Bhuku Rechipiri reMakoronike 12:1-16
12 Umambo hwaRehobhoamu pahwakangosimbiswa+ uye paakanga ava nesimba, akasiya Mutemo waJehovha,+ pamwe chete nevaIsraeri vese.
2 Mugore rechishanu raMambo Rehobhoamu, Mambo Shishaki+ weIjipiti akauya kuzorwisa Jerusarema, nekuti vakanga vasina kutendeka kuna Jehovha.
3 Aiva nengoro 1 200 nevatasvi vemabhiza 60 000, nemauto asingaverengeki aakabva nawo kuIjipiti, evaRibhiya, vaSukiimu, nevaItiopiya.+
4 Akatora maguta eJudha akanga akakomberedzwa nemasvingo, achibva azosvika kuJerusarema.
5 Muprofita Shemaya+ akaenda kwaiva naRehobhoamu nemachinda eJudha ayo akanga aungana kuJerusarema nekuti aitya Shishaki, uye akati kwavari: “Zvanzi naJehovha, ‘Makandisiya, saka ini ndakusiyaiwo+ kuti muve muruoko rwaShishaki.’”
6 Machinda evaIsraeri namambo wacho vakabva vazvininipisa,+ vakati: “Jehovha akarurama.”
7 Jehovha paakaona kuti vakanga vazvininipisa, shoko raJehovha rakasvika kuna Shemaya, richiti: “Vazvininipisa. Handichavaparadzi,+ uye ndichavanunura munguva pfupi iri kutevera. Handizodururi kutsamwa kwangu paJerusarema ndichishandisa Shishaki.
8 Asi vachava varanda vake, kuti vazive musiyano wekundishumira nekushumira madzimambo edzimwe* nyika.”
9 Saka Mambo Shishaki weIjipiti akauya kuzorwisa Jerusarema. Akatora pfuma yeimba yaJehovha+ nepfuma yeimba yamambo.* Akatora zvinhu zvese, kusanganisira nhoo dzegoridhe dzakanga dzagadzirwa naSoromoni.+
10 Saka Mambo Rehobhoamu akagadzira nhoo dzemhangura kuti atsive nhoo dzacho, uye akaita kuti dzichengetwe nevakuru vevarindi,* avo vairinda musuo weimba yamambo.
11 Pese paiuya mambo kuimba yaJehovha, varindi vaipinda vodzitakura, vobva vazodzidzorera kuimba yevarindi.
12 Mambo akazvininipisa saka kutsamwa kwaJehovha kwakabva paari,+ uye haana kuzovapedza vese.+ Uyewo pane zvinhu zvakanaka zvakawanikwa muJudha.+
13 Mambo Rehobhoamu akasimbisa chinzvimbo chake muJerusarema, uye akaramba achitonga; Rehobhoamu aiva nemakore 41 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 17 muJerusarema, guta rakanga rasarudzwa naJehovha pamadzinza ese aIsraeri kuti rive nzvimbo yekuisa zita rake. Amai vamambo vainzi Naama vari vechiAmoni.+
14 Asi iye akaita zvakaipa, nekuti akanga asina kuzvipira mumwoyo make kuti atsvage Jehovha.+
15 Nhoroondo yaRehobhoamu, kubva painotangira kusvika painoperera, haina kunyorwa here mumashoko emuprofita Shemaya+ neemuoni Idho+ muzvinyorwa zvemadzinza? Rehobhoamu naJerobhoamu+ vaigara vachirwisana.
16 Rehobhoamu akabva azoradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake, akavigwa muGuta raDhavhidhi;+ uye mwanakomana wake Abhija+ akava mambo panzvimbo yake.
Mashoko Emuzasi
^ ChiHeb., “umambo hwedzimwe.”
^ Kana kuti “yemuzinda wamambo.”
^ ChiHeb., “vevamhanyi.”