VaEfeso 2:1-22
2 Uyezve, ndimi makaitwa vapenyu naMwari kunyange makanga makafa mukudarika kwenyu nomuzvivi zvenyu,+
2 mamakambofamba maererano nemamiriro+ ezvinhu enyika ino, maererano nomutongi+ wesimba remhepo, iwo mafungiro+ anoshanda zvino muvanakomana vasingateereri.+
3 Chokwadi, pane imwe nguva isu tose takambozvibata maererano nokuchiva kwenyama yedu+ tiri pakati pavo, tichiita zvinhu zvaidiwa nenyama+ nepfungwa dzedu, uye takazvarwa tiri vana vokuitirwa hasha+ sevamwe vose.
4 Asi Mwari, uyo ane ngoni zhinji,+ nokuda kworudo rwake rukuru rwaakatida narwo,+
5 akaita kuti tive vapenyu pamwe naKristu, kunyange patakanga takafa mukudarika+—imi makaponeswa nomutsa usina kukodzera kuwanwa+—
6 uye akatimutsa+ pamwe chete akatigarisa pamwe chete munzvimbo dzokudenga+ tiri pamwe naKristu Jesu,
7 kuti mumamiriro ezvinhu epanguva inouya+ pfuma+ inopfuura zvinhu zvose yomutsa wake usina kukodzera kuwanwa iratidzwe munyasha dzake kwatiri isu tiri pamwe+ naKristu Jesu.
8 Chokwadi, imi makaponeswa nokutenda pachishandiswa mutsa uyu usina kukodzera kuwanwa;+ uye izvi hazvina kuitika nokuda kwenyu,+ iwo chipo chaMwari.+
9 Aiwa, hazvina kuitika nokuda kwemabasa,+ kuti parege kuva nomunhu angava nechikonzero chokuzvirumbidza.+
10 Nokuti tiri chibereko chebasa rake+ uye takasikwa+ tiri pamwe+ naKristu Jesu nokuda kwemabasa akanaka,+ ayo Mwari akafanogadzira+ kuti tifambe maari.
11 Naizvozvo rambai muchiyeuka kuti maimbova vanhu vemamwe marudzi panyama;+ mainzi “vanhu vasina kudzingiswa” nevanhu vaya vainzi “vakadzingiswa” panyama zvichiitwa nemaoko+—
12 kuti panguva iyoyo chaiyo makanga musina Kristu,+ makaparadzaniswa+ noumambo hwaIsraeri, muri vanhu vasingazivikanwi pasungano dzechipikirwa,+ makanga musina tariro+ uye makanga musina Mwari munyika.+
13 Asi zvino mava pamwe naKristu Jesu imi maimbova kure kwazvo masvika pakuva pedyo pachishandiswa ropa+ raKristu.
14 Nokuti ndiye rugare+ rwedu, iye akaita kuti mativi maviri+ ave rimwe chete+ uye akaparadza rusvingo+ rwaiva pakati rwaiaparadzanisa.+
15 Akabvisa ruvengo+ achishandisa nyama yake,+ iwo Mutemo wemirayiro wakaumbwa nemirau,+ kuti asike marudzi maviri+ ari pamwe naye kuti ave munhu mumwe chete mutsva,+ ave norugare;
16 uye kuti ayananise+ kwazvo vanhu vose mumuviri mumwe chete+ kuna Mwari nedanda rokutambudzikira,+ nokuti akanga aparadza ruvengo+ achizvishandisa iye.
17 Akauya akazivisa mashoko akanaka orugare+ kwamuri, imi maiva kure, uye rugare kune vaya vaiva pedyo,+
18 nokuti naye isu, vanhu vose,+ tinosvika+ kuna Baba nomudzimu mumwe.+
19 Naizvozvo, hamusisirizve vanhu vasingazivikanwi+ uye vatorwa,+ asi mava vagari vemo+ pamwe chete nevatsvene+ uye mava nhengo dzeimba+ yaMwari,
20 makavakwa panheyo+ dzevaapostora+ nevaprofita,+ Jesu Kristu ari dombo renheyo repakona.+
21 Chivako chose chiri pamwe naye, chichinyatsobatanidzwa pamwe chete,+ chiri kukura kuva temberi tsvene yaJehovha.+
22 Imiwo muri kuvakwa pamwe chete kuti muve nzvimbo yokuti Mwari agare nomudzimu,+ muri pamwe naye.+

