Bhuku Rekutanga reMakoronike 18:1-17
18 Nekufamba kwenguva, Dhavhidhi akarwisa vaFiristiya, akavakunda,+ uye akatorera vaFiristiya Gati+ nemaguta madiki akaipoteredza.
2 Akabva akunda Moabhi,+ uye vaMoabhi vakava varanda vaDhavhidhi vachibhadhariswa mutero.+
3 Dhavhidhi akakunda Mambo Hadhadhezeri+ weZobha+ pedyo neHamati+ paaiva munzira kuti anotanga kutonga kuRwizi rwaYufratesi.+
4 Dhavhidhi akamutorera ngoro 1 000, vatasvi vemabhiza 7 000, nevarwi vaifamba netsoka 20 000.+ Dhavhidhi akabva adimbura marunda* emakumbo emabhiza ese aidhonza ngoro, akasiya mabhiza 100.+
5 VaSiriya vekuDhamasiko pavakauya kuzobatsira Mambo Hadhadhezeri weZobha, Dhavhidhi akauraya vaSiriya 22 000.+
6 Dhavhidhi akabva aisa mapoka evarwi muSiriya yekuDhamasiko, uye vaSiriya vakava varanda vaDhavhidhi, vachibhadhara mutero kwaari. Jehovha aiita kuti Dhavhidhi akunde* kwese kwaaienda.+
7 Dhavhidhi akatorawo nhoo dzegoridhe dzeraundi dzevaranda vaHadhadhezeri, akaenda nadzo kuJerusarema.
8 Dhavhidhi akatora mhangura yakawanda kwazvo kuTibhati nekuKuni, maguta aHadhadhezeri. Soromoni akaigadzirisa Dziva remhangura,+ mbiru, nemidziyo yemhangura.+
9 Mambo Tou weHamati paakanzwa kuti Dhavhidhi akanga akunda uto rese raMambo Hadhadhezeri+ weZobha,+
10 akabva angotuma mwanakomana wake Hadhoramu kuna Mambo Dhavhidhi kunomubvunza kuti akadii nekumukorokotedza kuti akanga arwa naHadhadhezeri akamukunda, (nekuti Hadhadhezeri akanga amborwisana naTou kakawanda), uye akauya nezvinhu zvemhando dzese zvegoridhe, sirivha, nemhangura.
11 Mambo Dhavhidhi akatsaura* zvinhu izvi kuti zvive zvaJehovha,+ pamwe chete nesirivha negoridhe zvaakanga atora kumarudzi ese: zvakabva kuEdhomu nekuMoabhi, kuvaAmoni,+ vaFiristiya+ nekuvaAmareki.+
12 Abhishai+ mwanakomana waZeruya+ akauraya vaEdhomu 18 000 muBani reMunyu.+
13 Akaisa mapoka evarwi muEdhomu, uye vaEdhomu vese vakava varanda vaDhavhidhi.+ Jehovha aiita kuti Dhavhidhi akunde* kwese kwaaienda.+
14 Dhavhidhi akaramba achitonga vaIsraeri vese,+ uye aiitira vanhu vake vese zvakarurama, achiita kuti nyaya dzavo dzitongwe zvakanaka.+
15 Joabhi mwanakomana waZeruya ndiye aiva mukuru weuto,+ Jehoshafati+ mwanakomana waAhirudhi ari munyori wezvaiitika,
16 Zadhoki mwanakomana waAhitubhu naAhimereki mwanakomana waAbhiyatari vaiva vapristi, uye Shavhisha aiva munyori.
17 Bhenaya mwanakomana waJehoyadha ndiye aitungamirira vaKereti+ nevaPereti.+ Uye vanakomana vaDhavhidhi vaiva pamusoro pevamwe vese vari vatevedzeri vamambo.
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “madzira.”
^ Kana kuti “apone.”
^ Kana kuti “akatsvenesa.”
^ Kana kuti “apone.”