Bhuku Rekutanga reMadzimambo 20:1-43

  • VaSiriya vanorwisa Ahabhi (1-12)

  • Ahabhi anokunda vaSiriya (13-34)

  • Uprofita hwezvichaitika kuna Ahabhi (35-43)

20  Bheni-hadhadhi+ mambo weSiriya+ akaunganidza mauto ake ese, nemadzimambo 32 nemabhiza awo nengoro dzawo, akaenda akanokomba+ Samariya,+ akairwisa. 2  Akabva atuma nhume kuna Mambo Ahabhi+ weIsraeri kuguta, akati kwaari: “Zvanzi naBheni-hadhadhi, 3  ‘Sirivha yako negoridhe rako ndezvangu, nemadzimai ako nevanakomana vako vakanaka kupfuura vese.’” 4  Mambo weIsraeri akabva apindura kuti: “Ndiri wenyu, pamwe chete nezvinhu zvangu zvese, sezvamataura ishe wangu mambo.”+ 5  Gare gare nhume dzacho dzakadzoka dzikati: “Zvanzi naBheni-hadhadhi, ‘Ndakakutumira shoko ndichiti: “Uchandipa sirivha yako, negoridhe rako, nemadzimai ako, nevanakomana vako.” 6  Asi panenge panguva ino mangwana ndichatuma varanda vangu kwauri, uye vachanyatsotsvaga mumba mako nemudzimba dzevaranda vako, uye vachatora zvinhu zvako zvese zvakanaka voenda nazvo.’” 7  Mambo weIsraeri akabva ashevedza vakuru vese vemunyika yacho akati: “Tarisaiwo muone zviri kuitwa nemunhu uyu. Ari kutsvaga kuunza dambudziko, nekuti akati ndimupe madzimai angu, vanakomana vangu, sirivha yangu, negoridhe rangu, uye handina kuramba.” 8  Vakuru vese nevanhu vese vakabva vati kwaari: “Musateerera, uye musabvuma.” 9  Saka akati kunhume dzaBheni-hadhadhi: “Itii kunashe wangu mambo, ‘Ndichaita zvese zvamakatanga kutaura kuti muri kuda kumuranda wenyu, asi izvi handikwanisi kuzviita.’” Nhume dzacho dzakabva dzaenda, dzikadzokera neshoko kwaari. 10  Bheni-hadhadhi akabva amutumira shoko iri rekuti: “Vanamwari ngavandirange zvinorwadza kwazvo kana muSamariya muine guruva rinokwana kuti ndizadze ruoko rwemunhu wese anonditevera!” 11  Mambo weIsraeri akapindura kuti: “Muudzei kuti, ‘Uya anoshonga zvekurwa nazvo haafaniri kuzvirova dundundu seuya anozvibvisa.’”+ 12  Paakangonzwa mhinduro yacho, iye nemadzimambo acho pavakanga vachinwa vari mumatende avo,* akati kuvaranda vake: “Gadzirirai hondo!” Saka vakagadzirira kurwisa guta racho. 13  Asi pane muprofita akaenda kuna Mambo Ahabhi+ weIsraeri akati: “Zvanzi naJehovha, ‘Waona here boka rese guru iri revanhu? Ndiri kuriisa muruoko rwako nhasi, uye uchabva waziva kuti ndini Jehovha.’”+ 14  Ahabhi akabvunza kuti: “Muchishandisa ani?” iye akati: “Zvanzi naJehovha, ‘Ndichishandisa vashandi vanobatsira machinda ematunhu.’” Saka akabvunza kuti: “Ndiani achatanga kurwisa?” iye akati: “Ndiwe!” 15  Ahabhi akabva averenga vashandi vaibatsira machinda ematunhu, uye vaiva 232; pashure paizvozvo akaverenga varume vese veIsraeri, uye vaiva 7 000. 16  Vakabuda masikati Bheni-hadhadhi paakanga achinwa achidhakwa ari mumatende* pamwe chete nemadzimambo 32 akanga achimubatsira. 17  Vashandi vaibatsira machinda ematunhu pavakatanga ivo kubuda, Bheni-hadhadhi akabva angotuma nhume. Dzakadzoka kwaari dzichiti: “Kune varume vabuda muSamariya.” 18  Iye akabva ati: “Kana vabuda kuti vatsvage rugare, vatorei vari vapenyu; uye kunyange kana vabuda kuti varwe, munongofanira kuvatora vari vapenyu.” 19  Asi vashandi vaibatsira machinda ematunhu pavakabuda muguta nemauto aivatevera, 20  mumwe nemumwe akauraya waairwisana naye. VaSiriya vakabva vatiza,+ uye vaIsraeri vakavatevera, asi Mambo Bheni-hadhadhi weSiriya akatiza ari pabhiza aine vamwe vatasvi vemabhiza. 21  Asi mambo weIsraeri akabuda, akaramba achiparadza mabhiza nengoro, uye akauraya vaSiriya vakawanda chaizvo. 22  Gare gare muprofita+ wacho akaenda kuna mambo weIsraeri akati kwaari: “Enda unova nesimba, wofunga zvauchaita,+ nekuti pakutanga kwegore rinouya* mambo weSiriya achauya kuzokurwisa.”+ 23  Zvino varanda vamambo weSiriya vakati kwaari: “Mwari wavo ndiMwari wemakomo. Ndokusaka vakatikunda. Asi kana tikarwisana navo panyika yakati sandara, tichavakunda. 24  Itaiwo izvi: Bvisai madzimambo ese+ pazvinzvimbo zvawo, muatsive nemagavhuna. 25  Ibvai maunganidza* mauto akaenzana nemauto enyu akaurayiwa, tsivai bhiza nebhiza, ngoro nengoro. Ngatirwei navo panyika yakati sandara, uye chokwadi tichavakunda.” Saka akateerera zano ravo akaita saizvozvo. 26  Pakutanga kwegore,* Bheni-hadhadhi akaunganidza vaSiriya, akakwidza kuAfeki+ kuti anorwa nevaIsraeri. 27  VaIsraeri vakaunganidzwawo vakapiwa zvese zvavaizoda, uye vakabuda kuti vasangane navo. VaIsraeri pavakadzika musasa pakatarisana navo, vakanga vakaita setumapoka tuviri twembudzi, uku vaSiriya vakazadza nyika yese.+ 28  Munhu waMwari wechokwadi akabva aenda kuna mambo weIsraeri, akati: “Zvanzi naJehovha, ‘Nekuti vaSiriya vati: “Jehovha ndiMwari wemakomo, haasi Mwari wemapani,” ndichaisa boka guru revanhu rese iri muruoko rwako,+ uye chokwadi muchaziva kuti ndini Jehovha.’”+ 29  Vakaramba vakadzika misasa kwemazuva manomwe, misasa yavo iri pakatarisana, uye pazuva rechinomwe hondo yakatanga. VaIsraeri vakauraya varwi veSiriya 100 000 vaifamba netsoka pazuva rimwe chete. 30  Vamwe vese vakatizira kuAfeki,+ vachinopinda muguta. Asi rusvingo rwakawira varume 27 000 pane vakanga vasara. Bheni-hadhadhi akatizawo akapinda muguta, uye akahwanda muimba yemukati. 31  Saka varanda vake vakati kwaari: “Takanzwa kuti madzimambo eimba yaIsraeri madzimambo ane tsitsi.* Tapota, regai tisunge masaga muzviuno uye tisunge tambo mumisoro, tiende kuna mambo weIsraeri. Zvimwe acharega kukuurayai.”*+ 32  Saka vakasunga masaga muzviuno zvavo, vakasunga tambo mumisoro yavo, vakapinda maiva namambo weIsraeri vakati: “Zvanzi nemuranda wenyu Bheni-hadhadhi, ‘Ndapota, ndiregei ndiri mupenyu.’”* Iye akapindura kuti: “Achiri mupenyu here? Ihama yangu.” 33  Varume vacho vakaona sekuti ichi chaiva chiratidzo chakanaka uye vakabva vangobvuma zvaakataura, saka vakati: “Bheni-hadhadhi ihama yenyu.” Iye akabva ati: “Endai munomutora.” Bheni-hadhadhi akabva aenda kwaaiva, uye iye akaita kuti akwire mungoro. 34  Bheni-hadhadi akabva ati kwaari: “Ndichadzosa maguta akatorwa nababa vangu kuna baba vako, uye unogona kuisa misika* yako muDhamasiko, sezvakaitwa nababa vangu muSamariya.” Ahabhi akapindura achiti: “Nechibvumirano ichi,* ndichakurega uchienda.” Akabva aita chibvumirano naye, akamurega achienda. 35  Arayirwa neshoko raJehovha, mumwe wevanakomana vevaprofita*+ akati kune mumwe wake: “Ndapota, ndirove.” Asi murume wacho akaramba kumurova. 36  Saka akati kwaari: “Nekuti hauna kuteerera inzwi raJehovha, pauchangobva kwandiri, uchaurayiwa neshumba.” Paakabva kwaari, akasangana neshumba, ikamuuraya. 37  Akawana mumwe murume akati kwaari: “Ndapota, ndirove.” Saka murume wacho akamurova, akamukuvadza. 38  Muprofita wacho akabva aenda, akanomirira mambo pamugwagwa, uye akanga akavhara maziso ake nejira kuti asazivikanwa. 39  Mambo paakanga achipfuura, iye akashevedzera kuna mambo achiti: “Muranda wenyu akaenda paipisa hondo, uye kwaiva nemumwe murume aibuda, uyo akauya nemumwe murume kwandiri akabva ati, ‘Rinda murume uyu. Kana akangoshayikwa chete, upenyu hwako ndihwo huchapinda panzvimbo yeupenyu hwake,* kana kuti uchabhadhara tarenda*+ resirivha.’ 40  Muranda wenyu paakanga achiita icho neicho, murume wacho akabva angonyangarika.” Mambo weIsraeri akati kwaari: “Saka iwoyo ndiwo uchava mutongo wako; wazvitonga wega.” 41  Akabva akurumidza kubvisa jira kumeso kwake, uye mambo weIsraeri akaona kuti aiva mumwe wevaprofita.+ 42  Akati kwaari: “Zvanzi naJehovha, ‘Nekuti wakarega murume wandakati aifanira kuparadzwa achipukunyuka muruoko rwako,+ upenyu hwako hunofanira kupinda panzvimbo yeupenyu hwake,*+ uye vanhu vako vachapinda panzvimbo yevanhu vake.’”+ 43  Mambo weIsraeri akabva aenda kumba kwake kuSamariya,+ akafundumwara uye akasuruvara.

Mashoko Emuzasi

^ Kana kuti “mumatumba avo.”
^ Kana kuti “mumatumba.”
^ Kureva, masutso anotevera.
^ ChiHeb., “maverenga.”
^ Kureva, mumasutso.
^ Kana kuti “madzimambo ane rudo rusingachinji.”
^ Kana kuti “kuuraya mweya wenyu.”
^ Kana kuti “regai mweya wangu uri mupenyu.”
^ Kana kuti “kuva nemigwagwa.”
^ Kana kuti “Nesungano iyi.”
^ Zvinoita sekuti pari kunzi “vanakomana vevaprofita” pari kureva boka revaprofita kana kuti vaprofita vane zvimwe zvinhu zvavaidzidziswa pabasa ravo.
^ Kana kuti “mweya wako uchava panzvimbo yemweya wake.”
^ Tarenda rainge rakaenzana nemakirogiramu 34,2. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
^ Kana kuti “mweya wako uchava panzvimbo yemweya wake.”