Ezekieri 29:1-21
29 Mugore rechi10, mumwedzi wechi10, pazuva rechi12 remwedzi wacho, shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti:
2 “Mwanakomana wemunhu, tarisa kuna Farao mambo weIjipiti, uprofite nezvake uye nezveIjipiti yese.+
3 Taura mashoko aya ekuti: ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha:
“Ndiri kukurwisa iwe Farao mambo weIjipiti,+Iwe zimhuka remugungwa rakarara muhova dzerwizi rwaro rwaNire,*+Riya rakati, ‘Rwizi rwaNire nderwangu.
Ndakarugadzira kuti ruve rwangu.’+
4 Asi ini ndichaisa zvirauro mushaya dzako, ndoita kuti hove dzerwizi rwako rwaNire dzinamatire pamakwati ako.
Ndichakubudisa muna Nire pamwe chete nehove dzese dzemuna Nire dzinonamatira pamakwati ako.
5 Ndichakusiya murenje, iwe nehove dzese dzemurwizi rwako rwaNire.
Uchawira musango, uye zvidimbu zvako hazvizounganidzwi kana kuiswa panzvimbo imwe chete.+
Ndichaita kuti udyiwe nezvikara zvesango uye neshiri dzedenga.+
6 Vagari vese vemuIjipiti vachabva vaziva kuti ndini Jehovha,Nekuti kutsigira kwavo imba yaIsraeri hakupfuuri kutsigira kunoita shanga.*+
7 Pavakakubata ruoko, wakapwanyika,Uye wakatyora pfudzi ravo.
Pavakakuzembera, wakatyoka,Ukaita kuti makumbo avo adedere.”+
8 “‘Saka zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Ndiri kukuunzira bakatwa,+ uye ndichaparadza vanhu vako nemhuka dziri mauri.
9 Nyika yeIjipiti ichava dongo uye nzvimbo yakaparadzwa;+ uye vachaziva kuti ndini Jehovha, nekuti wakati,* ‘Rwizi rwaNire nderwangu; ndini ndakarugadzira.’+
10 Saka ndiri kukurwisa iwe nerwizi rwako rwaNire, uye ndichaita kuti nyika yeIjipiti iparare uye iome, ive dongo risina chinhu,+ kubva kuMigdhori+ kusvika kuSiene+ uye kusvika kumuganhu weItiopiya.
11 Hapana munhu kana chipfuwo chichapfuura nemo,+ uye ichaita makore 40 isingagarwi.
12 Ndichaita kuti nyika yeIjipiti ive dongo rekupedzisira, uye maguta ayo achava matongo ekupedzisira kwemakore 40;+ uye ndichaparadzira vaIjipiti kune mamwe marudzi uye ndichaita kuti vapararire nenyika.”+
13 “‘Nekuti zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Panopera makore 40 ndichaunganidza vaIjipiti kubva kumarudzi avanenge vaendeswa;+
14 ndichadzosa nhapwa dzeIjipiti kunyika yePatrosi,+ kunyika yavakabva, uye vachava umambo husina simba ikoko.
15 Ijipiti ichava umambo husina simba pane humwe umambo, uye haizotongi mamwe marudzi.+ Ndichaita kuti vanhu vayo vave vashoma kwazvo zvekuti havazokwanisi kukunda mamwe marudzi.+
16 VaIsraeri havazovimbizve nayo,+ asi ichangovayeuchidza nezvekukanganisa kwavakaita pavakaenda kunotsvaga rubatsiro kuvaIjipiti. Uye vachaziva kuti ndini Changamire Ishe Jehovha.”’”
17 Zvino mugore rechi27, mumwedzi wekutanga, pazuva rekutanga remwedzi wacho, shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti:
18 “Mwanakomana wemunhu, Mambo Nebhukadhinezari*+ weBhabhironi akaita kuti uto rake riite basa guru rekurwisa Tire.+ Misoro yese yakava miparavara, uye mapfudzi ese akakwizwa akasvuuka. Asi iye neuto rake havana kubhadharwa basa guru raakaita paTire.
19 “Saka zvanzi naChangamire Ishe Jehovha, ‘Ndiri kupa Mambo Nebhukadhinezari* weBhabhironi nyika yeIjipiti,+ uye achatakura pfuma yayo, oipamba nekuitorera zvinhu zvayo zvizhinji; uye zvichava mubhadharo weuto rake.’
20 “‘Ndichamupa nyika yeIjipiti kuti ndimubhadhare basa raakaita rekuirwisa,* nekuti vakandiitira basa,’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.
21 “Pazuva iroro ndichaita kuti pamere nyanga yeimba yaIsraeri,*+ uye ndichaita kuti utaure navo; uye vachaziva kuti ndini Jehovha.”
Mashoko Emuzasi
^ Kubva pano zvichienda mberi, rwizi rwaNire runenge ruchibatanidzawo migero yarwo yaishandiswa pakudiridza.
^ ChiHeb., “tsanga.”
^ ChiHeb., “iye akati.”
^ ChiHeb., “Nebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.
^ ChiHeb., “Nebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.
^ Kureva, Tire.
^ Kana kuti “ndichapa imba yaIsraeri simba.”