Ezekieri 2:1-10
2 Akabva ati kwandiri: “Mwanakomana wemunhu,* simuka umire nditaure newe.”+
2 Paakataura neni, mweya wakapinda mandiri ukaita kuti ndimire netsoka dzangu+ kuti ndinzwe iye aitaura neni.
3 Akabva ati kwandiri: “Mwanakomana wemunhu, ndiri kukutuma kuvaIsraeri,+ kumarudzi anopanduka ayo akandipandukira.+ Ivo nemadzitateguru avo vakabvira kare vachinditadzira uye nanhasi vachiri kunditadzira.+
4 Ndiri kukutuma kuvanakomana vasingateereri uye vakaoma musoro+ uye unofanira kuti kwavari, ‘Izvi ndizvo zvataurwa naChangamire Ishe Jehovha.’
5 Kunyange vakateerera kana kuti vakaramba nemhaka yekuti ivo imba inopanduka,+ chokwadi vachaziva kuti pakati pavo paiva nemuprofita.+
6 “Asi iwe mwanakomana wemunhu, usavatya,+ uye usatya mashoko avo, kunyange zvazvo wakakombwa nemakwenzi anobaya uye neminzwa*+ uye uchigara pakati pemarize.* Usatya mashoko avo,+ uye usavhundutswa nezviso zvavo,+ nekuti ivo imba inopanduka.
7 Unofanira kuvaudza mashoko angu, pasinei nekuti vanoteerera kana kuti vanoramba, nekuti ivo vapanduki.+
8 “Asi iwe mwanakomana wemunhu, teerera zvandiri kukuudza. Usapanduka seimba iyi inopanduka. Shama muromo wako udye zvandiri kukupa.”+
9 Pandakatarisa, ndakaona ruoko rwakatambanudzirwa kwandiri,+ uye rwainge rwakabata gwaro.*+
10 Paakarivhura pamberi pangu, rakanga rakanyorwa mukati nekunze.+ Rainge rakanyorwa nziyo dzekushungurudzika* nemashoko anochemedza uye anoita kuti vanhu varidze mhere.+
Mashoko Emuzasi
^ Apa ndipo panotanga kuwanika mashoko ekuti “Mwanakomana wemunhu” muna Ezekieri ayo anowanika ka93 imomo.
^ Kana kuti “pezvinyavada.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “kunyange zvazvo vanhu vacho vakaoma musoro uye vakaita sezvinhu zviri kukubaya.”
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “dzekuchema.”