Isaya 13:1-22

  • Mutongo pamusoro peBhabhironi (1-22)

    • Zuva raJehovha rava pedyo! (6)

    • VaMedhiya vachakunda Bhabhironi (17)

    • Bhabhironi harizombofi rakagarwa (20)

13  Mutongo pamusoro peBhabhironi+ wakaonekwa muchiratidzo naIsaya+ mwanakomana waAmozi:  2  “Misai chiratidzo*+ pagomo rine matombo ari pachena. Shevedzerai kwavari, ninirai ruoko,Kuti vapinde mumasuo evakuru vakuru.  3  Ndapa murayiro kune vaya vandagadza.*+ Ndashevedza varwi vangu vane simba kuti varatidze kutsamwa kwangu,Ivo vanhu vangu vanopembera nemufaro vachizvikudza.  4  Teererai! Boka guru revanhu riri mumakomo;Vanonzwika sevanhu vazhinji! Teererai! Mheremhere yeumambo,Yemarudzi akaungana!+ Jehovha wemauto ari kuunganidza uto kuti rirwe hondo.+  5  Vari kubva kunyika iri kure,+Kunogumira denga,Iye Jehovha nezvombo zvehasha dzake,Kuti vaparadze nyika yese.+  6  Ridzai mhere, nekuti zuva raJehovha rava pedyo! Richauya sekuparadza kunobva kune Wemasimbaose.+  7  Ndokusaka maoko ese achashaya simba,Uye mwoyo wemunhu wese uchapera nekutya.+  8  Vanhu vavhunduka.+ Vari kugwinha-gwinha vachirwadziwa,Sezvinoita mukadzi ari kusununguka. Vanotarisana vachitya,Zviso zvavo zvichiyuwira nekurwadziwa.  9  Inzwai! Zuva raJehovha riri kuuya,Riine utsinye nekushatirwa uye kutsamwa kukuru,Kuti riite kuti nyika ive chinhu chinotyisa,+Uye kuti riparadze vatadzi panyika. 10  Nekuti nyeredzi dzedenga nemapoka adzo*+Hadzizobudisi chiedza chadzo;Zuva richange rakasviba parinobuda,Uye mwedzi hauzovheneki. 11  Ndicharanga nyika nemhaka yezvakaipa zvayo,+Uye vakaipa nemhaka yekukanganisa kwavo. Ndichagumisa kudada kwevanozvikudza,Uye ndichaninipisa vadzvinyiriri vanozvitutumadza.+ 12  Ndichaita kuti vanhu vave vashoma kupfuura goridhe rakanatswa,+Uye kuti vanhu vave vashoma kupfuura goridhe rekuOfiri.+ 13  Ndokusaka ndichaita kuti denga ridedere,Uye nyika ichazununguswa ichibva munzvimbo yayo+Nekuda kwekushatirwa kukuru kwaJehovha wemauto pazuva rekutsamwa kwake kukuru. 14  Semhara iri kuvhimwa uye sezvipfuwo zvisina anozviunganidza,Mumwe nemumwe achadzokera kuvanhu vake;Mumwe nemumwe achatizira kunyika yake.+ 15  Munhu wese anowanikwa achabayiwa,Uye munhu wese anobatwa achaurayiwa nebakatwa.+ 16  Vana vavo vacharoverwa pasi voitwa zvidimbu zvidimbu ivo vakatarisa.+Zvinhu zviri mudzimba dzavo zvichapambwa,Uye madzimai avo achabatwa chibharo. 17  Ndiri kuvamutsira vaMedhiya,+Avo vanoona sirivha seisiri chinhuUye vasingafariri goridhe. 18  Uta hwavo huchaparadza majaya;+Havazonzwiri tsitsi zvinobva muchiberekoKana kunzwira vana ngoni. 19  Uye Bhabhironi, umambo hunokudzwa kupfuura humwe hwese,*+Runako uye chidadiso chevaKadheya,+Richava semaguta eSodhomu neGomora paakaparadzwa naMwari.+ 20  Harizombofi rakagarwa,Uyewo harizovi nzvimbo yekugara kwezvizvarwa nezvizvarwa.+ Hapana muArabhu achadzika tende rake imomo,Uye hapana vafudzi vachaita kuti zvipfuwo zvavo zvizorore imomo. 21  Zvisikwa zvemugwenga zvicharara pasi imomo;Dzimba dzavo dzichazara nemazizi mahombe. Mhou dzichagara imomo,+Uye mbudzi dzemusango* dzichasvetuka-svetuka imomo. 22  Zvisikwa zvinoungudza zvichachema zviri mushongwe dzaro,Nehunguhwe* mumizinda yaro yakanaka chaizvo. Nguva yaro yava kusvika, uye mazuva aro haazowedzerwi.”+

Mashoko Emuzasi

^ Kana kuti “bango rechiratidzo.”
^ ChiHeb., “vakatsveneswa vangu.”
^ ChiHeb., “nemaKesiri adzo,” pangava pachitaura nezveboka renyeredzi rinonzi Orioni nemamwe mapoka enyeredzi akaripoteredza.
^ Kana kuti “kushongedzwa kweumambo.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “madhimoni akaita sembudzi.”
^ Iyi imhuka yakada kufanana negava.