Ezekieri 25:1-17

  • Uprofita pamusoro peAmoni (1-7)

  • Uprofita pamusoro peMoabhi (8-11)

  • Uprofita pamusoro peEdhomu (12-14)

  • Uprofita pamusoro peFiristiya (15-17)

25  Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti:  “Mwanakomana wemunhu, tarisa kuvaAmoni+ uprofite nezvavo.+  Iti pamusoro pevaAmoni, ‘Inzwai shoko raChangamire Ishe Jehovha. Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Zvamakati ‘Tsvatu waro!’ pakasvibiswa nzvimbo yangu tsvene uye pakaparadzwa nyika yeIsraeri, uye pakatapwa imba yaJudha,  ndichakuisai mumaoko evanhu Vekumabvazuva. Vachadzika misasa yavo munyika yenyu uye vachadzika matende avo pakati penyu. Vachadya zvamakashanda uye vachanwa mukaka wenyu.  Ndichaita kuti Rabha+ ive mafuro engamera uye kuti nyika yevaAmoni ive nzvimbo yekuti makwai azororere; uye muchaziva kuti ndini Jehovha.”’”  “Nekuti zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Zvamakaombera,+ mukabinha pasi netsoka dzenyu uye mukapembera muchifarira zvakaitika kunyika yeIsraeri muchivatsvinyira zvisingaiti,+  ndichakutambanudzirai ruoko rwangu kuti mupambwe nemarudzi. Ndichakubvisai pakati pemarudzi uye ndichakuparadzai munyika dzacho.+ Ndichakupedzai, uye muchaziva kuti ndini Jehovha.’  “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Moabhi+ neSeiri+ zvadzakati, “Onai! Imba yaJudha yakaita semamwe marudzi ese,”  ndichaita kuti maguta ari pamuganhu weMoabhi arwiswe, ayo anosanganisira maguta akanaka kupfuura mamwe munyika yacho anoti, Bheti-jeshimoti, Bhaari-meyoni, zvichinosvika kuKiriyataimu.+ 10  Ndichapa Moabhi nevaAmoni kuvanhu Vekumabvazuva+ kuti vaAmoni vasayeukwa pakati pemarudzi.+ 11  Ndichaita zvandakatongera vaMoabhi,+ uye vachaziva kuti ndini Jehovha.’ 12  “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Edhomu yakatsiva imba yaJudha, ikava nemhosva yakakura;+ 13  saka zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Ndichatambanudzirawo Edhomu ruoko rwangu ndoparadza vanhu nezvipfuwo zviri mairi, ndoiita dongo.+ Vachaurayiwa nebakatwa kubva kuTemani kusvika kuDhedhani.+ 14  ‘Ndichatsiva Edhomu ndichishandisa maoko evanhu vangu vaIsraeri.+ Vachaunza kutsamwa kwangu nehasha dzangu paEdhomu kuti vanhu vayo vaone kutsiva kwangu,’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.”’ 15  “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Nemhaka yeruvengo rwavo rusingaperi, vaFiristiya vaingoda zvekutsiva uye kuparadza neutsinye.+ 16  Saka zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Ndiri kutambanudzira vaFiristiya ruoko rwangu kuti ndivarwise,+ uye ndichaparadza vaKereti+ uye vanhu vakasara vepamhenderekedzo yegungwa.+ 17  Ndichaita mabasa makuru ekuvatsiva, ndichivaranga ndakatsamwa, uye vachaziva kuti ndini Jehovha pandichavatsiva.”’”

Mashoko Emuzasi