Bhuku Rekutanga reMakoronike 25:1-31

  • Vaimbi nevanoridza zviridzwa paimba yaMwari (1-31)

25  Dhavhidhi nevakuru vemapoka ebasa vakasarudzawo vamwe vanakomana vaAsafi, Hemani, naJedhutuni+ kuti vashumire vachiprofita neudimbwa, zviridzwa zvine tambo,+ nesimbi dzinorovaniswa.+ Mazita evarume vacho vakasarudzwa kuti vaite basa iri ndeaya,  pavanakomana vaAsafi: Zakuri, Josefa, Netaniya, naAsharera, vanakomana vaAsafi avo vaitungamirirwa naAsafi, uyo aiprofita achitungamirirwa namambo.  KwaJedhutuni:+ vanakomana vaJedhutuni vaiva Gedhariya, Zerai, Jeshaya, Shimei, Hashabhiya, naMatitiya,+ vari 6, vachitungamirirwa nababa vavo Jedhutuni uyo aiprofita nerudimbwa, achionga nekurumbidza Jehovha.+  KwaHemani:+ vanakomana vaHemani vaiva Bhukiya, Mataniya, Uzieri, Shebhueri, Jerimoti, Hananiya, Hananai, Eriyata, Gidhariti, Romamti-ezeri, Joshbhekasha, Maroti, Hotiri, naMahaziyoti.  Vese ava vaiva vanakomana vaHemani, muoni wamambo wenyaya dzine chekuita naMwari wechokwadi kuti arumbidzwe;* saka Mwari wechokwadi akapa Hemani vanakomana 14 nevanasikana vatatu.  Vese ava vaitungamirirwa nababa vavo kuti vaimbe paimba yaJehovha, vaine zviridzwa zvesimbi zvinorovaniswa, nezviridzwa zvine tambo, neudimbwa,+ vachiita basa repaimba yaMwari wechokwadi. Asafi, Jedhutuni, naHemani vaiva pasi pamambo.  Vese pamwe chete nehama dzavo idzo dzakanga dzakadzidziswa kuimbira Jehovha vaiva 288, vese vari nyanzvi.  Saka vakakanda mijenya+ kuti vapiwe mabasa avo, vachidaro kumukuru nemudiki, uye kunyanzvi neari kudzidzira.  Mujenya wakatanga kubuda waiva waAsafi uri waJosefa,+ wechipiri waiva waGedhariya+ (iye nehama dzake nevanakomana vake vaiva 12); 10  wechitatu waiva waZakuri,+ vanakomana vake nehama dzake, vari 12; 11  wechina waiva waIzri, vanakomana vake nehama dzake, vari 12; 12  wechishanu waiva waNetaniya,+ vanakomana vake nehama dzake, vari 12; 13  wechi6 waiva waBhukiya, vanakomana vake nehama dzake, vari 12; 14  wechi7 waiva waJesharera, vanakomana vake nehama dzake, vari 12; 15  wechi8 waiva waJeshaya, vanakomana vake nehama dzake, vari 12; 16  wechi9 waiva waMataniya, vanakomana vake nehama dzake, vari 12; 17  wechi10 waiva waShimei, vanakomana vake nehama dzake, vari 12; 18  wechi11 waiva waAzareri, vanakomana vake nehama dzake, vari 12; 19  wechi12 waiva waHashabhiya, vanakomana vake nehama dzake, vari 12; 20  wechi13 waiva waShubhaeri,+ vanakomana vake nehama dzake, vari 12; 21  wechi14 waiva waMatitiya, vanakomana vake nehama dzake, vari 12; 22  wechi15 waiva waJeremoti, vanakomana vake nehama dzake, vari 12; 23  wechi16 waiva waHananiya, vanakomana vake nehama dzake, vari 12; 24  wechi17 waiva waJoshbhekasha, vanakomana vake nehama dzake, vari 12; 25  wechi18 waiva waHananai, vanakomana vake nehama dzake, vari 12; 26  wechi19 waiva waMaroti, vanakomana vake nehama dzake, vari 12; 27  wechi20 waiva waEriyata, vanakomana vake nehama dzake, vari 12; 28  wechi21 waiva waHotiri, vanakomana vake nehama dzake, vari 12; 29  wechi22 waiva waGidhariti,+ vanakomana vake nehama dzake, vari 12; 30  wechi23 waiva waMahaziyoti,+ vanakomana vake nehama dzake, vari 12; 31  wechi24 waiva waRomamti-ezeri,+ vanakomana vake nehama dzake, vari 12.

Mashoko Emuzasi

ChiHeb., “kuti asimudze nyanga yake.”