Ezekieri 37:1-28

  • Chiratidzo chebani rine mapfupa akaoma (1-14)

  • Tutanda tuviri tuchabatanidzwa (15-28)

    • Rudzi rumwe chete ruchitongwa namambo mumwe chete (22)

    • Sungano yerugare inogara nekusingaperi (26)

37  Ruoko rwaJehovha rwaiva pandiri, uye Jehovha akandisimudza nemweya wake, akandiisa pakati pebani+ rakanga rizere nemapfupa.  Akaita kuti ndifambe ndichiona kwese kwaiva nemapfupa acho, ndikaona kuti akanga akawanda chaizvo mubani racho, uye akanga akaoma chaizvo.+  Akandibvunza kuti: “Mwanakomana wemunhu, mapfupa aya angavazve mapenyu here?” Ini ndikati: “Changamire Ishe Jehovha, ndimi munoziva.”+  Saka akati kwandiri: “Profita kumapfupa aya, uti kwaari, ‘Inzwai shoko raJehovha imi mapfupa akaoma:  “‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha kwamuri imi mapfupa: “Ndichaita kuti mweya wekufema uve mamuri, uye muchava vapenyu.+  Ndichaisa marunda* nenyama pamuri, uye ndichakuisai ganda pamusoro, ndoisa mweya wekufema mamuri mova vapenyu; uye muchaziva kuti ndini Jehovha.”’”  Ndakabva ndaprofita sezvandakanga ndarayirwa. Pandakangoprofita, pakanzwika ruzha rwezvinhu zviri kurovana-rovana, uye mapfupa acho akatanga kubatana, pfupa richibatana nerimwe pfupa.  Ndakabva ndaona marunda nenyama zvichienda paari, achibva avharwa neganda. Asi akanga asati ava nemweya wekufema.  Akabva ati kwandiri: “Profita kumhepo. Mwanakomana wemunhu, profita uti kumhepo, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Iwe mhepo,* uya uchibva kumativi mana,* ufuridze vanhu ava vakaurayiwa, kuti vavezve vapenyu.”’” 10  Saka ndakaprofita sezvaakanga andiudza, uye mweya wekufema wakapinda mavari vakatanga kurarama uye vakabva vasimuka.+ Vaiva uto rakakura kwazvo. 11  Akabva ati kwandiri: “Mwanakomana wemunhu, imba yaIsraeri yese ndiyo mapfupa aya.+ Ivo vari kuti, ‘Mapfupa edu aoma uye hatisisina tariro.+ Tabviswa pane vamwe tikaiswa kwedu tega.’ 12  Saka profita, uti kwavari, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Imi vanhu vangu, ndichavhura makuva enyu,+ ndokumutsai imomo, ndokuendesai kunyika yeIsraeri.+ 13  Imi vanhu vangu, muchaziva kuti ndini Jehovha pandichavhura makuva enyu uye pandichakumutsai mobuda imomo.”’+ 14  ‘Ndichaisa mweya wangu mamuri, mova vapenyu,+ uye ndichakugarisai munyika yenyu. Muchaziva kuti ini Jehovha ndataura uye ndazviita,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.” 15  Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 16  “Mwanakomana wemunhu, tora katanda ukanyore kuti, ‘Katanda kaJudha nevanhu veIsraeri vaainavo.’+ Ubve watora kamwe katanda ukanyore kuti, ‘Katanda kaJosefa, iko katanda kaEfremu, neveimba yese yaIsraeri vaainavo.’+ 17  Ubve watubatanidza kuti tuve katanda kamwe chete muruoko rwako.+ 18  Vanhu vekwako pavachati kwauri, ‘Tiudzewo kuti zvinhu izvi zvinorevei,’ 19  uvaudze kuti, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Ndichatora katanda kaJosefa kari muruoko rwaEfremu nemadzinza aIsraeri aainawo, uye ndichavabatanidza nekatanda kaJudha; uye ndichaita kuti kave katanda kamwe chete,+ uye vachava vamwe chete muruoko rwangu.”’ 20  Tutanda twauchanyora tunofanira kuva muruoko rwako kuti ivo vatuone. 21  “Uvaudze kuti, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Ndichatora vaIsraeri kubva kumarudzi avakaenda uye ndichavaunganidza kubva kumativi ese ndovaunza kunyika yavo.+ 22  Ndichaita kuti vave rudzi rumwe chete munyika yacho,+ mumakomo eIsraeri, uye vachatongwa namambo mumwe chete,+ havazorambi vari marudzi maviri; uye havazorambi vari umambo huviri.+ 23  Havazozvisvibisi nezvidhori zvavo zvinosemesa* uye nemabasa avo anonyangadza nekutadza kwavo kwese.+ Ndichaita kuti kusatendeka kwavo kwese kwavakaita vachinditadzira kupere, uye ndichavachenesa. Vachava vanhu vangu, uye ini ndichava Mwari wavo.+ 24  “‘“Mushumiri wangu Dhavhidhi achava mambo wavo,+ uye vese vachava nemufudzi mumwe chete.+ Vachafamba mumitongo yangu uye vachachengeta mirau yangu yese.+ 25  Vachagara munyika yandakapa mushumiri wangu Jakobho, maigara madzitateguru enyu,+ uye vachagara mairi nekusingaperi,+ ivo nevana vavo nevazukuru vavo;+ uye mushumiri wangu Dhavhidhi achava jinda ravo nekusingaperi.+ 26  “‘“Ndichaita sungano yerugare navo;+ ichava sungano inogara nekusingaperi. Ndichavaisa imomo, ndoita kuti vawande,+ ndoita kuti nzvimbo yangu tsvene ive pakati pavo nekusingaperi. 27  Tende rangu richava* pakati* pavo, uye ndichava Mwari wavo ivo vova vanhu vangu.+ 28  Nzvimbo yangu tsvene paichava pakati pavo nekusingaperi, marudzi achaziva kuti ini, Jehovha, ndiri kutsvenesa Israeri.”’”+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “madzira.”
Kana kuti “mweya wekufema.”
ChiHeb., “kumhepo ina.”
Shoko racho rechiHebheru rinogona kunge richireva zvakafanana neshoko rinoshandurwa kuti “ndove” uye rinoshandiswa pakuzvidza.
Kana kuti “Musha wangu uchava.”
Kana kuti “pamusoro.”