Isaya 27:1-13
27 Zuva iroro Jehovha achashandisa bakatwa rake guru rinorwadza uye rakasimba+Pakutonga Revhiatani,* iyo nyoka inozvonyongoka,Revhiatani nyoka inogonya-gonya,Uye achauraya zimhuka riri mugungwa.
2 Imbirai mukadzi* uyu pazuva iroro, muchiti:
“Munda wemizambiringa wewaini inopupuma!+
3 Ini Jehovha ndiri kumuchengetedza.+
Ndinomudiridza nguva dzese.+
Ndinomuchengetedza siku nesikati,Kuti parege kuva neanomukuvadza.+
4 Handina kutsamwa.+
Ndiani achauya pamberi pangu nemakwenzi eminzwa nemasora pakurwa?
Ndichazvitsika-tsika, ndozvipisa pamwe chete.
5 Kana asingadi kuti zvidaro ngaatizire munhare* yangu.
Ngaaite rugare neni;Ngaave nerugare neni.”
6 Jakobho achadzika midzi pamazuva anouya,Israeri achatumbuka uye achatungira,+Uye vachazadza nyika nezvibereko.+
7 Anofanira kurohwa zvakasimba kudaro neari kumurova here?
Kana kuti anofanira kuurayiwa sezvakaitwa vekwake vakaurayiwa here?
8 Mucharwisana naye nekushevedzera kunovhundutsa pamunenge muchimudzinga.
Iye achamudzinga nemhepo yake ine simba inotyisa pazuva remhepo yekumabvazuva.+
9 Saka kukanganisa kwaJakobho kuchayananisirwa nenzira iyi,+Uye ichi ndicho chibereko chizere chichavapo pachabviswa chivi chake:
Achaita kuti matombo ese eatariAite sematombo emunyaka akuyiwa,Uye hapana mapango anoyera* kana zvigadziko zvekupisira rusenzi zvichasara.+
10 Nekuti guta rakakomberedzwa nemasvingo richasara risina munhu;Mafuro achangoregwa osiyiwa akadaro serenje.+
Mhuru ichafura imomo yoraraUye ichadya mapazi ake.+
11 Nhungirwa dzake padzinooma,Vakadzi vachauya vodzityora,Vodzishandisa kuvesa moto.
Nekuti rudzi urwu harunzwisisi.+
Ndokusaka Muiti warwo asingazorunzwiri tsitsi,Uye uya akaruumba asingazorunzwiri nyasha.+
12 Zuva iroro Jehovha achazunza muchero, kubva paRwizi* runoyerera kusvika kuRwizi* rweIjipiti,+ uye muchaunganidzwa mumwe pashure pemumwe, haiwa imi vanhu veIsraeri.+
13 Zuva iroro hwamanda huru icharidzwa,+ uye vaya vari kuparara munyika yeAsiriya+ nevaya vakaita rumwe rumwe munyika yeIjipiti+ vachauya vokotamira Jehovha mugomo dzvene riri muJerusarema.+
Mashoko Emuzasi
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Zvinoratidza sekuti Israeri ndiyo iri kurehwa pano, ichitaurwa semukadzi uye ichifananidzwa nemunda wemizambiringa.
^ Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kureva, Yufratesi.
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Bani.”

