Bhuku Rekutanga reMakoronike 19:1-19

  • VaAmoni vanoitira nhume dzaDhavhidhi zvakaipa (1-5)

  • Kukunda vaAmoni nevaSiriya (6-19)

19  Nahashi mambo wevaAmoni akazofa, uye mwanakomana wake akava mambo panzvimbo yake.+  Dhavhidhi akabva ati: “Ndicharatidza rudo rusingachinji+ kuna Hanuni mwanakomana waNahashi, nekuti baba vake vakandiratidza rudo rusingachinji.” Saka Dhavhidhi akatuma nhume kuti dzinomunyaradza nekuti akanga afirwa nababa vake. Asi varanda vaDhavhidhi pavakasvika munyika yevaAmoni+ kuti vanyaradze Hanuni,  machinda evaAmoni akati kuna Hanuni: “Munofunga kuti kutumira kwaita Dhavhidhi vanyaradzi kwamuri kukudza baba venyu here? Varanda vake havana kuuya kwamuri kuti vanyatsoona zvakaita nyika nekuisora* vokubvisai pachigaro here?”  Saka Hanuni akatora varanda vaDhavhidhi akavagera,+ akadimbura nguo dzavo nepakati nechepamagaro avo, akavadzinga.  Dhavhidhi paakaudzwa nezvevarume vacho, akabva angotumira vanhu kuti vanosangana navo, nekuti varume vacho vakanga vanyadziswa zvakanyanya; uye mambo akavaudza kuti: “Garai muJeriko+ kusvikira ndebvu dzenyu dzakura, mozodzoka henyu.”  Nekufamba kwenguva, vaAmoni vakaona kuti vakanga vava kuvengwa chaizvo naDhavhidhi, saka Hanuni nevaAmoni vakatumira matarenda* 1 000 esirivha kuti vakumbire ngoro nevatasvi vemabhiza kuMesopotamiya,* kuAramu-maaka, nekuZobha.+  Saka vakabhadhara ngoro 32 000, pamwe chete namambo weMaaka nevanhu vake. Vakabva vauya vakadzika misasa pakatarisana neMedhebha.+ VaAmoni vakaungana vachibva mumaguta avo kuti varwe.  Dhavhidhi paakanzwa nezvazvo, akatuma Joabhi+ neuto rese kusanganisira varwi vake vaiva nesimba kupfuura vese.+  VaAmoni vakabva vabuda, vakaronga mauto avo pasuo reguta, asi madzimambo akanga auya aiva kwawo ega musango. 10  Joabhi paakaona kuti mauto acho akanga achiuya kuzorwisana naye vamwe vari mberi vamwe vari shure, akasarudza vamwe vevarwi vaiva shasha dzekurwa muIsraeri akavaronga kuti varwe nevaSiriya.+ 11  Akaisa vamwe varume vese mumaoko aAbhishai mwana waamai vake,+ kuti avaronge kuti varwe nevaAmoni. 12  Akabva ati: “Kana vaSiriya+ vava kundikunda, unofanira kuuya kuzondinunura; asi kana vaAmoni vava kukukunda, ndichakununura. 13  Tinofanira kutosimba uye kushinga+ kuti tirwire vanhu vedu uye maguta aMwari wedu, uye Jehovha achaita zvaanoona kuti ndizvo zvakanaka.” 14  Joabhi nevarume vaaiva navo vakabva vafamba vachienda kunorwisana nevaSiriya, uye ivo vakamutiza.+ 15  VaAmoni pavakaona kuti vaSiriya vakanga vatiza, vakabva vatizawo Abhishai mwana waamai vake, vakapinda muguta. Pashure paizvozvo Joabhi akasvika muJerusarema. 16  VaSiriya pavakaona kuti vakanga vakundwa nevaIsraeri, vakatuma nhume kuti dzinoshevedza vaSiriya vaiva munharaunda yeRwizi,*+ vachitungamirirwa naShofaki mukuru weuto raHadhadhezeri.+ 17  Dhavhidhi paakaudzwa nezvazvo, akabva aunganidza vaIsraeri vese, akayambuka Jodhani, akasvika kwavaiva, akaronga mauto kuti arwe navo. Dhavhidhi akaronga mauto kuti asangane nevaSiriya, uye vakarwa naye.+ 18  Asi vaSiriya vakatiza vaIsraeri; uye Dhavhidhi akauraya vatyairi vengoro 7 000 nevarwi 40 000 vaifamba netsoka vevaSiriya, uye akauraya Shofaki mukuru weuto racho. 19  Varanda vaHadhadhezeri pavakaona kuti vakanga vakundwa nevaIsraeri,+ vakakurumidza kuyanana naDhavhidhi vakava pasi pake;+ uye vaSiriya vakanga vasisade kubatsira vaAmoni zvakare.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “nekuiongorora.”
Tarenda rainge rakaenzana nemakirogiramu 34,2. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
ChiHeb., “kuAramu-naharaimu.”
Kureva, Yufratesi.