VaHebheru 5:1-14
5 Nokuti mupristi mukuru wose anotorwa pakati pevanhu anogadzwa nokuda kwevanhu kuti atarisire zvinhu zvine chokuita naMwari,+ kuti ape zvipo nezvibayiro zvezvivi.+
2 Iye anokwanisa kubata zvine mwero nevasingazivi nevanokanganisa, iye zvaanodzorwawo nokushayiwa simba kwake,+
3 uye nokuda kwaizvozvo anosungirwa kuti ape zvinopiwa zvezvivi zvake pachake sezvaanoitira vamwe vanhu.+
4 Uyewo, munhu haawani kukudzwa uku nokuzvidira,+ asi paanodanwa naMwari chete,+ sezvakaitwawo Aroni.+
5 Saizvozvowo Kristu haana kuzvikudza iye pachake+ nokuva mupristi mukuru,+ asi akakudzwa+ naiye akataura nezvake achiti: “Ndiwe mwanakomana wangu; ini, nhasi, ndava baba vako.”+
6 Sezvaanotaurawo pane imwe nzvimbo, achiti: “Iwe uri mupristi nokusingaperi maererano nezvakanga zvakaita Merekizedheki.”+
7 Pamazuva aakanga ari munyama, Kristu aiteterera uyewo aikumbira+ Iye aikwanisa kumuponesa parufu, achichema kwazvo+ uye achisvimha misodzi, uye akanzwiwa nokuda kwokutya kwake Mwari.+
8 Kunyange zvazvo akanga ari Mwanakomana, akadzidza kuteerera pazvinhu zvaakatambura;+
9 uye pashure pokunge aitwa akakwana+ akava nesimba rokuponeswa kusingaperi+ kune vaya vose vanomuteerera,+
10 nokuti akanzi naMwari mupristi mukuru maererano nezvakanga zvakaita Merekizedheki.+
11 Tine zvizhinji zvokutaura pamusoro pake uye zvakaoma kuti zvitsanangurwe, zvamava vakagomara pakunzwa kwenyu.+
12 Chokwadi, nokuti kunyange zvazvo muchifanira kuva vadzidzisi+ kana tichitarira nguva, imi munodazve mumwe munhu kuti akudzidzisei kubva pakutanga zvinhu zvokutanga+ zvemashoko matsvene aMwari;+ uye mava sevanhu vanoda mukaka, kwete zvokudya zvikukutu.+
13 Nokuti munhu wose anodya mukaka haazivi shoko rokururama, nokuti mucheche.+
14 Asi zvokudya zvikukutu ndezvevanhu vakuru, zvevaya vanoita kuti simba ravo rokunzwisisa+ rirovedzwe kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa+ nokurishandisa kwavanoita.

