Isaya 29:1-24

  • Arieri ine nhamo! (1-16)

    • Kungokudza Mwari nemiromo kunoshorwa (13)

  • Matsi dzichanzwa; uye mapofu achaona (17-24)

29  “Arieri* ine nhamo, iyo Arieri, guta rakadzikwa musasa naDhavhidhi!+ Rambai muchidaro gore negore;Mitambo yenyu yese ngairambe+ ichiitwa.  2  Asi ndichaunza dambudziko muArieri,+Uye pachava nekuchema nemariro,+Uye ichava sechoto cheatari yaMwari kwandiri.+  3  Ndichakudzikira musasa kumativi ese,Uye ndichakukomba nematandaNdokuvakira masvingo ekuti ndikurwise.+  4  Uchadzikiswa pasi;Uchataura uri pasi,Uye zvauchataura zvichanzwikira pasi pasi nemhaka yeguruva. Inzwi rako richanzwika richibva muvhu+Seinzwi resvikiro,Uye mashoko ako achaita sekuzevezera kuri kubva muguruva.  5  Boka revavengi vako* richaita seupfu hwakatsetseka,+Boka revadzvinyiriri sehundi iri kupeperetswa.+ Zvichangoerekana zvaitika, pakarepo.+  6  Jehovha wemauto achafunga nezvakoNemabhanan’ana, nekudengenyeka kwenyika, neruzha rukuru,Nedutu nemvura ine simba nemarimi emoto unoparadza.”+  7  Vanhu vazhinji vemarudzi ese avo vari kurwa neArieri,+Ivo vese vari kurwa nayo,Shongwe dzekushandisa pakuirwisa,Nevaya vari kuita kuti itambudzike,Vachabva vaita sechiroto, chiratidzo cheusiku.  8  Chokwadi zvichaita sepanorota munhu ane nzara achidya,Asi anomuka aine nzara,*Uye sepanorota munhu ane nyota achinwa,Asi anomuka akaneta uye aine nyota.* Ndizvo zvichaitawo boka remarudzi eseAri kurwa neGomo reZiyoni.+  9  Katyamadzwai uye shamiswai;+Zvipofumadzei, muve mapofu.+ Vadhakwa, asi kwete newaini;Vari kudzedzereka, asi kwete nedoro. 10  Nekuti Jehovha aita kuti mubatwe nehope huru;+Avhara maziso enyu, imi vaprofita,+Uye afukidza misoro yenyu, imi vaoni.+ 11  Kwamuri, chiratidzo chese chinova semashoko ebhuku rakanamwa.+ Pavanoripa mumwe munhu anogona kuverenga vachiti: “Tinokumbira kuti uriverenge zvinonzwika,” iye achati: “Handikwanisi, nekuti rakanamwa.” 12  Uye pavanopa bhuku racho kune mumwe munhu asingagoni kuverenga, vachati: “Tinokumbira kuti uriverenge zvinonzwika,” iye achati: “Handitombogoni kuverenga.” 13  Jehovha anoti: “Vanhu ava vanouya kwandiri nemiromo yavo,Uye vanondikudza nemiromo yavo,+Asi mwoyo yavo iri kure chaizvo neni;Uye kunditya kwavo kunobva pamirayiro yevanhu yavakadzidziswa.+ 14  Saka ndini ndichaitazve zvinhu zvinoshamisa nevanhu ava,+Nechishamiso pamusoro pechishamiso;Uye uchenjeri hwevanhu vavo vakachenjera huchaparara,Uye kunzwisisa kwevanhu vavo vakangwara kuchavigwa.”+ 15  Vane nhamo vaya vanoshanda nesimba kuti vavanzire Jehovha zvavanoronga.*+ Mabasa avo anoitirwa munzvimbo ine rima,Vachiti: “Ndiani anotiona? Ndiani anoziva nezvedu?”+ 16  Chokwadi munomonyorora zvinhu!* Muumbi anofanira kuonekwa seivhu here?+ Chinhu chakagadzirwa chingati here pamusoro peakachigadzira: “Haana kundigadzira”?+ Uye chinhu chakaumbwa chingati here nezvemuumbi wacho: “Haanzwisisi”?+ 17  Munguva pfupi iri kuuya, Rebhanoni richashandurwa kuva munda wemichero,+Uye munda wemichero uchaonekwa sesango.+ 18  Zuva iroro matsi dzichanzwa mashoko ebhuku racho,Uye maziso emapofu achaona ari pakasviba uye ari murima.+ 19  Vanyoro vachafara kwazvo muna Jehovha,Uye varombo vari pakati pevanhu vachafarira Mutsvene waIsraeri.+ 20  Nekuti mudzvinyiriri achange asisipo,Anozvirumbidza achasvika pamagumo ake,Uye vese vanogara vakateya kuita zvakaipa vachaparadzwa,+ 21  Ivo vaya vanoita kuti vamwe vave nemhosva neshoko ravo renhema,Vaya vanoisira zviteyeso anorwira vanhu* pagedhi reguta,+Uye vaya vanoramba kuitira munhu akarurama zvinhu zvakarurama, vachipa zvikonzero zvisina musoro.+ 22  Saka Jehovha, uyo akadzikinura Abrahamu+ ari kuti kuimba yaJakobho: “Jakobho haachazonyari zvakare,Uyewo chiso chake hachizochenuruki zvakare.*+ 23  Nekuti paanoona vana vake,Iro basa remaoko angu, pakati pake,+Vachatsvenesa zita rangu;Chokwadi vachatsvenesa Mutsvene waJakobho,Uye vacharemekedza Mwari waIsraeri zvikuru.+ 24  Vaya vakatsauka vachanzwisisa,Uye vaya vanonyunyuta vachabvuma kurayiridzwa.”

Mashoko Emuzasi

^ Zvinogona kunge zvichireva kuti, “Choto cheAtari yaMwari,” zvimwe pachirehwa Jerusarema.
^ ChiHeb., “revanhu vausingazivi.”
^ Kana kuti “mweya wake uine nzara.”
^ Kana kuti “mweya wake uine nyota.”
^ Kana kuti “mazano avo.”
^ Kana kuti “Pfungwa dzenyu dzakarasika zvisingaiti!”
^ ChiHeb., “uya ari kutsiura.”
^ Kureva, kuchenuruka nemhaka yekunyadziswa uye kuodzwa mwoyo.