Isaya 64:1-12
64 Kudai henyu makanga mabvarura denga moburuka,Kuti makomo azununguswe nemhaka yenyu,
2 Sezvinoitika moto paunobatidza tsotso,Uye moto paunoita kuti mvura ifashaire,Zita renyu raizozivikanwa nemhandu dzenyu,Uye marudzi aizodedera pamberi penyu!
3 Pamakaita zvinhu zvinotyisa zvatakanga tisingambotarisiri,+Makaburuka, uye makomo akazununguka pamberi penyu.+
4 Kubvira kare hapana akanzwa kana akateerera,Uye hapana ziso rakaona mumwe Mwari kunze kwenyu,Anobatsira vaya vanoramba vachitarisira kwaari.*+
5 Makasangana nevaya vanoita zvakarurama vachifara,+Vaya vanokuyeukai uye vanotevera nzira dzenyu.
Makatsamwa patairamba tichitadza,+Takazviita kwenguva refu.
Zvino tingakodzera kuponeswa here?
6 Uye tese taita semunhu asina kuchena,Uye mabasa edu ese akarurama aita sejira rinoshandiswa nemukadzi ari kumwedzi.+
Tese tichasvava seshizha,Uye kukanganisa kwedu kuchatipeperetsa sezvinoita mhepo.
7 Hapana anodana zita renyu,Hapana anoita pfungwa dzekuti akubatei,Nekuti mativanzira chiso chenyu,+Uye munoita kuti tiperezeke* nemhaka yekukanganisa* kwedu.
8 Kunyange zvakadaro, haiwa Jehovha, imi muri Baba vedu.+
Isu tiri ivhu, uye imi muri Muumbi wedu;*+Tese tiri basa remaoko enyu.
9 Haiwa Jehovha, musanyanya kutsamwa,+Uye musayeuka kukanganisa kwedu nekusingaperi.
Tinokumbirawo kuti mutitarise, nekuti tese tiri vanhu venyu.
10 Maguta enyu matsvene ava renje.
Ziyoni rava renje,Jerusarema rangova nzvimbo isina chinhu.+
11 Imba* yedu yeutsvene nekukudzwa,*Yaishandiswa nemadzitateguru edu paaikurumbidzai,Yapiswa nemoto,+Uye zvinhu zvedu zvese zvataida chaizvo zvangova matongo.
12 Mucharamba muchingozvidzora here muchiona zvinhu zvakadai, haiwa Jehovha?
Mucharamba makanyarara muchitirega tichitambudzwa zvakanyanya kudai here?+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “vanomumirira nemwoyo murefu.”
^ ChiHeb., “tinyunguduke.”
^ ChiHeb., “neruoko rwekukanganisa.”
^ Kana kuti “ndimi makatisika.”
^ Kana kuti “Temberi.”
^ Kana kuti “nerunako.”