Bhuku Rekutanga reMakoronike 12:1-40

  • Vatsigiri veumambo hwaDhavhidhi (1-40)

12  Ava ndivo varume vakaenda kwaiva naDhavhidhi kuZikragi+ paakanga asingakwanisi kufamba akasununguka nemhaka yaSauro+ mwanakomana waKishi, uye vaiva vamwe vevarwi vane simba vaimubatsira muhondo.+  Vaiva neuta, uye vaikwanisa kupotsera matombo nechipfuramabwe+ kana kupfura miseve neuta vachishandisa ruoko rwerudyi kana rweruboshwe.+ Vaiva hama dzaSauro dzekwaBhenjamini.+  Mukuru wavo aiva Ahiezeri, pamwe chete naJoashi, vese vari vanakomana vaShemaa muGibhiya;+ Jezieri naPereti vanakomana vaAzmavheti,+ Bheraka, Jehu muAnatoti,  Ishmaya muGibhiyoni,+ murwi aiva nesimba pakati pevane makumi matatu+ ari mukuru wevane makumi matatu vacho; uyewo Jeremiya, Jahazieri, Johanani, Jozabhadhi muGedhera,  Eruzai, Jerimoti, Bheariya, Shemariya, Shefatiya muHarifi,  Erikana, Ishiya, Azareri, Joezeri, naJashobheyamu, vekwaKora;+  naJoera naZebhadhiya vanakomana vaJerohamu wekuGedhori.  Paivawo nevamwe vaGadhi vakaenda kunobatana naDhavhidhi kunhare* yaiva murenje;+ vaiva varwi vane simba uye mauto akadzidziswa hondo. Vaigara vakagadzirira vaine nhoo huru nemapfumo, uye zviso zvavo zvakanga zvakaita sezveshumba, vachimhanya semhara dziri mumakomo.  Ezeri ndiye aiva shasha yavo, Obhadhiya ari wechipiri, Eriyabhi ari wechitatu, 10  Mishmana ari wechina, Jeremiya ari wechishanu, 11  Atai ari wechi6, Erieri ari wechi7, 12  Johanani ari wechi8, Erizabhadhi ari wechi9, 13  Jeremiya ari wechi10, Makibhanai ari wechi11. 14  Ava vaiva vekwaGadhi,+ vakuru veuto. Mudiki wavo akanga akaenzana nevarwi 100, uye mukuru wacho nevarwi 1 000.+ 15  Ava ndivo varume vakayambuka Rwizi rwaJodhani mumwedzi wekutanga parwakanga rwakafashukira kumahombekombe arwo, uye vakadzinga vanhu vese vaigara mumapani, kumabvazuva nekumavirira. 16  Vamwe varume vekwaBhenjamini nevekwaJudha vakauyawo kwaiva naDhavhidhi kunhare yake.+ 17  Dhavhidhi akabva abuda, akasangana navo, akati kwavari: “Kana mauya kwandiri nerugare kuzondibatsira, mwoyo wangu uchabatana nemi. Asi kana mauya kuti muzonditengesa kumhandu dzangu, iwo maoko angu asina chakaipa chaaita, Mwari wemadzibaba edu ngaazvione, atonge.”+ 18  Mweya waMwari wakabva wauya pana Amasai,+ mukuru wevane makumi matatu akati: “Tiri vako, haiwa Dhavhidhi, uye tiri kudivi rako, haiwa mwanakomana waJese.+ Rugare, rugare ngaruve newe, uye rugare ngaruve neari kukubatsira,Nekuti Mwari wako ari kukubatsira.”+ Saka Dhavhidhi akavagamuchira, akavagadza kuti vave vamwe vevakuru vevarwi. 19  Vamwe vekwaManase vakabatanawo naDhavhidhi paakauya nevaFiristiya kuzorwa naSauro; asi haana kubatsira vaFiristiya, nekuti pashure pekunge madzishe evaFiristiya+ ataurirana, akamudzinga achiti: “Achatiza obatana nashe wake Sauro, uye tichaurayiwa.”+ 20  Paakaenda kuZikragi,+ varume vanotevera vekwaManase vakatiza vakanobatana naye: Adnaa, Jozabhadhi, Jedhiyaeri, Mikaeri, Jozabhadhi, Erihu, naZiretai, vakuru vezviuru vekwaManase.+ 21  Vakabatsira Dhavhidhi kurwisa boka revapambi, nekuti vese vaiva varume vane simba, vakashinga,+ uye vakava vakuru muuto racho. 22  Zuva nezuva vanhu vakaramba vachiuya kuna Dhavhidhi+ kuzomubatsira kusvikira musasa wacho wakura semusasa waMwari.+ 23  Uku ndiko kuwanda kwevatungamiriri vevaya vakanga vakagadzirira kurwa vakauya kuna Dhavhidhi kuHebroni+ kuti vamupe umambo hwaSauro sezvakanga zvarayirwa naJehovha.+ 24  Varume vekwaJudha avo vaiva nenhoo huru nemapfumo vaiva 6 800, uye vainge vakagadzirira hondo. 25  Pavanhu vekwaSimiyoni, varume vaiva muuto, vaine simba uye vakashinga, vaiva 7 100. 26  PavaRevhi paiva ne4 600. 27  Jehoyadha+ ndiye aiva mutungamiriri wevanakomana vaAroni,+ uye vaaiva navo vaiva 3 700, 28  pamwe chete naZadhoki,+ jaya raiva nesimba uye rakashinga, nevakuru 22 vemuimba yemadzibaba ake. 29  PavaBhenjamini, hama dzaSauro,+ paiva ne3 000, uye vakawanda vacho vaimbotsigira imba yaSauro. 30  PavaEfremu paiva nevarume 20 800 vaiva nesimba, vakashinga uye vaiva nemukurumbira mudzimba dzemadzibaba avo. 31  Pahafu yedzinza raManase paiva ne18 000 vakanga vasarudzwa nemazita kuti vauye kuzogadza Dhavhidhi kuti ave mambo. 32  Padzinza raIsakari, vaya vainzwisisa nguva uye vaiziva zvaifanira kuitwa nevaIsraeri vaiva vatungamiriri 200 vedzinza racho, uye hama dzavo dzese dzaiva pasi pavo. 33  KwaZebhuroni kwaiva ne50 000 vaikwanisa kupinda muuto, vaigona kurwa vakaronga uto ravo vaine zvombo zvese zvehondo, vese vakabatana naDhavhidhi vakanyatsozvipira kwaari.* 34  KwaNaftari kwaiva nevakuru 1 000 uye vaiva nevanhu 37 000 vaiva nenhoo huru nemapfumo. 35  KuvaDhani, vaya vaigona kurwa vakaronga uto ravo vaiva 28 600. 36  KwaAsheri, vaya vaikwanisa kupinda muuto kuti varwe vakaronga uto ravo vaiva 40 000. 37  Mhiri kwaJodhani,+ kuvaRubheni, vaGadhi, nehafu yedzinza raManase, kwaiva nevarwi 120 000 vaiva nemhando dzese dzezvombo. 38  Vese ava vaiva varume vehondo vaigona kurwa vari muuto rakarongwa; vakauya nemwoyo wese kuHebroni kuzogadza Dhavhidhi kuti ave mambo wevaIsraeri vese, uyewo vamwe vaIsraeri vese vaida* kugadza Dhavhidhi kuti ave mambo.+ 39  Vakaramba vaina Dhavhidhi ikoko kwemazuva matatu, vachidya nekunwa zvavakanga vagadzirirwa nehama dzavo. 40  Uyewo vaya vaiva pedyo navo, kunyange vaya vaiva kure, kwaIsakari, Zebhuroni, nekwaNaftari, vaiuya nezvekudya zvakatakurwa nemadhongi, ngamera, manyurusi, nemombe, zvekudya zvaiti furawa, makeke emaonde akaomeswa neemazambiringa akaomeswa, waini, mafuta, nemombe nemakwai zvakawanda, nekuti muIsraeri maiva nemufaro mukuru.

Mashoko Emuzasi

Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.
Kana kuti “vese vaibatana naDhavhidhi vakanga vasina mwoyo miviri.”
ChiHeb., “vaiva nemwoyo mumwe chete.”