Isaya 63:1-19
63 Ndiani uyo ari kubva kuEdhomu,+Ari kubva kuBhozra+ aine nguo dzine ruvara rwakajeka,*Ane zvipfeko zvakanaka chaizvo,Ari kufamba musimba rake guru?
“Ndini uya ari kutaura mukururama,Iye ane simba guru rekuponesa.”
2 Nei zvipfeko zvako zvakatsvuka,Uye nei nguo dzako dzakaita sedzemunhu ari kutsika-tsika muchisviniro chewaini?+
3 “Ndakatsika-tsika muchisviniro chewaini ndiri ndega.
Hapana munhu wekune mamwe marudzi wandaiva naye.
Ndakaramba ndichivatsika-tsika ndakatsamwa,Uye ndakaramba ndichivatsika-tsika ndiine hasha.+
Nguo dzangu dzakatsatikirwa neropa ravo,Ndikasvibisa zvipfeko zvangu zvese.
4 Nekuti zuva rekutsiva riri mumwoyo mangu,+Uye gore revakadzikinurwa vangu rasvika.
5 Ndakatarisa, asi pakanga pasina anobatsira;Ndakakatyamadzwa kuti pakanga pasina aitsigira.
Saka ruoko rwangu rwakandiponesa,*+Uye hasha dzangu ndidzo dzakanditsigira.
6 Ndakatsika-tsika marudzi ndakatsamwa,Ndakaadhakisa nehasha dzangu,+Ndikadururira ropa rawo pasi.”
7 Ndichataura nezvemabasa aJehovha erudo rusingachinji,Iwo mabasa aJehovha akakodzera kurumbidzwa,Ndichadaro nekuda kwezvese zvatakaitirwa naJehovha,+Zvinhu zvakanaka zvakawanda zvaakaitira imba yaIsraeri,Maererano netsitsi dzake uye rudo rwake rukuru rusingachinji.
8 Nekuti akati: “Chokwadi ivo vanhu vangu, vanakomana vasingazovi vanhu vasina kuvimbika.”*+
Saka akava Muponesi wavo.+
9 Pakutambudzika kwavo kwese naiyewo akanga achitambudzika.+
Uye nhume yake* yakavaponesa.+
Akavadzikinura nerudo rwake netsitsi dzake,+Uye akavasimudza, akavatakura mazuva ese ekare.+
10 Asi ivo vakapanduka,+ vakarwadzisa mweya wake mutsvene.+
Iye akabva achinja akava muvengi wavo,+Uye akavarwisa.+
11 Uye vakayeuka mazuva ekare,Mazuva aMozisi mushumiri wake, vachiti:
“Ari kupi iye akavabudisa mugungwa+ nevafudzi vemakwai ake?+
Ari kupi iye akaisa mweya wake mutsvene maari,+
12 Iye akaita kuti ruoko rwake runokudzwa ruende neruoko rwerudyi rwaMozisi,+Iye akakamura mvura pamberi pavo+Kuti zita rake rive nemukurumbira nekusingaperi,+
13 Iye akavafambisa nemumvura yaiva nemafungu,*Zvekuti vakafamba vasingagumburwi,Sebhiza munzvimbo isina chinhu?*
14 Sezvinoitika panoenda zvipfuwo mubani,Mweya waJehovha wakavazorodza.”+
Ndiwo matungamiriro amakaita vanhu venyu,Kuti muite kuti zita renyu rikudzwe.*+
15 Tarisai muri kudenga muone,Muri munzvimbo yenyu yekugara yakakwirira yeutsvene nekukudzwa.*
Kushingaira kwenyu nesimba renyu zviri kupi,Kumutswa kwetsitsi dzenyu*+ nengoni dzenyu?+
Hazvisi kuunzwa kwandiri.
16 Nekuti ndimi Baba vedu;+Kunyange zvazvo Abrahamu angasatizivaUye Israeri angasaziva kuti tiri vanaani,Imi, haiwa Jehovha, ndimi Baba vedu.
Mudzikinuri wedu wekare kare ndiro zita renyu.+
17 Haiwa Jehovha, munotisiyirei tichidzungaira* tichibva panzira dzenyu?
Sei muchirega mwoyo yedu ichioma,* zvekuti hatikutyii?+
Dzokai nekuda kwevashumiri venyu,Madzinza enhaka yenyu.+
18 Yakanga iri yevanhu venyu vatsvene kwenguva pfupi.
Mhandu dzedu dzakatsika-tsika nzvimbo yenyu tsvene.+
19 Tava nenguva yakareba chaizvo takaita sevaya vamusina kumbobvira matonga,Sevaya vasina kumbobvira vashevedzwa nezita renyu.
Mashoko Emuzasi
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “dzine utsvuku hwakajeka.”
^ Kana kuti “rwakaita kuti ndikunde.”
^ Kana kuti “vasingazonyengeri.”
^ Kana kuti “ngirozi yepamberi pake.”
^ Kana kuti “nemumvura yakadzika.”
^ Kana kuti “riri murenje?”
^ Kana kuti “rinake.”
^ Kana kuti “nekunaka.”
^ ChiHeb., “Kunetseka kwenhengo dzenyu dzemukati.”
^ Kana kuti “munoitirei kuti tidzungaire.”
^ ChiHeb., “muchiita kuti mwoyo yedu iome.”

