Dheuteronomi 9:1-29
9 “Chinzwa iwe Israeri, nhasi uri kuyambuka Jodhani+ kuti upinde, utore nyika yemarudzi makuru uye ane simba kukupfuura,+ maguta makuru uye ane masvingo anosvika kumatenga,*+
2 vanhu vahombe uye varefu, vanakomana vevaAnaki,+ vaunoziva uye vawakanzwa nezvavo zvichinzi, ‘Ndiani angamirisana nevanakomana vevaAnaki?’
3 Saka nhasi unofanira kuziva kuti Jehovha Mwari wako achayambuka pamberi pako.+ Iye moto unoparadza, uye achavaparadza.+ Achavakunda wakatarisa kuti uvadzinge nekukurumidza uye uvaparadze, sezvawakavimbiswa naJehovha.+
4 “Jehovha Mwari wako paanovadzinga pamberi pako, usati mumwoyo mako, ‘Jehovha akandiunza kuti nditore nyika iyi nekuti ndakarurama.’+ Marudzi aya ari kudzingwa naJehovha pamberi pako nemhaka yekuipa kwawo.+
5 Hausi kupinda kunotora nyika iyi nekuti wakarurama kana kuti mwoyo wako wakarurama. Asi Jehovha Mwari wako ari kudzinga marudzi aya pamberi pako+ nemhaka yekuipa kwawo kuti Jehovha azadzise shoko raakapikira madzitateguru ako, Abrahamu,+ Isaka,+ naJakobho.+
6 Saka ziva kuti Jehovha Mwari wako haasi kukupa nyika ino yakanaka pamusana pekururama kwako, nekuti uri rudzi rwakaoma musoro.*+
7 “Yeuka uye usakanganwa kutsamwisa kwawakaita Jehovha Mwari wako murenje.+ Kubvira pazuva ramakabva munyika yeIjipiti kusvikira masvika kunzvimbo ino, manga muchingopandukira Jehovha.+
8 Kunyange kuHorebhi makatsamwisa Jehovha, uye Jehovha akakutsamwirai kwazvo zvekuti akanga ava kutoda kukuparadzai.+
9 Pandakakwira mugomo kunopiwa mahwendefa+ ematombo, mahwendefa esungano yakaitwa naJehovha nemi,+ ndakaramba ndiri mugomo kwemazuva 40 neusiku 40,+ ndisina chandaidya uye ndisinganwi mvura.
10 Jehovha akabva andipa mahwendefa maviri ematombo akanga akanyorwa nemunwe waMwari, aiva nemashoko ese akanga ataurwa naJehovha kwamuri mugomo ari mumoto pazuva regungano.*+
11 Pakapera mazuva 40 neusiku 40, Jehovha akandipa mahwendefa maviri ematombo, mahwendefa esungano,
12 uye Jehovha akanditi, ‘Simuka, kurumidza kuburuka muno, nekuti vanhu vako vawakabudisa muIjipiti vaita zvakaipa.+ Vakurumidza kutsauka panzira yandakavarayira kuti vafambe. Vazvigadzirira mufananidzo wesimbi.’*+
13 Jehovha akabva ati kwandiri, ‘Ndaona kuti vanhu ava vakaoma musoro.*+
14 Rega ndivaparadze ndidzime zita ravo pasi pedenga, uye rega ndikuite rudzi rune simba uye rune vanhu vakawanda kuvapfuura.’+
15 “Ndakabva ndatendeuka ndikaburuka mugomo, gomo richibvira moto,+ mahwendefa maviri esungano ari mumaoko angu.+
16 Ndakabva ndatarisa ndikaona kuti makanga matadzira Jehovha Mwari wenyu! Makanga mazvigadzirira mhuru yesimbi. Makanga makurumidza kutsauka panzira yamakanga marayirwa naJehovha kuti mufambe nayo.+
17 Saka ndakabata mahwendefa acho maviri, ndikaarovera pasi nemaoko angu ese, ndikaapwanya makatarisa.+
18 Ndakapfugama pamberi paJehovha, sezvandakaita pakutanga, kwemazuva 40 neusiku 40. Handina chandakadya kana kunwa mvura,+ nekuda kwezvivi zvenyu zvese zvamakanga maita pamakaita zvakaipa pamberi paJehovha muchimugumbura.
19 Nekuti ndakatya kutsamwa kukuru kwaJehovha pakuti aida kukuparadzai.+ Zvisinei, Jehovha akanditeerera panguva iyoyo zvakare.+
20 “Jehovha akatsamwira Aroni kwazvo zvekuti akanga ava kutoda kumuparadza,+ asi panguva iyoyo zvakare ndakakumbirirawo Aroni kuti aregererwe.
21 Ndakabva ndatora mhuru+ yacho yamakanga magadzira, yakaita kuti muite chivi, ndikaipisa mumoto; ndakaipwanya, ndikaikuya-kuya kusvikira yatsetseka seguruva, uye ndakamwaya guruva racho murukova rwaiyerera ruchibva mugomo.+
22 “Uyezve, kuTabhera,+ nekuMasa+ nekuKibroti-hataavha,+ makatsamwisa Jehovha zvakare.
23 Jehovha paakakubudisai muKadheshi-bhaneya+ uye paakati, ‘Endai munotora nyika yandichakupai!’ makapandukira murayiro waJehovha Mwari wenyu,+ uye hamuna kutenda+ maari uye hamuna kumuteerera.
24 Kubvira pandakakuzivai maingopandukira Jehovha.
25 “Saka ndakaramba ndakapfugama pamberi paJehovha kwemazuva 40 neusiku 40,+ nekuti Jehovha akati aizokuparadzai saka ndakaramba ndakaisa musoro pasi saizvozvo.
26 Ndakatanga kuteterera Jehovha ndikati, ‘Haiwa Changamire Ishe Jehovha, musaparadza vanhu venyu. Ivo ipfuma yenyu,*+ vamakadzikinura neukuru hwenyu, vamakabudisa muIjipiti neruoko rune simba.+
27 Yeukai vashumiri venyu Abrahamu, Isaka, naJakobho.+ Musatarisa kuoma musoro kwevanhu ava, kuipa kwavo, nechivi chavo.+
28 Mukadaro vanhu vemunyika yamakatibudisa vanozoti: “Jehovha akatadza kusvitsa vanhu ava munyika yaakavapikira, uye akavaurayira murenje nekuti aivavenga.”+
29 Nekuti ivo vanhu venyu nepfuma yenyu,*+ vamakabudisa nesimba renyu guru uye neruoko rwenyu rwakatambanudzwa.’+
Mashoko Emuzasi
^ Kureva, masvingo marefu-refu.
^ ChiHeb., “rwakaoma mutsipa.”
^ Kana kuti “reungano.”
^ Kana kuti “mufananidzo wesimbi yakanyungudutswa.”
^ ChiHeb., “vakaoma mutsipa.”
^ Kana kuti “inhaka yenyu.”
^ Kana kuti “nenhaka yenyu.”