Isaya 15:1-9
-
Chirevo pamusoro peMoabhi (1-9)
15 Mutongo weMoabhi:+
Nekuti yaparadzwa neusiku humwe chete,Ari+ yeMoabhi yanyararidzwa.
Nekuti yaparadzwa neusiku humwe chete,Kiri+ yeMoabhi yanyararidzwa.
2 Iye akwidza kuImba* uye kuDhibhoni,+Kunzvimbo dzakakwirira kunochema.
Moabhi inoungudza pamusoro peNebho+ nepamusoro peMedhebha.+
Misoro yese yagerwa muparavara,+ ndebvu dzese dzachekererwa.+
3 Vakapfeka masaga vari mumigwagwa yayo.
Vese vanoridza mhere vari pamatenga edzimba dzavo uye mumisika yavo;Vanoburuka vachisvimha misodzi.+
4 Maguta eHeshbhoni neEreyare+ anoshevedzera;Inzwi rawo rinonzwika kusvikira kuJahazi.+
Ndokusaka varume veMoabhi vane zvombo vachiramba vachishevedzera.
Iye ari kudedera.*
5 Mwoyo wangu unoshevedzera pamusoro peMoabhi.
Vanhu vayo vari kutiza vasvika kuZoari+ neEgrati-sherishiya.+
Vanochema sezvavanokwidza pamukwidza weRuhiti;Vanochema nezvenjodzi yacho sezvavanoenda kuHoronaimu.+
6 Nekuti mvura yeNimurimu yaoma;Uswa hwaoma,Uswa hwapera uye hapasisina chakasvibirira.
7 Ndokusaka vachitakura zvasara munochengeterwa zvinhu zvavo uye papfuma yavo;Vari kuyambuka bani remiti* yemishambangwena.
8 Nekuti kuchema kwacho kunoita maungira munharaunda yese yeMoabhi.+
Kuungudza kwacho kunosvika kuEgraimu;Kuungudza kwacho kunosvika kuBheeri-erimu.
9 Nekuti mvura yepanzvimbo inonzi Dhimoni yazara ropa,Uye ndine zvimwe zvekuunza paDhimoni:
Shumba pane vaya vanopukunyuka veMoabhiUye pane vaya vasara munyika yacho.+

