Bhuku Rekutanga reMakoronike 13:1-14
13 Dhavhidhi akataura nevakuru vezviuru nevemazana nevatungamiriri vese.+
2 Dhavhidhi akabva ati kuungano yese yaIsraeri: “Kana zvakanaka kwamuri uye kana zvakanaka kuna Jehovha Mwari wedu, ngatitumirei shoko kuhama dzedu dzakasara munzvimbo dzese dzeIsraeri uyewo kuvapristi nevaRevhi vari mumaguta avo+ ane mafuro, kuti vauye vazobatana nesu.
3 Uye ngatidzosei Areka+ yaMwari wedu.” Nekuti vakanga vasingaichengeti zvakanaka mumazuva aSauro.+
4 Ungano yese yakabvumirana nazvo, nekuti vanhu vese vakazviona sezvakanaka.
5 Saka Dhavhidhi akaunganidza vaIsraeri vese kubva kurwizi rweIjipiti* kusvika kuRebhohamati,*+ kuti vanotora Areka yaMwari wechokwadi kuKiriyati-jearimu.+
6 Dhavhidhi nevaIsraeri vese vakakwidza kuBhaara,+ kuKiriyati-jearimu yeJudha, kuti vanotora Areka yaMwari wechokwadi, iye Jehovha, uyo agere pachigaro cheumambo pamusoro* pemakerubhi,+ panoshevedzwa zita rake.
7 Asi vakaisa Areka yaMwari wechokwadi mungoro itsva+ uye vakaibvisa kumba kwaAbhinadhabhi, uye Uza naAhiyo ndivo vaifambisa ngoro yacho.+
8 Dhavhidhi nevaIsraeri vese vakanga vachipembera pamberi paMwari wechokwadi nesimba ravo rese, vachiimba nziyo, vachiridza udimbwa, nezvimwe zviridzwa zvine tambo, nematambureni,+ nesimbi dzinorovaniswa,+ nemabhosvo.+
9 Asi pavakasvika paburiro* raKidhoni, Uza akatambanudza ruoko rwake akabata Areka yacho, nekuti yakanga yava kudonhedzwa nemombe.
10 Jehovha akabva atsamwira Uza zvikuru, uye akamurova nekuti akanga atambanudzira ruoko rwake kuAreka,+ uye akafira ipapo pamberi paMwari.+
11 Asi Dhavhidhi akatsamwa nekuti Jehovha akanga aratidza hasha dzake kuna Uza; uye nzvimbo iyoyo inonzi Perezi-uza* nanhasi.
12 Saka Dhavhidhi akatya Mwari wechokwadi pazuva iroro uye akati: “Ndichaunza sei Areka yaMwari wechokwadi kuguta rangu?”+
13 Dhavhidhi haana kuunza Areka yacho kwaaiva kuGuta raDhavhidhi, asi akaita kuti iendeswe kumba kwaObhedhi-edhomu wekuGati.
14 Areka yaMwari wechokwadi yaiva kumba kwaObhedhi-edhomu uye yakaramba iri ikoko kwemwedzi mitatu. Jehovha akaramba achikomborera imba yaObhedhi-edhomu nezvese zvaaiva nazvo.+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “kubva kuShihori yeIjipiti.”
^ Kana kuti “panopindwa napo muHamati.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “pakati.”
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kureva kuti “Kuputikira Uza Nehasha.”