Zvirevo 6:1-35
6 Mwanakomana wangu, kana wakazviita chokumbofanobata kune wokwako,+ kana wakabatana maoko nomunhu wausingazivi muchiita chibvumirano,+
2 kana wakateyiwa nemashoko omuromo wako,+ kana wakabatwa nemashoko omuromo wako,
3 mwanakomana wangu, chiita izvi, uzvinunure, nokuti wakapinda muchanza chowokwako:+ Enda uzvininipise, urambe uchingokumbira wokwako kwazvo.+
4 Usamboita kuti maziso ako ave nehope, kana kuita kuti maziso ako anopenya atsimwaire.+
5 Zvinunure sokuzvinunura kunoita mhara muruoko rwomuvhimi, uye sezvinoita shiri muruoko rwomubati weshiri.+
6 Iwe simbe,+ enda kusvosve;+ ona nzira dzaro uve akachenjera.
7 Kunyange zvazvo risina mutungamiriri, mutariri kana mutongi,
8 rinogadzirira zvokudya zvaro muzhizha;+ rakaunganidza zvokudya zvaro munguva yokukohwa.
9 Iwe simbe, ucharamba wakarara kusvikira rini?+ Uchamuka rini pahope dzako?+
10 Kumborara zvishoma, kumbotsimwaira zvishoma, kumbopeta maoko zvishoma wakarara pasi,+
11 urombo hwako huchauya sezvinoita gororo,+ uye kushayiwa kwako sezvinoita munhu ane zvombo.+
12 Munhu pasina,+ iye munhu anoita zvinhu zvinokuvadza, anofamba achitaura zvinhu zvisina kururama,+
13 achichonya neziso rake,+ achiita zviratidzo netsoka yake, achinongedza neminwe yake.+
14 Kutsauka kuri mumwoyo make.+ Anoronga zvinhu zvakaipa nguva dzose.+ Anongoramba achiita kuti pave nokukakavara.+
15 Ndokusaka achangoerekana awirwa nenjodzi;+ achabva angoputswa, uye haazopori.+
16 Kune zvinhu zvitanhatu zvinovengwa naJehovha;+ chokwadi, zvinhu zvinomwe ndizvo zvinosemesa mweya wake, zvinoti:+
17 maziso anozvikudza,+ rurimi runoreva nhema,+ maoko anoteura ropa risina mhosva,+
18 mwoyo unoronga mazano anokuvadza,+ tsoka dzinokurumidza kumhanyira zvakaipa,+
19 chapupu chinonyengera chinoreva nhema,+ uye chero munhu upi zvake anoita kuti pakati pehama pave nokukakavara.+
20 Haiwa mwanakomana wangu, chengeta murayiro wababa+ vako, usasiya mutemo waamai+ vako.
21 Zvisungirire pamwoyo wako nguva dzose;+ zvisungirire mumutsipa mako.+
22 Paunofamba-famba, uchakutungamirira;+ paunorara, uchakurinda;+ uye paunenge wamuka, uchava nehanya newe.
23 Nokuti murayiro irambi,+ mutemo chiedza,+ uye kutsiura kwokuranga inzira youpenyu,+
24 kuti uchengetedzwe pamukadzi akaipa,+ pakunyengera kworurimi rwomukadzi wokumwe.+
25 Usachiva kunaka kwake mumwoyo mako,+ uye ngaarege kukutora nemaziso ake anopenya,+
26 nokuti munhu angasara ava nechingwa cheraundi bedzi zvichikonzerwa nomukadzi pfambi;+ asi kana ari mudzimai womumwe murume, anovhima mweya unokosha.+
27 Munhu angatutira moto muchipfuva chake nguo dzake dzikasatsva here?+
28 Kana kuti munhu angafamba pamazimbe tsoka dzake dzikasatsva here?
29 Ndizvo zvakaita munhu anorara nomudzimai womumwe wake,+ hapana anobata mudzimai wacho acharega kurangwa.+
30 Vanhu havazvidzi mbavha inoba kuti igutse mweya wayo kana iine nzara.
31 Asi kana ikabatwa, inofanira kudzorera zvava zvinomwe; ichapa zvinhu zvose zvinokosha zveimba yayo.+
32 Ani naani anoita upombwe nomukadzi, iye ane mwoyo usina njere;+ uya anozviita anoparadza mweya wake.+
33 Achawana dambudziko noruzvidzo,+ uye kuzvidzwa kwake hakuzodzimwi.+
34 Nokuti kutsamwa kwomurume akagwinya igodo,+ uye haazonzwiri tsitsi pazuva rokutsiva.+
35 Haazovi nehanya norudzikinuro chero rupi zvarwo, uyewo haazovi nechido, pasinei nokuti unoita kuti chipo chacho chive chikuru sei.

