Jeremiya 16:1-21

  • Jeremiya haafaniri kuroora, kuchema, kana kuenda kumabiko (1-9)

  • Kurangwa uye kudzoswa kunyika yavo (10-21)

16  Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri richiti: 2  “Usaroora, uye usava nevanakomana nevanasikana munzvimbo ino. 3  Nekuti zvanzi naJehovha pamusoro pevanakomana uye vanasikana vanoberekerwa muno, uye pamusoro pavanaamai vavo vanovabereka uye pamusoro pavanababa vavo vanoita kuti vaberekwe munyika ino: 4  ‘Vachafa nezvirwere zvinouraya,+ asi hapana achavachema kana kuvaviga; vachava semupfudze panyika.+ Vachafa nebakatwa nenzara,+ uye zvitunha zvavo zvichadyiwa neshiri dzedenga nemhuka dzepanyika.’  5  Nekuti zvanzi naJehovha,‘Usapinda muimba inoitwa mutambo wevanochema,Uye usaenda kunochema kana kunovanyaradza.’+ ‘Nekuti ndabvisa rugare rwangu pavanhu ava,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha,‘Pamwe chete nerudo rwangu rusingachinji netsitsi dzangu.+  6  Vakuru nevadiki vachafa munyika ino. Havazovigwi,Hapana achavachema,Uye hapana achazvicheka-cheka kana kuzvigera muparavara nekuda kwavo.*  7  Hapana achapa zvekudya kune vaya vanenge vachichema,Kuti avanyaradze pakufirwa kwavo;Uyewo hapana achavapa kapu yekunyaradzaKuti vanwe vachichema baba kana amai vavo.  8  Usapinda muimba yemabikoKuti ugare pasi navo uchidya nekunwa.’ 9  “Nekuti zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri, ‘Mumazuva enyu ndichagumisa munzvimbo ino inzwi rekupembera neremufaro mukuru, inzwi remurume ari kuroora nenzwi remwenga, imi muchizviona.’+ 10  “Paunoudza vanhu ava mashoko ese aya, vachakubvunza kuti, ‘Nei Jehovha ataura kuti tichawirwa nedambudziko guru rese iri? Chii chatakakanganisa uye chatakatadzira Jehovha Mwari wedu?’+ 11  Unofanira kuvapindura kuti, ‘“Nekuti madzitateguru enyu akandisiya,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “uye akaramba achitevera vamwe vanamwari, achivashumira nekuvakotamira.+ Asi ini akandisiya, uye haana kuchengeta mutemo wangu.+ 12  Imi makaita zvakaipa kutopfuura madzitateguru enyu,+ uye mumwe nemumwe wenyu ari kutevera mwoyo wake wakaoma uye wakaipa pane kunditeerera.+ 13  Saka ndichakukandai kunze kwenyika ino muchinopinda munyika yamusina kuziva imi kana madzitateguru enyu,+ uye ikoko muchange mava kufanira kushumira vamwe vanamwari siku nesikati,+ nekuti handizokunzwirii nyasha.”’ 14  “‘Zvisinei, mazuva achasvika,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘pavasingazotizve: “NaJehovha mupenyu akabudisa vaIsraeri munyika yeIjipiti!”+ 15  asi vachati: “NaJehovha mupenyu, akaunza vaIsraeri achivabvisa munyika yekuchamhembe nemunyika dzese dzaakanga avaparadzira kwadziri!” Ndichavadzosa kunyika yavo, yandakapa madzitateguru avo.’+ 16  ‘Ndichashevedza vabati vehove vazhinji,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha,‘Uye vachavaraura vovabata. Pashure peizvi ndichashevedza vavhimi vazhinji,Uye vachavavhima mumakomo ese nemuzvikomo zveseNemumikaha yematombo. 17  Nekuti maziso angu ari kuona zvese zvavanoita.* Zviri pachena kwandiri,Uyewo kukanganisa kwavo hakuna kuvanzwa pamberi pangu. 18  Kutanga, ndichatsiva zvakaenzanirana nekukanganisa kwavo nechivi chavo,+Nekuti vakasvibisa nyika yangu nezvidhori zvavo zvinosemesa zvisina upenyuUye vakazadza nhaka yangu nezvinhu zvavo zvinosemesa.’”+ 19  Haiwa Jehovha, simba rangu nenhare* yangu,Nzvimbo yangu yekutizira pazuva rekutambudzika,+Marudzi achauya kwamuri achibva kumigumo yenyika,Uye achati: “Madzitateguru edu akagara nhaka nhema dzisingaiti,Zvinhu pasina uye zvisina maturo, zvisina zvazvinobatsira.”+ 20  Munhu angazvigadzirira vanamwari here?Zvaanogadzira hazvisi vanamwari.+ 21  “Saka ndichaita kuti vazive,Panguva iyoyo ndichaita kuti vazive simba rangu neukuru hwangu,Uye vachaziva kuti ndinonzi Jehovha.”

Mashoko Emuzasi

^ Idzi itsika dzepamariro dzevahedheni dzinogona kunge dzaiitwa nevaIsraeri vakapanduka.
^ ChiHeb., “nzira dzavo dzese.”
^ Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.