Bhuku Rekutanga reMakoronike 14:1-17
14 Mambo Hiramu+ weTire akatuma nhume kuna Dhavhidhi, nematanda emisidhari, nevavezi vematombo,* nevavezi vematanda kuti vamuvakire imba.*+
2 Dhavhidhi akaziva kuti Jehovha akanga asimbisa umambo hwake pana Israeri,+ nekuti akasimudzira chaizvo umambo hwake achiitira vanhu vake vaIsraeri.+
3 Dhavhidhi akatora mamwe madzimai+ muJerusarema, uye Dhavhidhi akabereka vamwe vanakomana nevanasikana.+
4 Aya ndiwo mazita evana vaakabereka muJerusarema:+ Shamua, Shobhabhu, Natani,+ Soromoni,+
5 Ibhari, Erishua, Eripereti,
6 Noga, Nefegi, Jafiya,
7 Erishama, Bheeriyadha, naErifereti.
8 VaFiristiya pavakanzwa kuti Dhavhidhi akanga azodzwa kuti ave mambo wevaIsraeri vese,+ vaFiristiya vese vakakwidza vachienda kunotsvaga Dhavhidhi.+ Dhavhidhi paakazvinzwa, akabuda kuti anorwa navo.
9 VaFiristiya vakabva vauya, uye vairamba vachirwisa vagari vemuBani reRefaimu.+
10 Dhavhidhi akabvunza Mwari, achiti: “Ndiende kunorwa nevaFiristiya here? Muchavaisa muruoko rwangu here?” Jehovha akabva ati kwaari: “Enda, nekuti chokwadi ndichavaisa muruoko rwako.”+
11 Saka Dhavhidhi akaenda kuBhaari-perazimu,+ uye akavauraya ikoko. Dhavhidhi akabva ati: “Mwari wechokwadi apaza vavengi vangu achishandisa ruoko rwangu, sekupazwa kunoitwa madziro nemvura.” Ndokusaka vakatumidza nzvimbo iyoyo kuti Bhaari-perazimu.*
12 VaFiristiya vakasiya vanamwari vavo ipapo, uye pashure pekunge Dhavhidhi apa murayiro, vanamwari vacho vakapiswa mumoto.+
13 Gare gare vaFiristiya vakarwisazve mubani.+
14 Dhavhidhi akabva abvunzazve Mwari, asi Mwari wechokwadi akati kwaari: “Usaenda wakavananga. Asi pota nekuseri kwavo, uvarwise uri mberi kwemakwenzi emibheka.+
15 Uye paunonzwa ruzha pamusoro pemakwenzi emibheka runenge rwevanhu vari kufora, ibva warwisa, nekuti Mwari wechokwadi achange aenda mberi kwako kunoparadza uto revaFiristiya.”+
16 Saka Dhavhidhi akaita zvaakarayirwa naMwari wechokwadi,+ uye vakaparadza uto revaFiristiya kubva kuGibhiyoni kusvika kuGezeri.+
17 Mukurumbira waDhavhidhi wakapararira kunyika dzese, uye Jehovha akaita kuti marudzi ese amutye.+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “nevavaki vemasvingo.”
^ Kana kuti “muzinda.”
^ Kureva kuti “Shasha Yekupaza.”