Bhuku Rekutanga reMakoronike 25:1-31
-
Vaimbi nevanoridza zviridzwa paimba yaMwari (1-31)
25 Dhavhidhi nevakuru vemapoka ebasa vakasarudzawo vamwe vanakomana vaAsafi, Hemani, naJedhutuni+ kuti vashumire vachiprofita neudimbwa, zviridzwa zvine tambo,+ nesimbi dzinorovaniswa.+ Mazita evarume vacho vakasarudzwa kuti vaite basa iri ndeaya,
2 pavanakomana vaAsafi: Zakuri, Josefa, Netaniya, naAsharera, vanakomana vaAsafi avo vaitungamirirwa naAsafi, uyo aiprofita achitungamirirwa namambo.
3 KwaJedhutuni:+ vanakomana vaJedhutuni vaiva Gedhariya, Zerai, Jeshaya, Shimei, Hashabhiya, naMatitiya,+ vari 6, vachitungamirirwa nababa vavo Jedhutuni uyo aiprofita nerudimbwa, achionga nekurumbidza Jehovha.+
4 KwaHemani:+ vanakomana vaHemani vaiva Bhukiya, Mataniya, Uzieri, Shebhueri, Jerimoti, Hananiya, Hananai, Eriyata, Gidhariti, Romamti-ezeri, Joshbhekasha, Maroti, Hotiri, naMahaziyoti.
5 Vese ava vaiva vanakomana vaHemani, muoni wamambo wenyaya dzine chekuita naMwari wechokwadi kuti arumbidzwe;* saka Mwari wechokwadi akapa Hemani vanakomana 14 nevanasikana vatatu.
6 Vese ava vaitungamirirwa nababa vavo kuti vaimbe paimba yaJehovha, vaine zviridzwa zvesimbi zvinorovaniswa, nezviridzwa zvine tambo, neudimbwa,+ vachiita basa repaimba yaMwari wechokwadi.
Asafi, Jedhutuni, naHemani vaiva pasi pamambo.
7 Vese pamwe chete nehama dzavo idzo dzakanga dzakadzidziswa kuimbira Jehovha vaiva 288, vese vari nyanzvi.
8 Saka vakakanda mijenya+ kuti vapiwe mabasa avo, vachidaro kumukuru nemudiki, uye kunyanzvi neari kudzidzira.
9 Mujenya wakatanga kubuda waiva waAsafi uri waJosefa,+ wechipiri waiva waGedhariya+ (iye nehama dzake nevanakomana vake vaiva 12);
10 wechitatu waiva waZakuri,+ vanakomana vake nehama dzake, vari 12;
11 wechina waiva waIzri, vanakomana vake nehama dzake, vari 12;
12 wechishanu waiva waNetaniya,+ vanakomana vake nehama dzake, vari 12;
13 wechi6 waiva waBhukiya, vanakomana vake nehama dzake, vari 12;
14 wechi7 waiva waJesharera, vanakomana vake nehama dzake, vari 12;
15 wechi8 waiva waJeshaya, vanakomana vake nehama dzake, vari 12;
16 wechi9 waiva waMataniya, vanakomana vake nehama dzake, vari 12;
17 wechi10 waiva waShimei, vanakomana vake nehama dzake, vari 12;
18 wechi11 waiva waAzareri, vanakomana vake nehama dzake, vari 12;
19 wechi12 waiva waHashabhiya, vanakomana vake nehama dzake, vari 12;
20 wechi13 waiva waShubhaeri,+ vanakomana vake nehama dzake, vari 12;
21 wechi14 waiva waMatitiya, vanakomana vake nehama dzake, vari 12;
22 wechi15 waiva waJeremoti, vanakomana vake nehama dzake, vari 12;
23 wechi16 waiva waHananiya, vanakomana vake nehama dzake, vari 12;
24 wechi17 waiva waJoshbhekasha, vanakomana vake nehama dzake, vari 12;
25 wechi18 waiva waHananai, vanakomana vake nehama dzake, vari 12;
26 wechi19 waiva waMaroti, vanakomana vake nehama dzake, vari 12;
27 wechi20 waiva waEriyata, vanakomana vake nehama dzake, vari 12;
28 wechi21 waiva waHotiri, vanakomana vake nehama dzake, vari 12;
29 wechi22 waiva waGidhariti,+ vanakomana vake nehama dzake, vari 12;
30 wechi23 waiva waMahaziyoti,+ vanakomana vake nehama dzake, vari 12;
31 wechi24 waiva waRomamti-ezeri,+ vanakomana vake nehama dzake, vari 12.
Mashoko Emuzasi
^ ChiHeb., “kuti asimudze nyanga yake.”