Bhuku Rekutanga reMadzimambo 9:1-28
9 Soromoni paakangopedza kuvaka imba yaJehovha, neimba yamambo*+ nezvinhu zvese zvaaida kugadzira,+
2 Jehovha akazviratidza kuna Soromoni kechipiri, sezvaakanga amboita muGibhiyoni.+
3 Jehovha akati kwaari: “Ndanzwa munyengetero wako nechikumbiro chako chekuti unzwirwe nyasha chawaita pamberi pangu. Ndatsvenesa imba iyi yawakavaka nekuisa zita rangu pairi nekusingaperi,+ uye maziso angu nemwoyo wangu zvichagara zviri pairi.+
4 Kana iwe ukafamba pamberi pangu, sekufamba kwakaita baba vako Dhavhidhi,+ nemwoyo wakaperera kwandiri,+ nekururama,+ uchiita zvese zvandakakurayira,+ uye kana ukateerera mirau yangu nemitongo yangu,+
5 ndichasimbisa chigaro cheumambo hwako pana Israeri nekusingaperi, sezvandakavimbisa baba vako Dhavhidhi, ndichiti, ‘Hapazomboshayikwi murume wedzinza rako anogara pachigaro cheumambo chaIsraeri.’+
6 Asi kana imi nevanakomana venyu mukarega kunditevera, uye mukasachengeta mirayiro yangu nemirau yangu yandakaisa pamberi penyu, moenda kunoshumira vamwe vanamwari, movakotamira,+
7 ndichaparadza vaIsraeri panyika yandakavapa,+ uye ndicharasira kure neni imba yandakatsvenesera zita rangu,+ uye vaIsraeri vachava chiseko* uye vachashorwa pakati pemarudzi ese.+
8 Imba iyi ichasara yangova matongo.+ Munhu wese anopfuura nepairi acharamba akatarisa achishamisika uye acharidza muridzo oti, ‘Nei Jehovha akaita zvakadai panyika iyi nepaimba iyi?’+
9 Ivo vachabva vati, ‘Imhaka yekuti vakasiya Jehovha Mwari wavo akanga abudisa madzitateguru avo munyika yeIjipiti, vakatanga kunamata vamwe vanamwari, vakavakotamira nekuvashumira. Ndokusaka Jehovha akavaunzira dambudziko rese iri.’”+
10 Pakazopera makore 20, Soromoni akanga avaka dzimba mbiri, imba yaJehovha neimba yamambo,*+
11 uye Hiramu+ mambo weTire akanga apa Soromoni matanda emisidhari neemijunipa negoridhe rese raaida,+ saka Mambo Soromoni akapa Hiramu maguta 20 munyika yeGarireya.
12 Saka Hiramu akabva kuTire kuti anoona maguta aakanga apiwa naSoromoni, asi haana kugutsikana nawo.*
13 Akati: “Hama yangu, maguta erudzii aya awandipa?” Saka maguta acho akatumidzwa kuti Nyika yeKabhuri* uye ndiro zita rawo nanhasi.
14 Munguva iyi, Hiramu akatumira mambo matarenda* 120 egoridhe.+
15 Iyi ndiyo nhoroondo yevaya vakatorwa kuti vaite basa rekumanikidzwa+ naMambo Soromoni kuti vavake imba yaJehovha,+ imba yake,* Murwi Wevhu,*+ rusvingo rweJerusarema, Hazori,+ Megidho,+ neGezeri.+
16 (Farao mambo weIjipiti akanga auya, akatora Gezeri, akaripisa nemoto, uye akanga aurayawo vaKenani+ vaigara muguta racho. Saka akapa guta racho kumwanasikana wake,+ mudzimai waSoromoni sechipo chekuonekana.*)
17 Soromoni akavaka* Gezeri, Bheti-horoni Yezasi,+
18 Bhaarati,+ neTamari yaiva murenje, munyika yacho,
19 nemaguta ese aSoromoni ekuchengetera zvinhu, nemaguta engoro,+ nemaguta evatasvi vemabhiza, nezvinhu zvese zvaida kuvakwa naSoromoni muJerusarema, muRebhanoni nemunyika yese yaaitonga.
20 Asi kana vari vanhu vese vakanga vasara pavaAmori, vaHiti, vaPerizi, vaHivhi, nevaJebhusi,+ avo vakanga vasiri vaIsraeri,+
21 zvizvarwa zvavo izvo zvakanga zvasara munyika yacho, vaya vakatadza kuparadzwa nevaIsraeri, vakatorwa naSoromoni kuti vaite basa rekumanikidzwa sevaranda kusvikira nhasi.+
22 Asi Soromoni haana waakaita muranda pavaIsraeri,+ nekuti vaiva varwi vake, nevashandi vake, nemachinda ake, nemakurukota ake, nevakuru vevatyairi vake vengoro nevevatasvi vake vemabhiza.
23 Paiva nevakuru vevatariri 550 vaitungamirira basa raSoromoni, avo vaiva maforomani evanhu vaiita basa.+
24 Asi mwanasikana waFarao+ akabva muGuta raDhavhidhi,+ akaenda kuimba yake yaakanga avakirwa naSoromoni; Soromoni akabva agadzira Murwi Wevhu.*+
25 Soromoni aipa zvibayiro zvinopiswa nezvibayiro zverugare katatu pagore+ paatari yaakanga avakira Jehovha,+ uyewo aikwidza utsi hwezvibayiro paatari yaiva pamberi paJehovha, uye akapedza imba yacho.+
26 Mambo Soromoni akagadzirawo ngarava dzakawanda muEziyoni-gebheri,+ iri pedyo neEroti, pamhenderekedzo yeGungwa Dzvuku munyika yeEdhomu.+
27 Hiramu akatuma varanda vake nengarava dzacho,+ avo vaiziva nezvemugungwa, kuti vashande pamwe chete nevashandi vaSoromoni.
28 Vakaenda kuOfiri+ vakanotora goridhe raisvika matarenda 420 ikoko, vakauya naro kuna Mambo Soromoni.
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “nemuzinda wamambo.”
^ ChiHeb., “chirevo.”
^ Kana kuti “nemuzinda wamambo.”
^ ChiHeb., “akanga asina kunaka mumaziso ake.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “Nyika Pasina.”
^ Tarenda rainge rakaenzana nemakirogiramu 34,2. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
^ Kana kuti “Miro.” Iri ishoko rechiHebheru rinoreva kuti “zadza.”
^ Kana kuti “muzinda wake.”
^ Kana kuti “sechipo chepamuchato; seroora rinobva kumhuri yemukadzi.”
^ Kana kuti “akavaka masvingo ekukomberedza.”
^ Kana kuti “agadzira Miro.” Iri ishoko rechiHebheru rinoreva kuti “zadza.”