Bhuku Rekutanga reMakoronike 27:1-34
-
Vatungamiriri vebasa ramambo (1-34)
27 Uhwu ndihwo uwandu hwevaIsraeri, vakuru vedzimba dzemadzibaba, vakuru vezviuru nevemazana,+ nevatungamiriri vavo vaishandira mambo+ pazvinhu zvese zvaiva nechekuita nemapoka aiuya achienda mwedzi nemwedzi, kwemwedzi yese yegore; boka rimwe nerimwe raiva nevanhu 24 000.
2 Jashobheyamu+ mwanakomana waZabdhieri ndiye aitungamirira boka rekutanga remwedzi wekutanga, uye muboka rake maiva nevanhu 24 000.
3 Pavanakomana vaPerezi,+ ndiye aiva mukuru wevakuru vese vemapoka akasarudzwa kuti ashumire mumwedzi wekutanga.
4 Dhodhai+ muAhohi+ ndiye aitungamirira boka remwedzi wechipiri, achibatsirwa naMikroti, uye muboka rake maiva nevanhu 24 000.
5 Bhenaya+ mwanakomana waJehoyadha+ mutungamiriri wevapristi, ndiye aiva mukuru weboka rechitatu remwedzi wechitatu, uye muboka rake maiva nevanhu 24 000.
6 Bhenaya uyu aiva murwi ane simba pavane makumi matatu ari mukuru wevane makumi matatu vacho, uye boka rake raitungamirirwa nemwanakomana wake Amizabhadhi.
7 Mukuru wechina wemwedzi wechina aiva Asaheri,+ uyo aiva wemudumbu rimwe chete naJoabhi,+ achiteverwa nemwanakomana wake Zebhadhiya, uye muboka rake maiva nevanhu 24 000.
8 Mukuru wechishanu wemwedzi wechishanu aiva Shamuhuti muIzrahiya, uye muboka rake maiva nevanhu 24 000.
9 Mukuru wechi6 wemwedzi wechi6 aiva Ira+ mwanakomana waIkeshi muTekoa,+ uye muboka rake maiva nevanhu 24 000.
10 Mukuru wechi7 wemwedzi wechi7 aiva Herezi+ muPeroni wekuvaEfremu, uye muboka rake maiva nevanhu 24 000.
11 Mukuru wechi8 wemwedzi wechi8 aiva Sibhekai+ muHusha wevaZera,+ uye muboka rake maiva nevanhu 24 000.
12 Mukuru wechi9 wemwedzi wechi9 aiva Abhi-ezeri+ muAnatoti+ wevaBhenjamini, uye muboka rake maiva nevanhu 24 000.
13 Mukuru wechi10 wemwedzi wechi10 aiva Maharai+ muNetofa wevaZera,+ uye muboka rake maiva nevanhu 24 000.
14 Mukuru wechi11 wemwedzi wechi11 aiva Bhenaya+ muPiratoni wekuvanakomana vaEfremu, uye muboka rake maiva nevanhu 24 000.
15 Mukuru wechi12 wemwedzi wechi12 aiva Heridhai muNetofa, wekwaOtinieri, uye muboka rake maiva nevanhu 24 000.
16 Ava ndivo vaiva vatungamiriri vemadzinza aIsraeri: KuvaRubheni, Eriyezeri mwanakomana waZikri ndiye aiva mutungamiriri; kuvaSimiyoni, Shefatiya mwanakomana waMaaka;
17 kwaRevhi, Hashabhiya mwanakomana waKemueri; kwaAroni, Zadhoki;
18 kwaJudha, Erihu,+ mumwe wevakoma vaDhavhidhi; kwaIsakari, Omri mwanakomana waMikaeri;
19 kwaZebhuroni, Ishmaya mwanakomana waObhadhiya; kwaNaftari, Jerimoti mwanakomana waAzrieri;
20 kuvaEfremu, Hoshea mwanakomana waAzaziya; kuhafu yedzinza raManase, Joeri mwanakomana waPedhaya;
21 kuhafu yedzinza raManase raiva muGiriyedhi, Idho mwanakomana waZekariya; kwaBhenjamini, Jaasieri mwanakomana waAbhineri;+
22 kwaDhani, Azareri mwanakomana waJerohamu. Aya ndiwo aiva machinda emadzinza aIsraeri.
23 Dhavhidhi haana kuverenga vaya vaiva nemakore 20 zvichidzika, nekuti Jehovha akanga avimbisa kuti aizoita kuti vaIsraeri vawande senyeredzi dzedenga.+
24 Joabhi mwanakomana waZeruya akanga atanga kuverenga vanhu, asi haana kupedza; uye Mwari akatsamwira vaIsraeri* nemhaka yekuverenga vanhu ikoko,+ uye nhamba yacho haina kunyorwa munhoroondo yenguva yaMambo Dhavhidhi.
25 Azmavheti mwanakomana waAdhieri ndiye aiona nezvemaichengeterwa pfuma yamambo.+ Jonatani mwanakomana waUziya ndiye aiona nezvematura aiva* muminda, nemumaguta, nemumisha, nemushongwe.
26 Ezri mwanakomana waKerubhi ndiye aitungamirira vashandi vaiita basa rekurima.
27 Shimei muRama ndiye aiona nezveminda yemizambiringa; Zabdhi muShifmoti ndiye aiona nezvemaichengeterwa waini yaigadzirwa nemazambiringa ainge akohwewa.
28 Bhaari-hanani muGedheri ndiye aiona nezveminda yemiorivhi nemiti yemitsamvi+ yaiva muShefera;+ Joashi ndiye aiona nezvemaichengeterwa mafuta.
29 Shitrai muSharoni+ ndiye aiona nezvemapoka emombe dzaifura muSharoni, uye Shafati mwanakomana waAdrai ndiye aiona nezvemapoka emombe dzaiva mumapani.
30 Obhiri muIshmaeri ndiye aiona nezvengamera; Jedheya muMeronoti ndiye aiona nezvemadhongi.*
31 Jazizi muHagri ndiye aiona nezvemakwai nembudzi. Vese ava vaiva vakuru vezvinhu zvaMambo Dhavhidhi.
32 Jonatani,+ mwana wemukoma waDhavhidhi, aiva chipangamazano uye murume ainzwisisa, uye aivawo munyori; Jehieri mwanakomana waHakimoni aichengeta vanakomana vamambo.+
33 Ahitoferi+ aiva chipangamazano wamambo, uye Hushai+ muAki aiva shamwari* yamambo.
34 Vatevedzeri vaAhitoferi vaiva Jehoyadha mwanakomana waBhenaya,+ naAbhiyatari;+ uye Joabhi+ aiva mukuru weuto ramambo.
Mashoko Emuzasi
^ ChiHeb., “kutsamwa kwakava pana Israeri.”
^ Kana kuti “nezvezvivakwa zvaichengeterwa pfuma zvaiva.”
^ ChiHeb., “nezvemadhongi makadzi.”
^ Kana kuti “shamwari yepedyo.”