Ezekieri 30:1-26
30 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti:
2 “Mwanakomana wemunhu, profita, uti, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha:
“Ridzai mhere muchiti, ‘Maiwee zuva riya riri kuuya!’
3 Nekuti zuva racho rava pedyo, chokwadi, zuva raJehovha rava pedyo.+
Richava zuva rine makore+ uye nguva yakasarudzirwa marudzi.+
4 Bakatwa richauya kuzorwisa Ijipiti, uye vaItiopiya vachatya kwazvo vanhu pavachati katakata vaurayiwa muIjipiti;Upfumi hwayo huchatorwa uye nheyo* dzayo dzichaputswa.+
5 Itiopiya,+ Puti,+ Rudhi, nevanhu vese vekune dzimwe nyika,NeKubhi, nevanakomana vemunyika yesungano,*Vese vachaurayiwa nebakatwa.”’
6 Zvanzi naJehovha:
‘Vatsigiri veIjipiti vachawawo,Uye simba rayo rinoita kuti izvikudze richapedzwa.’+
“‘Vachaurayiwa nebakatwa munyika yacho kubva kuMigdhori+ kusvika kuSiene,’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.
7 ‘Nharaunda dzavo dzichaitwa matongo ekupedzisira, uye maguta ayo achava matongo ekupedzisira.+
8 Vachaziva kuti ndini Jehovha pandichabatidza moto muIjipiti, ndoparadza vese vakabatana nayo.
9 Zuva iroro ndichatuma nhume mungarava kuti dzidederese Itiopiya inozvikudza; vachabatwa nekutya pazuva riri kuuya paIjipiti, nekuti zuva racho richatouya chete.’
10 “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Ndichapedza gurumwandira revanhu veIjipiti ndichishandisa ruoko rwaMambo Nebhukadhinezari* weBhabhironi.+
11 Iye nemauto ake, ivo vanhu vane utsinye kupfuura vamwe vese,+ vachaunzwa kuzoparadza nyika yacho. Vachavhomorera Ijipiti mapakatwa avo, vozadza nyika yacho nezvitunha.+
12 Ndichaomesa migero yaNire+ uye ndichatengesa nyika yacho kuvanhu vakaipa. Ndichaparadza nyika yacho nezvese zviri mairi ndichishandisa maoko evanhu vekune imwe nyika.+ Ini Jehovha ndataura.’
13 “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Ndichaparadzawo zvidhori zvinosemesa* ndoparadza vanamwari vasina zvavanobatsira veNofi.*+ Munyika yeIjipiti hamuzovi nejinda, uye ndichaita kuti vanhu vemuIjipiti vatye.+
14 Ndichaita kuti Patrosi+ ive dongo, ndobatidza moto muZoani, ndoita zvandakatongera No.*+
15 Ndichadururira hasha dzangu paSini, iyo nhare* yeIjipiti, ndoparadza vanhu vemuNo.
16 Ndichabatidza moto muIjipiti; Sini ichabatwa nekutya, No ichapazwa uye Nofi icharwiswa masikati machena!
17 Majaya ekuOni* nePibheseti achaurayiwa nebakatwa, uye maguta acho achatapwa.
18 MuTehafinehesi muchava nerima pandichatyora majoko eIjipiti imomo.+ Simba rayo rayaizvikudza naro richapera.+ Ichavharwa nemakore uye maguta ayo madiki achatapwa.+
19 Ndichaitira Ijipiti zvandakaitongera, uye vachaziva kuti ndini Jehovha.’”
20 Zvino mugore rechi11, mumwedzi wekutanga, pazuva rechi7 remwedzi wacho, shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti:
21 “Mwanakomana wemunhu, ndatyora ruoko rwaFarao mambo weIjipiti; haruzombosungwi kuti rupore kana kumonerwa jira kuti rusimbe zvekugona kubata bakatwa.”
22 “Saka zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Ndiri kurwisa Farao mambo weIjipiti,+ uye ndichatyora maoko ake ese, ruoko rune simba nerwakatyoka,+ uye ndichaita kuti bakatwa ridonhe muruoko rwake.+
23 Ndichabva ndaparadzira vaIjipiti kune mamwe marudzi ndoita kuti vapararire nenyika.+
24 Ndichasimbisa maoko amambo* weBhabhironi+ ndomupa bakatwa rangu.+ Ndichatyora maoko aFarao, uye achagomera kwazvo ari pamberi pake* semunhu ava kufa.
25 Ndichasimbisa maoko amambo weBhabhironi, asi maoko aFarao achati regwede; uye vachaziva kuti ndini Jehovha pandichapa mambo weBhabhironi bakatwa rangu, orishandisa kurwisa nyika yeIjipiti.+
26 Ndichaparadzira vaIjipiti kune mamwe marudzi ndoita kuti vapararire nenyika,+ uye vachaziva kuti ndini Jehovha.’”
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “faundesheni.”
^ Zvichida pari kureva vaIsraeri vainge vabatana neIjipiti.
^ ChiHeb., “Nebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.
^ Kana kuti “veMemfisi.”
^ Shoko racho rechiHebheru rinogona kunge richireva zvakafanana neshoko rinoshandurwa kuti “ndove” uye rinoshandiswa pakuzvidza.
^ Kureva, Tebhesi.
^ Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.
^ Kureva, Herioporisi.
^ Kana kuti “Ndichawedzera simba ramambo.”
^ Kureva, pamberi pamambo weBhabhironi.