Ezekieri 29:1-21

  • Uprofita pamusoro paFarao (1-16)

  • Bhabhironi richapiwa Ijipiti semubhadharo (17-21)

29  Mugore rechi10, mumwedzi wechi10, pazuva rechi12 remwedzi wacho, shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti:  “Mwanakomana wemunhu, tarisa kuna Farao mambo weIjipiti, uprofite nezvake uye nezveIjipiti yese.+  Taura mashoko aya ekuti: ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Ndiri kukurwisa iwe Farao mambo weIjipiti,+Iwe zimhuka remugungwa rakarara muhova dzerwizi rwaro rwaNire,*+Riya rakati, ‘Rwizi rwaNire nderwangu. Ndakarugadzira kuti ruve rwangu.’+   Asi ini ndichaisa zvirauro mushaya dzako, ndoita kuti hove dzerwizi rwako rwaNire dzinamatire pamakwati ako. Ndichakubudisa muna Nire pamwe chete nehove dzese dzemuna Nire dzinonamatira pamakwati ako.   Ndichakusiya murenje, iwe nehove dzese dzemurwizi rwako rwaNire. Uchawira musango, uye zvidimbu zvako hazvizounganidzwi kana kuiswa panzvimbo imwe chete.+ Ndichaita kuti udyiwe nezvikara zvesango uye neshiri dzedenga.+   Vagari vese vemuIjipiti vachabva vaziva kuti ndini Jehovha,Nekuti kutsigira kwavo imba yaIsraeri hakupfuuri kutsigira kunoita shanga.*+   Pavakakubata ruoko, wakapwanyika,Uye wakatyora pfudzi ravo. Pavakakuzembera, wakatyoka,Ukaita kuti makumbo avo adedere.”+  “‘Saka zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Ndiri kukuunzira bakatwa,+ uye ndichaparadza vanhu vako nemhuka dziri mauri.  Nyika yeIjipiti ichava dongo uye nzvimbo yakaparadzwa;+ uye vachaziva kuti ndini Jehovha, nekuti wakati,* ‘Rwizi rwaNire nderwangu; ndini ndakarugadzira.’+ 10  Saka ndiri kukurwisa iwe nerwizi rwako rwaNire, uye ndichaita kuti nyika yeIjipiti iparare uye iome, ive dongo risina chinhu,+ kubva kuMigdhori+ kusvika kuSiene+ uye kusvika kumuganhu weItiopiya. 11  Hapana munhu kana chipfuwo chichapfuura nemo,+ uye ichaita makore 40 isingagarwi. 12  Ndichaita kuti nyika yeIjipiti ive dongo rekupedzisira, uye maguta ayo achava matongo ekupedzisira kwemakore 40;+ uye ndichaparadzira vaIjipiti kune mamwe marudzi uye ndichaita kuti vapararire nenyika.”+ 13  “‘Nekuti zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Panopera makore 40 ndichaunganidza vaIjipiti kubva kumarudzi avanenge vaendeswa;+ 14  ndichadzosa nhapwa dzeIjipiti kunyika yePatrosi,+ kunyika yavakabva, uye vachava umambo husina simba ikoko. 15  Ijipiti ichava umambo husina simba pane humwe umambo, uye haizotongi mamwe marudzi.+ Ndichaita kuti vanhu vayo vave vashoma kwazvo zvekuti havazokwanisi kukunda mamwe marudzi.+ 16  VaIsraeri havazovimbizve nayo,+ asi ichangovayeuchidza nezvekukanganisa kwavakaita pavakaenda kunotsvaga rubatsiro kuvaIjipiti. Uye vachaziva kuti ndini Changamire Ishe Jehovha.”’” 17  Zvino mugore rechi27, mumwedzi wekutanga, pazuva rekutanga remwedzi wacho, shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti: 18  “Mwanakomana wemunhu, Mambo Nebhukadhinezari*+ weBhabhironi akaita kuti uto rake riite basa guru rekurwisa Tire.+ Misoro yese yakava miparavara, uye mapfudzi ese akakwizwa akasvuuka. Asi iye neuto rake havana kubhadharwa basa guru raakaita paTire. 19  “Saka zvanzi naChangamire Ishe Jehovha, ‘Ndiri kupa Mambo Nebhukadhinezari* weBhabhironi nyika yeIjipiti,+ uye achatakura pfuma yayo, oipamba nekuitorera zvinhu zvayo zvizhinji; uye zvichava mubhadharo weuto rake.’ 20  “‘Ndichamupa nyika yeIjipiti kuti ndimubhadhare basa raakaita rekuirwisa,* nekuti vakandiitira basa,’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha. 21  “Pazuva iroro ndichaita kuti pamere nyanga yeimba yaIsraeri,*+ uye ndichaita kuti utaure navo; uye vachaziva kuti ndini Jehovha.”

Mashoko Emuzasi

Kubva pano zvichienda mberi, rwizi rwaNire runenge ruchibatanidzawo migero yarwo yaishandiswa pakudiridza.
ChiHeb., “tsanga.”
ChiHeb., “iye akati.”
ChiHeb., “Nebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.
ChiHeb., “Nebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.
Kureva, Tire.
Kana kuti “ndichapa imba yaIsraeri simba.”