Bhuku Rechipiri reMadzimambo 17:1-41

  • Hoshea, mambo weIsraeri (1-4)

  • VaIsraeri vanokundwa (5, 6)

  • VaIsraeri vanotapwa nekuti vakasiya Mwari (7-23)

  • Vekune dzimwe nyika vanounzwa mumaguta eSamariya (24-26)

  • Kunamata kwevaSamariya kwakavhengana (27-41)

17  Mugore rechi12 raMambo Ahazi weJudha, Hoshea+ mwanakomana waEraa akava mambo weIsraeri muSamariya; akatonga kwemakore 9. 2  Akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha, asi haana kuzosvika pane zvakaitwa nemadzimambo eIsraeri akamutangira. 3  Mambo Sharimaneseri weAsiriya akauya kuzomurwisa,+ uye Hoshea akava muranda wake, akatanga kubhadhara mutero kwaari.+ 4  Asi mambo weAsiriya akaziva kuti Hoshea aironga kumupandukira, nekuti akanga atuma nhume kuna Mambo So weIjipiti+ uye akanga asina kuendesa mutero kuna mambo weAsiriya sezvaaiita makore akanga apfuura. Saka mambo weAsiriya akaramba akamuvharira mujeri akasungwa. 5  Mambo weAsiriya akapinda munyika yacho yese nechisimba, uye akaenda kuSamariya, akaikomba kwemakore matatu. 6  Mugore rechi9 raHoshea, mambo weAsiriya akatora Samariya.+ Akabva atapa vaIsraeri+ akavaendesa kuAsiriya, akavagarisa muHeira nemuHabhori kurwizi rwaGozani+ uye mumaguta evaMedhiya.+ 7  Izvi zvakaitika nekuti vaIsraeri vakanga vatadzira Jehovha Mwari wavo, uyo akavabudisa munyika yeIjipiti mavaiva pasi paFarao mambo weIjipiti.+ Vakanamata* vamwe vanamwari,+ 8  vakatevedzera tsika dzemarudzi akanga adzingwa naJehovha pamberi pevaIsraeri, uye vakatevedzera tsika dzakanga dzatangwa nemadzimambo eIsraeri. 9  VaIsraeri vairamba vachiita zvinhu zvisina kururama kuna Jehovha Mwari wavo. Vakaramba vachivaka nzvimbo dzakakwirira mumaguta avo ese,+ kubva kunharire kusvika kuguta rakakomberedzwa nemasvingo.* 10  Vakaramba vachizvimisira shongwe dzinoyera nemapango anoyera*+ pazvikomo zvese zvakakwirira nepasi pemiti yese yakasvibirira;+ 11  uye vaikwidza utsi hwezvibayiro panzvimbo dzese dzakakwirira sezvaiitwa nemarudzi akanga adzingwa naJehovha pamberi pavo.+ Vakaramba vachiita zvinhu zvakaipa kuti vagumbure Jehovha. 12  Vakaramba vachishumira zvidhori zvaisemesa,*+ zvavakanga vanzi naJehovha: “Musazvishumire!”+ 13  Jehovha akaramba achinyevera Israeri naJudha achishandisa vaprofita vake vese nevaoni vese,+ achiti: “Tendeukai panzira dzenyu dzakaipa!+ Chengetai mirayiro yangu nemirau yangu, muchitevedzera zvese zviri mumutemo wandakarayira madzitateguru enyu uye wandakakutumirai ndichishandisa varanda vangu vaprofita.” 14  Asi havana kuteerera, uye vakaramba vachiomesa misoro* yavo semadzitateguru avo, ayo asina kutenda muna Jehovha Mwari wawo.+ 15  Vakaramba vasingachengeti mirau yake nesungano yake+ yaakanga aita nemadzitateguru avo nezviyeuchidzo zvake zvaakanga avapa achivanyevera,+ uye vakaramba vachitevera zvidhori zvisingabatsiri,+ ivo vakavawo vanhu vasingabatsiri,+ vachitevedzera marudzi akanga akavapoteredza, avakanga varayirwa naJehovha kuti vasatevedzera.+ 16  Vakaramba vachisiya mirayiro yese yaJehovha Mwari wavo, uye vakagadzira mifananidzo yesimbi* yemhuru mbiri+ nebango rinoyera,*+ uye vakapfugamira uto rese rekudenga,+ vakashumira Bhaari.+ 17  Vakapfuudzawo vanakomana vavo nevanasikana vavo nemumoto,+ vachishopera,+ vachitenda mashura, uye vakaramba vachizvipira kuita* zvakaipa pamberi paJehovha, kuti vamugumbure. 18  Saka Jehovha akatsamwira vaIsraeri chaizvo, zvekuti akavabvisa pamberi pake.+ Haana kana waakasiya kunze kwedzinza raJudha chete. 19  VaJudha havanawo kuchengeta mirayiro yaJehovha Mwari wavo;+ vakafambawo mutsika dzaitevedzerwa nevaIsraeri.+ 20  Jehovha akaramba vana vese vaIsraeri akavanyadzisa uye akavaisa mumaoko evapambi, kusvikira avarasira kure naye. 21  Akabvisa vaIsraeri kuimba yaDhavhidhi, uye ivo vakagadza Jerobhoamu mwanakomana waNebhati kuti ave mambo.+ Asi Jerobhoamu akaita kuti vaIsraeri vatsauke pakutevera Jehovha, uye akaita kuti vaite chivi chakakura. 22  VaIsraeri vakaramba vachifamba muzvivi zvese zvakaitwa naJerobhoamu.+ Havana kuzvirega 23  kusvikira Jehovha abvisa vaIsraeri pamberi pake, sezvaakanga ataura achishandisa varanda vake vese vaprofita.+ Saka vaIsraeri vakatapwa vakabviswa munyika yavo, vakaendeswa kuAsiriya+ uko kwavachiri nanhasi. 24  Mambo weAsiriya akabva aunza vanhu kubva kuBhabhironi, Kuta, Avha, Hamati, neSefavhaimu,+ akavagarisa mumaguta eSamariya maimbova nevaIsraeri; vakatora Samariya vakagara mumaguta ayo. 25  Pavakatanga kugara imomo havana kutya* Jehovha. Saka Jehovha akatuma shumba pakati pavo,+ dzikauraya vamwe vavo. 26  Mambo weAsiriya akaudzwa kuti: “Marudzi amakatapa mukaagarisa mumaguta eSamariya haazivi manamatirwo aMwari* wenyika yacho. Saka iye ari kuramba achituma shumba pakati pavo dzichivauraya, nekuti pakati pavo hapana anoziva manamatirwo aMwari wenyika yacho.” 27  Mambo weAsiriya akabva arayira kuti: “Itai kuti mumwe wevapristi vamakatapa ikoko adzokere kunogara ikoko kuti avadzidzise manamatirwo aMwari wenyika yacho.” 28  Saka mumwe wevapristi vavakanga vatapa kuSamariya akadzoka kuzogara muBheteri,+ uye akatanga kuvadzidzisa kuti vangatya* sei Jehovha.+ 29  Zvisinei, rudzi rumwe nerumwe rwakagadzira mwari warwo,* uye marudzi acho akaisa vanamwari vacho mudzimba dzekunamatira dzaiva munzvimbo dzakakwirira dzakanga dzagadzirwa nevaSamariya; marudzi acho ese akaita izvozvo mumaguta awo aaigara. 30  Saka varume vekuBhabhironi vakagadzira Sukoti-bhenoti, varume vekuKuti vakagadzira Negari, varume vekuHamati+ vakagadzira Ashima, 31  uye vaAvhi vakagadzira Nibhazi naTataki. VaSefavhaimu vaipisa vanakomana vavo mumoto vachiitira Adramereki naAnamereki, vanamwari veSefavhaimu.+ 32  Kunyange zvazvo vaitya Jehovha, vakagadza vapristi venzvimbo dzakakwirira vavaisarudza pavanhu vese vese, kuti vavatungamirire padzimba dzekunamatira dzaiva panzvimbo dzakakwirira.+ 33  Saka vakatya Jehovha, asi vakanamata vanamwari vavo, sezvaingoitwa nemarudzi* avakanga vatorwa kubva kwaari.+ 34  Nanhasi vachiri kutevedzera manamatiro avo ekare. Pakati pavo hapana anonamata* Jehovha, uye hapana anotevedzera mirau yake, zvaakatonga, kana Mutemo, uye murayiro wakapiwa naJehovha kuvanakomana vaJakobho, uya waakachinja zita akamuti Israeri.+ 35  Jehovha paakaita sungano navo+ akavarayira kuti: “Hamufaniri kutya vamwe vanamwari, uye hamufaniri kuvapfugamira kana kuvashumira kana kubayira kwavari.+ 36  Asi Jehovha, uyo akakubudisai munyika yeIjipiti nesimba guru neruoko rwakatambanudzwa,+ ndiye wamunofanira kutya,+ uye ndiye wamunofanira kupfugamira, uye ndiye wamunofanira kubayira kwaari. 37  Munofanira kugara muchinyatsochengeta mirau, nezvakatongwa, neMutemo, nemurayiro zvaakakunyorerai,+ uye hamufaniri kutya vamwe vanamwari. 38  Hamufaniri kukanganwawo sungano yandakaita nemi,+ uye hamufaniri kutya vamwe vanamwari. 39  Asi Jehovha Mwari wenyu ndiye wamunofanira kutya, nekuti ndiye achakununurai kubva mumaoko evavengi venyu vese.” 40  Asi havana kuteerera, uye vakatevedzera manamatiro avo ekare.+ 41  Saka marudzi aya akatya Jehovha,+ asi aishumirawo zvifananidzo zvawo zvakavezwa. Nanhasi vanakomana vavo nevazukuru vavo vachiri kuita zvaiitwa nemadzitateguru avo.

Mashoko Emuzasi

^ ChiHeb., “Vakatya.”
^ Kureva, munzvimbo dzese, dzingava dzaigarwa nevanhu vashoma kana vakawanda.
^ Shoko racho rechiHebheru rinogona kunge richireva zvakafanana neshoko rinoshandurwa kuti “ndove” uye rinoshandiswa pakuzvidza.
^ ChiHeb., “mitsipa.”
^ Kana kuti “yesimbi yakanyungudutswa.”
^ ChiHeb., “vachizvitengesa kuti vaite.”
^ Kana kuti “kunamata.”
^ Kana kuti “chitendero chaMwari.”
^ Kana kuti “vanganamata.”
^ Kana kuti “vanamwari varwo.”
^ Kana kuti “sezvaiitwa muzvitendero zvemarudzi.”
^ ChiHeb., “anotya.”