Bhuku Rekutanga raSamueri 5:1-12

  • Areka munharaunda yevaFiristiya (1-12)

    • Dhagoni anonyadziswa (1-5)

    • VaFiristiya vanorohwa nedenda (6-12)

5  VaFiristiya pavakatora Areka+ yaMwari wechokwadi, vakabva nayo kuEbhenezeri vakaenda nayo kuAshdhodhi. 2  VaFiristiya vakatora Areka yaMwari wechokwadi, vakaipinza mumba* maDhagoni, vakaigadzika padivi paDhagoni.+ 3  VaAshdhodhi pavakafumomuka zuva rakatevera, Dhagoni akanga awira pasi nechiso pamberi peAreka yaJehovha.+ Saka vakatora Dhagoni vakamudzorera panzvimbo yake.+ 4  Pavakafumomuka zuva rakatevera racho, Dhagoni akanga awira pasi nechiso pamberi peAreka yaJehovha. Musoro waDhagoni nezvanza zvemaoko ake maviri zvakanga zvadimbuka, zviri pachidimbati.* Chikamu chakaita sehove ndicho chete* chakanga chasara paari. 5  Ndokusaka vapristi vaDhagoni nevaya vese vanopinda mumba maDhagoni vasingatsiki pachidimbati* chaDhagoni muguta reAshdhodhi kusvikira nhasi. 6  Ruoko rwaJehovha rwakatambudza vaAshdhodhi, uye akavarwisa nekuita kuti vanhu vekuAshdhodhi nenharaunda dzayo vabude zvimapundu kunobuda netsvina.*+ 7  Varume vekuAshdhodhi pavakaona zvakanga zvichiitika, vakati: “Musaita kuti Areka yaMwari waIsraeri irambe iinesu, nekuti ruoko rwake rwatitambudza isu namwari wedu Dhagoni.” 8  Saka vakatumira shoko, vakaunganidza madzishe ese evaFiristiya, vakaabvunza kuti: “Toitei neAreka yaMwari waIsraeri?” Akapindura kuti: “Areka yaMwari waIsraeri ngaiende kuGati.”+ Saka vakaendesa Areka yaMwari waIsraeri ikoko. 9  Pashure pekunge vaiendesa ikoko, ruoko rwaJehovha rwakarwisa guta racho, vanhu vakashaya zvekuita. Akatambudza vanhu veguta racho kubvira kumudiki kusvikira kumukuru, uye vakabuda zvimapundu kunobuda netsvina.*+ 10  Saka vakaendesa Areka yaMwari wechokwadi kuEkroni,+ asi pakangosvika Areka yaMwari wechokwadi kuEkroni, vaEkroni vakatanga kuchema, vachiti: “Vaunza Areka yaMwari waIsraeri kwatiri kuti vatiuraye isu nevanhu vedu!”+ 11  Vakabva vatumira shoko, vakaunganidza madzishe ese evaFiristiya vakati: “Endesai Areka yaMwari waIsraeri; ngaidzokere kunzvimbo yayo, kuti isu nevanhu vedu tirege kuurayiwa.” Nekuti vanhu vese muguta vakanga vava kutya kufa; ruoko rwaMwari wechokwadi rwakanga rwavatambudza chaizvo ikoko,+ 12  uye vanhu vasina kufa vakanga vabuda zvimapundu kunobuda netsvina. Vanhu vese veguta racho vakachemera kubatsirwa zvekuti kuchema kwavo kwakasvika kudenga.

Mashoko Emuzasi

^ Kana kuti “mutemberi.”
^ Kureva, pamusuo panotsikwa nevanhu kana vachipinda mumba.
^ ChiHeb., “Dhagoni chete.”
^ Kureva, pamusuo panotsikwa nevanhu kana vachipinda mumba.
^ Kana kuti “vabude musana.”
^ Kana kuti “vakabuda musana.”