Rwiyo rwaSoromoni 7:1-13
7 “Tsoka dzako dzakanaka sei muhwashu dzako,+ haiwa iwe mwanasikana ane chido chokubatsira!+ Maumbirwo ezvidya zvako akaita sezvishongo,+ basa remaoko emhizha.
2 Guvhu rako rakaita sendiro yeraundi. Waini yakavhenganiswa+ ngairege kushayikwa pariri. Dumbu rako rakaita somurwi wegorosi, wakakomberedzwa nemaruva.+
3 Mazamu ako maviri akaita sevana vaviri, vana vemhara hadzi vakaberekwa vari vaviri.+
4 Mutsipa wako+ wakaita seshongwe yenyanga dzenzou. Maziso ako+ akaita semadziva ari muHeshbhoni,+ ari pedyo negedhi reBhati-rabhimu. Mhino yako yakaita seshongwe yokuRebhanoni, yakatarira kuDhamasiko.
5 Musoro wako uri pauri wakaita seKameri,+ uye bvudzi+ romusoro wako rakaita semvere dzemakwai dzakaiswa ruvara rwepepuru yakatsvukuruka.+ Mambo anosungwa nebvudzi rinoyerera.+
6 Wakanaka sei, uye unofadza sei, haiwa iwe musikana anodiwa, pakati pezvinhu zvinofadza kwazvo!+
7 Chimiro chako ichi chakafanana nomuchindwe,+ uye mazamu ako,+ nemasumbu ezvibereko zvemichindwe.
8 Ndakati, ‘Ndichakwira mumuchindwe, kuti ndibate bazi remichero yemichindwe.’+ Ndapota, mazamu ako ngaaite semasumbu omuzambiringa, uye kunhuhwirira kwemhino yako semaapuro,
9 uye mukanwa mako sewaini yakanaka kwazvo+ inonyatsoyerera+ nokuda kwomudiwa wangu, inoyerera zvinyoronyoro pamiromo yevakarara.”
10 “Ndiri womudiwa wangu,+ uye iye anondisuwa.+
11 Uya, haiwa iwe mudiwa wangu, handei kusango;+ ngatigare pakati pemiti yemihena.+
12 Ngatifumomuka tiende kuminda yemizambiringa, kuti tinoona kana muzambiringa wakatungira,+ kana ruva rakatumbuka,+ kana miti yemipomegraneti yakatumbuka.+ Ikoko ndichakuratidza rudo rwangu.+
13 Mamandireki+ akabudisa kunhuhwirira kwawo, uye patinopinda napo pane michero yakanaka kwazvo yemarudzi ose.+ Haiwa mudiwa wangu, ndakakuchengetera mitsva pamwe chete neyekare.

