Zekariya 13:1-9

13  “Pazuva iroro+ pachava netsime+ richange rakavhurirwa imba yaDhavhidhi nevagari vomuJerusarema rokugeza chivi+ uye chinhu chinosemesa.+ 2  “Zvino pazuva iroro,” ndizvo zvinotaura Jehovha wemauto, “ndichaparadza mazita ezvidhori munyika,+ haazoyeukwizve; uye ndichabvisawo vaprofita+ pamwe chete nomudzimu wokusachena munyika.+ 3  Kana munhu akaprofitazve, baba vake naamai vake, ivo vakamubereka, ngavatiwo kwaari, ‘Hausi kuzorarama, nokuti wataura nhema uchishandisa zita raJehovha.’ Baba vake naamai vake, ivo vakamubereka, ngavamubvoore nokuda kwokuprofita kwake.+ 4  “Zvino vaprofita vachanyara pazuva iroro, mumwe nomumwe achanyara+ nezvaanoratidzwa paanoprofita; uye havazopfeki nguo dzebasa dzakagadzirwa nemvere+ kuti vanyengere vanhu. 5  Iye achati, ‘Handisi muprofita. Ndiri munhu anorima ivhu, nokuti munhu wepanyika akanditenga ndichiri muduku.’ 6  Mumwe achati kwaari, ‘Ko maronda aya ari pauri pakati pemaoko ako ndeei?’ Iye achati, ‘Ndeaya andakarohwa ndiri muimba yevanondida kwazvo.’” 7  “Haiwa iwe bakatwa, mukira mufudzi wangu,+ iye murume wandinoshamwaridzana naye,”+ ndizvo zvinotaura Jehovha wemauto. “Rova mufudzi,+ makwai apararire;+ uye ndichadzosa ruoko rwangu pane aya asingakoshi.”+ 8  “Zvino munyika yose,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “zvikamu zviviri pazvitatu zvichaparadzwa zvofa;+ uye chikamu chechitatu chichasara mairi.+ 9  Ndichapfuudza chikamu chechitatu nomumoto;+ ndichavanatsa sokunatswa kunoitwa sirivha,+ ndovaedza, sokuedzwa kunoitwa ndarama.+ Ivo vachadana zita rangu uye ini ndichavapindura.+ Ndichati, ‘Ivo vanhu vangu,’+ uye ivo vachati, ‘Jehovha ndiye Mwari wedu.’”+

Mashoko Emuzasi