Bhuku Rekutanga reMakoronike 13:1-14

  • Areka inotorwa kuKiriyati-jearimu (1-14)

    • Uza anorohwa ofa (9, 10)

13  Dhavhidhi akataura nevakuru vezviuru nevemazana nevatungamiriri vese.+  Dhavhidhi akabva ati kuungano yese yaIsraeri: “Kana zvakanaka kwamuri uye kana zvakanaka kuna Jehovha Mwari wedu, ngatitumirei shoko kuhama dzedu dzakasara munzvimbo dzese dzeIsraeri uyewo kuvapristi nevaRevhi vari mumaguta avo+ ane mafuro, kuti vauye vazobatana nesu.  Uye ngatidzosei Areka+ yaMwari wedu.” Nekuti vakanga vasingaichengeti zvakanaka mumazuva aSauro.+  Ungano yese yakabvumirana nazvo, nekuti vanhu vese vakazviona sezvakanaka.  Saka Dhavhidhi akaunganidza vaIsraeri vese kubva kurwizi rweIjipiti* kusvika kuRebhohamati,*+ kuti vanotora Areka yaMwari wechokwadi kuKiriyati-jearimu.+  Dhavhidhi nevaIsraeri vese vakakwidza kuBhaara,+ kuKiriyati-jearimu yeJudha, kuti vanotora Areka yaMwari wechokwadi, iye Jehovha, uyo agere pachigaro cheumambo pamusoro* pemakerubhi,+ panoshevedzwa zita rake.  Asi vakaisa Areka yaMwari wechokwadi mungoro itsva+ uye vakaibvisa kumba kwaAbhinadhabhi, uye Uza naAhiyo ndivo vaifambisa ngoro yacho.+  Dhavhidhi nevaIsraeri vese vakanga vachipembera pamberi paMwari wechokwadi nesimba ravo rese, vachiimba nziyo, vachiridza udimbwa, nezvimwe zviridzwa zvine tambo, nematambureni,+ nesimbi dzinorovaniswa,+ nemabhosvo.+  Asi pavakasvika paburiro* raKidhoni, Uza akatambanudza ruoko rwake akabata Areka yacho, nekuti yakanga yava kudonhedzwa nemombe. 10  Jehovha akabva atsamwira Uza zvikuru, uye akamurova nekuti akanga atambanudzira ruoko rwake kuAreka,+ uye akafira ipapo pamberi paMwari.+ 11  Asi Dhavhidhi akatsamwa nekuti Jehovha akanga aratidza hasha dzake kuna Uza; uye nzvimbo iyoyo inonzi Perezi-uza* nanhasi. 12  Saka Dhavhidhi akatya Mwari wechokwadi pazuva iroro uye akati: “Ndichaunza sei Areka yaMwari wechokwadi kuguta rangu?”+ 13  Dhavhidhi haana kuunza Areka yacho kwaaiva kuGuta raDhavhidhi, asi akaita kuti iendeswe kumba kwaObhedhi-edhomu wekuGati. 14  Areka yaMwari wechokwadi yaiva kumba kwaObhedhi-edhomu uye yakaramba iri ikoko kwemwedzi mitatu. Jehovha akaramba achikomborera imba yaObhedhi-edhomu nezvese zvaaiva nazvo.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “kubva kuShihori yeIjipiti.”
Kana kuti “panopindwa napo muHamati.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “pakati.”
Kureva kuti “Kuputikira Uza Nehasha.”