VaEfeso 5:1-33
5 Naizvozvo, ivai vatevedzeri vaMwari,+ sevana vanodiwa,
2 uye rambai muchifamba murudo,+ saKristu akakudaiwo,+ akazvipa nokuda kwenyu sechinopiwa uye sechibayiro+ kuna Mwari kuti ave kunhuhwirira kwakanaka.+
3 Ufeve+ nezvinhu zvisina kuchena zvemarudzi ose kana kukara+ ngazvirege kumbotaurwa nezvazvo pakati penyu,+ sezvinokodzera vanhu vatsvene;+
4 kana mufambiro unonyadzisa+ kana kutaura kwoupenzi kana majee anonyadzisa,+ izvo zvinhu zvisina kukodzera, asi panzvimbo paizvozvo kuonga.+
5 Nokuti munoziva izvi, uye munonyatsozviziva, kuti hapana chifeve+ kana munhu asina kuchena kana munhu anokara+—zvinoreva kuva munhu anonamata zvidhori—ane nhaka chero ipi zvayo muumambo hwaKristu nohwaMwari.+
6 Ngaparege kuva nomunhu anokunyengerai nemashoko asina zvaanobatsira,+ nokuti nokuda kwezvinhu zvataurwa kare hasha dzaMwari dziri kuuya pavanakomana vasingateereri.+
7 Naizvozvo musagoverana navo;+
8 nokuti maimbova rima,+ asi zvino mava chiedza+ munaShe. Rambai muchifamba sevana vechiedza,
9 nokuti chibereko chechiedza chinoumbwa nokunaka kwemarudzi ose nokururama nechokwadi.+
10 Rambai muchiva nechokwadi chezvinhu zvinogamuchirika+ kunaShe;
11 uye regai kugoverana+ navo mumabasa asina zvibereko erima,+ asi, itoashorai,+
12 nokuti zvinhu zvavanoita pachivande zvinotonyadzisa kurondedzera.+
13 Zvino zvinhu zvose zviri kushorwa+ zviri kuiswa pachena nechiedza, nokuti zvinhu zvose zviri kuiswa pachena,+ izvo chiedza.
14 Saka zvinonzi: “Muka,+ haiwa iwe munhu akarara, muka kubva kuvakafa,+ uye Kristu achavhenekera+ pauri.”
15 Naizvozvo rambai muchinyatsochenjerera kuti kufamba+ kwamunoita kurege kuita sezvinoita vanhu vasina kuchenjera asi sezvinoita vakachenjera,
16 muchizvitengera nguva+ yakakodzera, nokuti mazuva akaipa.+
17 Nokuda kweizvi musava mapenzi, asi rambai muchinzwisisa+ kuti zvinodiwa+ naJehovha ndezvipi.
18 Uyewo, musadhakwa+ newaini, nokuti pakudhakwa ndipo pane zvakaipa,+ asi rambai muchizadzwa nomudzimu,+
19 muchitaurirana nemapisarema,+ muchirumbidza+ Mwari nenziyo dzomudzimu, muchiimba+ uye muchiridzira Jehovha nziyo+ mumwoyo menyu,
20 muchigara muchionga+ Mwari wedu uye Baba vedu nokuda kwezvinhu zvose nomuzita raShe wedu Jesu Kristu.
21 Zviisei pasi pomumwe nomumwe+ muchitya Kristu.
22 Madzimai ngaazviise pasi+ pevarume vawo sokunaShe,
23 nokuti murume ndiye musoro womudzimai+ wake, Kristu zvaari musoro weungano,+ iye zvaari muponesi womuviri uyu.
24 Chokwadi, ungano zvainozviisa pasi paKristu, madzimai ngaaitewo saizvozvo kuvarume vawo muzvinhu zvose.+
25 Varume, rambai muchida madzimai enyu,+ Kristu zvaakadawo ungano, akazvipa nokuda kwayo,+
26 kuti aitsvenese,+ achiichenesa nokuita zvokuishambidza nemvura achishandisa shoko,+
27 kuti aise ungano kwaari iine runako rwayo,+ isina ruvara kana kuunyana kana kuti chero chimwe chezvinhu zvakadaro, asi kuti ive tsvene isina gwapa.+
28 Saizvozvo varume vanofanira kuda madzimai avo semiviri yavo. Anoda mudzimai wake anozvida,
29 nokuti hapana murume akambovenga nyama yake; asi anoipa zvokudya uye anoitarisira,+ sezvinoitirawo Kristu ungano,
30 nokuti tiri nhengo dzomuviri wake.+
31 “Saka murume achasiya baba vake naamai vake, onamatira mudzimai wake, uye vaviri vacho vachava nyama imwe.”+
32 Chakavanzika chitsvene+ ichi chikuru. Zvino ndiri kutaura pamusoro paKristu neungano.+
33 Kunyange zvakadaro, mumwe nomumwe wenyu ngaadewo mudzimai wake+ sezvaanozviita; uyewo, mudzimai anofanira kuremekedza+ murume wake kwazvo.

