  Muzvikomo zvisina chinhu muri kunzwika ruzha,Kuchema uye kuteterera kwevanhu veIsraeri,Nekuti vakavhiringidza nzira yavo;Vakakanganwa Jehovha Mwari wavo.+ 22  “Dzokai, imi vanakomana vakatsauka. Ndichagadzirisa kutsauka kwenyu.”+ “Tiri pano! Tauya kwamuri,Nekuti imi, haiwa Jehovha, muri Mwari wedu.+ 23  Chokwadi zvikomo nemheremhere iri mumakomo ndezvenhema.+ Chokwadi ruponeso rwaIsraeri ruri kuna Jehovha Mwari wedu.+ 24  Asi chinhu chinonyadzisa chaparadza* zvakabudirwa ziya nemadzitateguru edu kubvira tichiri vadiki,+Iwo makwai avo nemombe dzavo,Vanakomana vavo nevanasikana vavo. 25  Ngatirare pasi tichinyara,Uye nyadzi dzedu ngadzitifukidze,Nekuti takatadzira Jehovha Mwari wedu,+Isu nemadzibaba edu kubvira tichiri vadiki kusvikira nhasi,+Uye hatina kuteerera inzwi raJehovha Mwari wedu.”

Mashoko Emuzasi

^ ChiHeb., “SemuArabhu.”
^ Masutso inguva yegore apo zvirimwa zvinenge zvava kuda kudyiwa.
^ ChiHeb., “pahuma yako.”
^ Kana kuti “mweya wake wakarurama.”
^ ChiHeb., “Handizoiti kuti chiso changu chidonhe.”
^ Kana kuti “nzira dzenyu.”
^ Kana kuti “kuvanamwari vekumwe.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “murume wenyu.”
^ ChiHeb., “pamauto emarudzi.”
^ Kana kuti “shamwari yake.”
^ Kana kuti “mwari anonyadzisa aparadza.”