Bhuku Rekutanga reMakoronike 7:1-40

  • Vanhu vekwaIsakari (1-5), vekwaBhenjamini (6-12), vekwaNaftari (13), vekwaManase (14-19), vekwaEfremu (20-29), uye vekwaAsheri (30-40)

7  Vanakomana vaIsakari vaiva Tora, Pua, Jashubhi, naShimroni,+ vari vana.  Vanakomana vaTora vaiva Uzai, Refaya, Jerieri, Jamai, Ibsamu, naShemueri, vari vakuru vedzimba dzemadzibaba avo. Kuna Tora kwakabva varwi vaiva nesimba, avo vaiva 22 600 mumazuva aDhavhidhi.  Vanhu* vekwaUzai vaiva Izrahiya nevanakomana vaIzrahiya vaiti: Mikaeri, Obhadhiya, Joeri, naIshiya, uye vese vari vashanu vaiva machinda.*  Uye muzvizvarwa zvavo maererano nedzimba dzemadzibaba avo vaiva nevarwi 36 000 muuto ravo vaikwanisa kuenda kuhondo, nekuti vaiva nemadzimai mazhinji nevanakomana vazhinji.  Hama dzavo dzekumhuri dzese dzekwaIsakari dzaiva varwi vane simba 87 000, sekunyorwa kwazvakaitwa muzvinyorwa zvemadzinza.+  Vanakomana vaBhenjamini+ vaiva Bhira,+ Bhekeri,+ naJedhiyaeri,+ vari vatatu.  Vanakomana vaBhira vaiva Ezbhoni, Uzai, Uzieri, Jerimoti, naIrii, vari vashanu. Vaiva vakuru vedzimba dzemadzibaba avo uye varwi vane simba, uye muzvinyorwa zvedzinza ravo vaiva 22 034.+  Vanakomana vaBhekeri vaiva Zemira, Joashi, Eriyezeri, Erioenai, Omri, Jeremoti, Abhija, Anatoti, naAremeti, vese ava vaiva vanakomana vaBhekeri.  Muzvinyorwa zvedzinza ravo, zvevakuru vedzimba dzemadzibaba avo nevana vavo, vaiva varwi vane simba 20 200. 10  Vanakomana vaJedhiyaeri+ vaiva Bhirihani uye vanakomana vaBhirihani vaiva: Jeushi, Bhenjamini, Ehudhi, Kenaana, Zetani, Tashishi, naAhishahari. 11  Vese ava vaiva vanakomana vaJedhiyaeri, maererano nevakuru vedzimba dzemadzibaba avo, varwi vane simba 17 200 vaiva vakagadzirira kuenda kuhondo. 12  VaShupimu nevaHupimu vaiva vanakomana vaIri;+ vaHushimu vaiva vanakomana vaAheri. 13  Vanakomana vaNaftari+ vaiva Jazieri, Guni, Jezeri, naSharumu, vari vanhu* vekwaBhiriha.+ 14  Vanakomana vaManase+ vaiva: Asrieri, akaberekwa nemurongo* wake wekuSiriya. (Murongo wacho akabereka Makiri+ baba vaGiriyedhi. 15  Makiri akawanira Hupimu naShupimu madzimai, uye hanzvadzi yake yainzi Maaka.) Wechipiri ainzi Zerofehadhi,+ asi Zerofehadhi aiva nevanasikana.+ 16  Maaka mudzimai waMakiri, akabereka mwanakomana akamutumidza kuti Pereshi; uye mumwe mwanakomana wake ainzi Shereshi; uye vanakomana vake vaiva Uramu naRekemu. 17  Mwanakomana* waUramu aiva Bhedhani. Ava ndivo vaiva vanakomana vaGiriyedhi mwanakomana waMakiri mwanakomana waManase. 18  Hanzvadzi yake yaiva Hamoreketi, iyo yakabereka Ishihodhi, Abhi-ezeri, naMahra. 19  Vanakomana vaShemidha vaiva Ahiyani, Shekemu, Riki, naAniyamu. 20  Vanakomana vaEfremu+ vaiva Shutera,+ mwanakomana wake Bheredhi, mwanakomana wake Tahati, mwanakomana wake Ereyadha, mwanakomana wake Tahati, 21  mwanakomana wake Zabhadhi, mwanakomana wake Shutera, Ezeri, naEreyadhi. Varume vemuGati+ avo vakaberekerwa imomo vakaenda kunoba zvipfuwo zvevanakomana vaEfremu vakauraya Ezeri naEreyadhi. 22  Baba vavo Efremu vakachema kwemazuva mazhinji, uye hama dzavo dzakaramba dzichiuya kuzovanyaradza. 23  Pashure paizvozvo, akarara nemudzimai wake akava nepamuviri, akabereka mwanakomana. Asi akamutumidza kuti Bheria,* nekuti mukadzi wacho akamubereka panguva yakawirwa imba yake nedambudziko. 24  Mwanasikana wake aiva Sheera, uyo akavaka Bheti-horoni+ Yezasi+ neYekumusoro neUzeni-sheera. 25  Uye kwaivawo nemwanakomana wake Refa, naReshefi, uye mwanakomana wake Tira, mwanakomana wake Tahani, 26  mwanakomana wake Radhani, mwanakomana wake Amihudhi, mwanakomana wake Erishama, 27  mwanakomana wake Nuni, uye mwanakomana wake Joshua.*+ 28  Nhaka yavo nenharaunda yavo yavaigara yaiva Bheteri+ nemaguta madiki akaipoteredza, uye kumabvazuva vaiva neNaarani, uye kumavirira vaiva neGezeri nemaguta madiki akaipoteredza, neShekemu nemaguta madiki akaipoteredza, vachinosvika kuAya* nemaguta madiki akaipoteredza; 29  uye pedyo nevanhu vekwaManase vaiva neBheti-sheyani+ nemaguta madiki akaipoteredza, Taanaki+ nemaguta madiki akaipoteredza, Megidho+ nemaguta madiki akaipoteredza, neDhori+ nemaguta madiki akaipoteredza. Umu ndimo maigara vanhu vekwaJosefa mwanakomana waIsraeri. 30  Vanakomana vaAsheri vaiva Imnaa, Ishvha, Ishvhi, naBheria,+ uye hanzvadzi yavo yaiva Sera.+ 31  Vanakomana vaBheria vaiva Hebheri naMarikieri, uyo aiva baba vaBhizaiti. 32  Hebheri akabereka Jafreti, Shomeri, naHotamu, nehanzvadzi yavo Shua. 33  Vanakomana vaJafreti vaiva Pasaki, Bhimihari, naAshvhati. Ava ndivo vaiva vanakomana vaJafreti. 34  Vanakomana vaShemeri* vaiva Ahi, Roga, Jehubha, naAramu. 35  Vanakomana vehama yake Heremu* vaiva Zofa, Imna, Shereshi, naAmari. 36  Vanakomana vaZofa vaiva Sua, Haneferi, Shuari, Bherai, Imraa, 37  Bhezeri, Hodhi, Shaama, Shirisha, Itrani, naBheera. 38  Vanakomana vaJeteri vaiva Jefune, Pispa, naAra. 39  Vanakomana vaUra vaiva Araa, Hanieri, naRiziya. 40  Vese ava ndivo vaiva vanakomana vaAsheri, vakuru vedzimba dzemadzibaba avo, vakasarudzwa, varume vane simba, vakuru vemachinda; uye uwandu hwavo hwaiva muzvinyorwa zvemadzinza+ hwaisvika varume 26 000+ vaikwanisa kuenda kuhondo.

Mashoko Emuzasi

ChiHeb., “vakuru.”
ChiHeb., “Vanakomana.”
ChiHeb., “vanakomana.”
ChiHeb., “Vanakomana.”
Kureva kuti “Nedambudziko.”
Kana kuti “Jehoshua,” kureva kuti “Jehovha Ruponeso.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “Gaza” asi haisi Gaza yekuFiristiya.
Anonziwo Shomeri muvhesi 32.
Anofanira kunge ari iye Hotamu muvhesi 32.