Bhuku Rekutanga reMakoronike 15:1-29

  • VaRevhi vanotakura Areka kuenda nayo kuJerusarema (1-29)

    • Mikari anoshora Dhavhidhi (29)

15  Akaramba achizvivakira dzimba muGuta raDhavhidhi, uye akagadzira nzvimbo yekuisa Areka yaMwari wechokwadi, akaidzikira tende.+  Panguva iyoyo Dhavhidhi ndipo paakati: “Hapana anofanira kutakura Areka yaMwari wechokwadi kunze kwevaRevhi, nekuti Jehovha akavasarudza kuti vatakure Areka yaJehovha, uye kuti varambe vachimushumira.”+  Dhavhidhi akabva aunganidza vaIsraeri vese kuJerusarema kuti vaunze Areka yaJehovha kunzvimbo yaakanga aigadzirira.+  Dhavhidhi akaunganidza vanhu vekwaAroni+ nevaRevhi:+  pavaKohati paiva naUrieri mukuru wavo nehama dzake 120;  pavaMerari paiva naAsaya+ mukuru wavo nehama dzake 220;  pavaGeshomu paiva naJoeri+ mukuru wavo nehama dzake 130;  pavanhu vekwaErizafani+ paiva naShemaya mukuru wavo nehama dzake 200;  pavanhu vekwaHebroni paiva naErieri mukuru wavo nehama dzake 80; 10  pavanhu vekwaUzieri+ paiva naAminadhabhi mukuru wavo nehama dzake 112. 11  Dhavhidhi akashevedzawo vapristi vaiti Zadhoki+ naAbhiyatari,+ nevaRevhi vaiti Urieri, Asaya, Joeri, Shemaya, Erieri, naAminadhabhi, 12  akati kwavari: “Ndimi vakuru vedzimba dzemadzibaba evaRevhi. Zvitsvenesei, imi nehama dzenyu, muuye neAreka yaJehovha Mwari waIsraeri kunzvimbo yandakaigadzirira. 13  Sezvo musina kuitakura pakutanga,+ Jehovha Mwari wedu akatitsamwira zvikuru,+ nekuti hatina kutsvaga nzira yakakodzera yekuzviita.”+ 14  Saka vapristi nevaRevhi vakazvitsvenesa kuti vauye neAreka yaJehovha Mwari waIsraeri. 15  VaRevhi vakabva vatakura Areka yaMwari wechokwadi pamapfudzi avo nemapango ekuitakurisa,+ sezvakanga zvarayirwa naMozisi maererano neshoko raJehovha. 16  Dhavhidhi akabva audza vakuru vevaRevhi kuti vagadze hama dzavo dzaiva vaimbi kuti dziimbe dzichifara chaizvo, pachiridzwa zviridzwa zvine tambo, neudimbwa,+ nesimbi dzinorovaniswa.+ 17  Saka vaRevhi vakagadza Hemani+ mwanakomana waJoeri, uye pahama dzake vakagadza Asafi+ mwanakomana waBherekiya, uye pahama dzavo vaMerari, vakagadza Etani+ mwanakomana waKushaya. 18  Vaiva nehama dzavo dzeboka rechipiri,+ dzaiti, Zekariya, Bheni, Jaazieri, Shemiramoti, Jehieri, Uni, Eriyabhi, Bhenaya, Maaseya, Matitiya, Eriferehu, naMikineya naObhedhi-edhomu naJeyieri avo vaiva varindi vepamagedhi. 19  Vaimbi vaiti Hemani,+ Asafi,+ naEtani, ndivo vaizoridza zviridzwa zvemhangura zvinorovaniswa;+ 20  uye Zekariya, Azieri, Shemiramoti, Jehieri, Uni, Eriyabhi, Maaseya, naBhenaya, vairidza zviridzwa zvine tambo zvairira mutinhimira weAramoti;*+ 21  uye Matitiya,+ Eriferehu, Mikineya, Obhedhi-edhomu, Jeyieri, naAzaziya, vairidza udimbwa hwairira mutinhimira weSheminiti,*+ vachitungamirira. 22  Kenaniya+ mukuru wevaRevhi ndiye aiona nezvekutakurwa kweAreka, nekuti aiva nyanzvi, 23  uye Bherekiya naErikana vaiva varindi vepagedhi remaichengeterwa Areka. 24  Vapristi vaiti Shebhaniya, Joshafati, Netaneri, Amasai, Zekariya, Bhenaya, naEriyezeri vairidza mabhosvo achiririra pamusoro vari pamberi peAreka yaMwari wechokwadi,+ uye Obhedhi-edhomu naJehiya vaivawo varindi vepagedhi remaichengeterwa Areka. 25  Dhavhidhi nevakuru vaIsraeri nevakuru vezviuru vakaendawo vachifara chaizvo+ kunotora areka yesungano yaJehovha kumba kwaObhedhi-edhomu.+ 26  Mwari wechokwadi paakabatsira vaRevhi vakanga vakatakura areka yesungano yaJehovha, vakabayira mikono midiki 7 yemombe nemakondohwe 7.+ 27  Dhavhidhi akanga akapfeka nguo isina maoko yejira rakanaka chaizvo, sezvakanga zvakaitwa nevaRevhi vese vakanga vakatakura Areka, vaimbi, naKenaniya uyo aiona nezvekutakurwa kweAreka achitungamirira vaimbi; Dhavhidhi akanga akapfekawo efodhi* yejira.+ 28  VaIsraeri vese vakanga vachiunza areka yesungano yaJehovha vachishevedzera vachifara,+ vachiridza hwamanda, mabhosvo,+ nesimbi dzinorovaniswa, ukuwo zviridzwa zvine tambo neudimbwa zvichiririra pamusoro.+ 29  Asi areka yesungano yaJehovha payakasvika kuGuta raDhavhidhi,+ Mikari+ mwanasikana waSauro akatarisa pasi nepahwindo, akaona Mambo Dhavhidhi achisvetuka-svetuka achipembera, achibva atanga kumushora mumwoyo make.+