Eksodho 13:1-22
13 Jehovha akataurazve naMozisi, achiti:
2 “Nditsaurire dangwe rese rechirume* pakati pevaIsraeri. Munhurume wese anotanga kuzvarwa ndewangu, uye mhuka hono yese inotanga kuberekwa ndeyangu.”+
3 Mozisi akabva ati kuvanhu: “Yeukai zuva iri ramakabuda muIjipiti,+ muimba yeuranda, nekuti Jehovha akakubudisai muno neruoko rune simba.+ Saka hapana chinhu chine mbiriso chinofanira kudyiwa.
4 Muri kubuda pazuva iri, mumwedzi waAbhibhi.*+
5 Kana Jehovha akusvitsai kunyika yevaKenani, vaHiti, vaAmori, vaHivhi, nevaJebhusi,+ yaakapikira madzitateguru enyu kuti achakupai,+ nyika inoyerera uchi nemukaka,+ munofanira kuita mhemberero iyi mwedzi uno.
6 Kwemazuva manomwe, munofanira kudya chingwa chisina mbiriso,+ uye pazuva rechinomwe pachava nemutambo unoitirwa Jehovha.
7 Munofanira kudya chingwa chisina mbiriso kwemazuva manomwe;+ uye hamufaniri kuva nechinhu chine mbiriso,+ kana mukanyiwa wakavira munyika* yenyu yese.
8 Uye unofanira kuudza mwanakomana wako pazuva iroro kuti, ‘Ndinoita izvi nemhaka yezvandakaitirwa naJehovha pandakabuda muIjipiti.’+
9 Uye ichi chinofanira kuva sechiratidzo paruoko rwako uye sechiyeuchidzo* pahuma yako,*+ kuti mutemo waJehovha uve mumuromo mako, nekuti Jehovha akakubudisa muIjipiti neruoko rune simba.
10 Unofanira kuchengeta murau uyu gore negore kana nguva yawo yasvika.+
11 “Kana Jehovha akusvitsa kunyika yevaKenani, yaakapika kwauri nekumadzitateguru ako kuti achakupa,+
12 utsaurire Jehovha dangwe rese rechirume,* nechipfuwo chese chikono chinotanga kuberekwa pazvipfuwo zvaunenge wava nazvo. Zvese ndezvaJehovha.+
13 Mwana wese wedhongi anotanga kuberekwa umudzikinure negwai, uye kana ukasamudzikinura, unofanira kutyora mutsipa wake. Uye udzikinure matangwe ese echirume evanakomana vako.+
14 “Kana mwanakomana wako akazokubvunza kuti, ‘Izvi zvinorevei?’ unofanira kuti kwaari, ‘Jehovha akatibudisa muIjipiti, muimba yeuranda, neruoko rune simba.+
15 Farao paakaomesa mwoyo achiramba kuti tiende,+ Jehovha akauraya matangwe ese munyika yeIjipiti, kubvira kudangwe remunhu kusvikira kudangwe remhuka.+ Ndokusaka ndiri kubayira Jehovha mhuka hono dzese dzinotanga kuberekwa,* uye ndichidzikinura matangwe ese evanakomana vangu.’
16 Ichi chinofanira kuva sechiratidzo paruoko rwako uye serundanyara* pahuma yako,*+ nekuti Jehovha akatibudisa muIjipiti neruoko rune simba.”
17 Farao paakarega vanhu vachienda, Mwari haana kuvatungamirira nenzira yaipfuura nemunyika yevaFiristiya kunyange zvazvo iri iyo yaiva pedyo. Nekuti Mwari akati: “Pamwe vanhu vangachinja mwoyo kana vasangana nehondo vodzokera kuIjipiti.”
18 Saka Mwari akaita kuti vatenderere nenzira yekurenje reGungwa Dzvuku.+ Asi pavakabuda munyika yeIjipiti, vaIsraeri vakanga vakarongwa semauto.
19 Mozisi akatorawo mapfupa aJosefa, nekuti Josefa akanga aita kuti vanakomana vaIsraeri vapike zvakasimba achiti: “Mwari haazotadzi kukurangarirai, uye munofanira kuzobuda muno nemapfupa angu.”+
20 Vakabva kuSukoti vakanodzika musasa kuEtamu kumucheto kwerenje.
21 Jehovha akanga achifamba mberi kwavo masikati ari mushongwe yegore achivatungamirira munzira,+ uye usiku ari mushongwe yemoto kuti avape chiedza, kuti vakwanise kufamba masikati neusiku.+
22 Shongwe yegore yaisabva pamberi pevanhu masikati, uyewo shongwe yemoto yaisabva pamberi pevanhu usiku.+
Mashoko Emuzasi
^ ChiHeb., “dangwe rese rinovhura chibereko.”
^ Ona Mashoko Ekuwedzera B15.
^ ChiHeb., “mumiganhu.”
^ Kana kuti “sechirangaridzo.”
^ ChiHeb., “pakati pemaziso ako.”
^ ChiHeb., “wese anovhura chibereko.”
^ ChiHeb., “dangwe rese rinovhura chibereko.”
^ Ichi chishongo chinosungwa chakatenderera musoro chakadai sechuma kana chimwewo chinhu.
^ ChiHeb., “pakati pemaziso ako.”