Jeremiya 15:1-21

  • Jehovha haazochinji mutongo wake (1-9)

  • Kunyunyuta kwaJeremiya (10)

  • Mhinduro yaJehovha (11-14)

  • Munyengetero waJeremiya (15-18)

    • Kufarira kudya shoko raMwari (16)

  • Jeremiya anosimbiswa naJehovha (19-21)

15  Jehovha akabva ati kwandiri: “Kunyange dai pamberi pangu paizomira Mozisi naSamueri+ ndaisambonzwira* vanhu ava nyasha. Vadzinge pamberi pangu. Ngavaende. 2  Uye kana vakati kwauri, ‘Toendepi?’ iwe unofanira kuti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha: “Munhu wese akafanirwa nedenda rinouraya, ngaaende kunofa nedenda! Munhu wese akafanirwa nebakatwa, ngaafe nebakatwa!+ Munhu wese akafanirwa nenzara, ngaafe nenzara! Munhu wese akafanirwa nekutapwa, ngaatapwe!”’+ 3  “‘Ndichatuma matambudziko mana* pavari,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘bakatwa kuti riuraye, imbwa kuti dzizvuzvurudze, shiri dzedenga uye mhuka dzepanyika kuti dzidye uye dziparadze.+ 4  Ndichavaita chinhu chinotyisa kuumambo hwese hwepanyika+ nemhaka yaManase mwanakomana waHezekiya, mambo weJudha, nekuda kwezvaakaita muJerusarema.+  5  Ndiani achakunzwira tsitsi, haiwa iwe Jerusarema,Ndiani achachema newe,Uye ndiani achamira kuti abvunze kuti wakadii?’  6  ‘Wakandisiya,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.+ ‘Unoramba uchindipira gotsi.*+ Saka ndichakutambanudzira ruoko rwangu ndokuparadza.+ Ndaneta nekukunzwira tsitsi.*  7  Ndichavaurutsa neforogo pamagedhi enyika yacho. Ndichaita kuti vafirwe nevana.+ Ndichaparadza vanhu vangu,Nekuti vari kuramba kusiya nzira dzavo.+  8  Chirikadzi dzavo dzichawanda pamberi pangu kupfuura jecha remakungwa. Ndichaunza muparadzi pavari zuva riri panhongonya, pana vanaamai nepamajaya. Ndichaita kuti vangoerekana vava kunetseka uye vava kutya zvikuru.  9  Mukadzi akabereka vana vanomwe apera simba;Ari* kunetseka kufema. Zuva rake ravira achiri masikati,Zvichikonzera kunyadziswa uye kuzvidzwa.’* ‘Uye vashoma vakasara pakati pavoNdichavaurayisa nebakatwa pamberi pevavengi vavo,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.”+ 10  Ndine nhamo, haiwa amai vangu, nekuti makandibereka,+Ini murume wekungopopotedzana uye kukakavadzana nenyika yese. Handina kukweretesa, uye hapana wandakakwereta kwaari;Asi vese zvavo vanondituka. 11  Jehovha akati: “Chokwadi ndichakushumira kuti zvikufambire zvakanaka;Chokwadi ndichakumiririra kumuvengi panguva yekutambudzika,Panguva yenhamo. 12  Munhu angagura-gura simbi here,Simbi inobva kuchamhembe, uye mhangura? 13  Ndichaita kuti pfuma yako nezvinhu zvako zvinokosha zvitorwe+Pasina mubhadharo, nemhaka yezvivi zvako zvese munharaunda dzako dzese. 14  Ndichazviisa mumaoko evavengi vakoKuti vazviendese kunyika yausingazivi.+ Nekuti moto wabatidzwa nekutsamwa kwangu,Uye uri kubvira kuti ukupisei.”+ 15  Imi munoziva, haiwa Jehovha,Ndiyeukei, mufunge nezvangu. Nditsivirei vaya vanonditambudza.+ Musandirega ndichiparara,* nekuda kwekunonoka kutsamwa kwenyu. Zivai kuti ndinotsungirira kuzvidzwa uku ndichiitira imi.+ 16  Mashoko enyu akawanikwa, ndikaadya;+Uye akaita kuti mwoyo wangu upembere uye ufare chaizvo,Nekuti ndiri kushevedzwa nezita renyu, haiwa Jehovha Mwari wemauto. 17  Handifadzwi nekugara pane vaya vanoita mafaro akanyanyisa.+ Ndinogara ndega nekuti ruoko rwenyu ruri pandiri,Nekuti makandizadza nekutsamwa.*+ 18  Nei marwadzo angu asiri kupera uye ronda rangu risingarapiki? Riri kuramba kupora. Muchava kwandiri nzvimbo inoita seine mvura asi iyo isina here,Nzvimbo isingagoni kuvimbwa nayo? 19  Saka zvanzi naJehovha: “Kana ukadzoka, ndichabva ndakudzosa panzvimbo yako,Uye uchamira pamberi pangu. Kana ukaparadzanisa zvinhu zvinokosha nezvinhu zvisina zvazvinobatsira,Uchava semuromo wangu.* Vanenge vava kufanira kutouya kwauri,Asi iwe hauzoendi kwavari.” 20  “Ndiri kukuita rusvingo rwemhangura rwakasimba kuvanhu ava.+ Chokwadi vacharwa newe,Asi havazobudiriri,*+Nekuti ini ndinewe, kuti ndikununure,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha. 21  “Ndichakununura paruoko rwevakaipa,Ndokudzikinura muchanza chevane utsinye.”

Mashoko Emuzasi

^ Kana kuti “mweya wangu waisambonzwira.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “marudzi mana emitongo.” ChiHeb., “mhuri ina.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “uchifamba nenhendeshure.”
^ Kana kuti “nekuzvidemba.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “Ranyadziswa uye ratsverudzwa.”
^ Kana kuti “Mweya wake uri.”
^ ChiHeb., “Musandibvisa.”
^ Kana kuti “neshoko rekutuka.”
^ Kana kuti “Uchataura uchindimiririra.”
^ Kana kuti “havazokukundi.”